RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 61
  • Dhavhidhi Anoitwa Mambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhavhidhi Anoitwa Mambo
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Dhavhidhi naSauro
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Nei Dhavhidhi Achitiza
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Dhavhidhi Aiva Neushingi Hwekuita Zvakanaka
    Famba naMwari Neushingi
  • Zviri Mubhuku ra1 Samueri
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 61
Dhavhidhi ari kudaidzira kuna Mambo Sauro usiku

NHAU 61

Dhavhidhi Anoitwa Mambo

SAURO anoedzazve kubata Dhavhidhi. Anotora 3 000 amasoja ake ari magamba ndokundomutsvaka. Panonzwa Dhavhidhi izvi, anotuma tsori kundonzwa padzika misasa Sauro navanhu vake usikuhwo. Ipapo Dhavhidhi anokumbira vairi vavarume vake: ʼNdoupi wenyu achaenda neni kumusasa waSauro?ʼ

Abhishai anoti: ʼIni.ʼ Abhishai mwanakomana wehanzvadzi yaDhavhidhi Zeruya. Apo Sauro navarume vake vavete, Dhavhidhi naAbhishai vanopinda chinyararire mumusasa. Vanononga pfumo raSauro nechirongo chake chemvura, chiri parutivi pomusoro wake chaipo. Hapana anovaona, anovanzwa nokuti vose vakabatwa kwazvo nehope.

Chiona Dhavhidhi naAbhishai zvino. Vava kure, vakakotsekana pamsoro pechikomo. Dhavhidhi anodanidzira kupasi kumukuru weuto raIsraeri: ʼAbhineri, unoregerereiko kutaviridza tenzi wako, mambo? Tarira! Pfumo rake nechirongo chake chemvura zviri kupiko?ʼ

Sauro anomuka. Anoziva inzwi raDhavhidhi, ndokubvunza kuti: ʼNdiwe here Dhavhidhi?ʼ Ungaona Sauro naAbhineri pasi apo here?

ʼHongu, she wangu mambo,ʼ Dhavhidhi anopindura Sauro. Uye Dhavhidhi anobvunza kuti: ʼMunoedzereiko kundibata? Chinhuiko chakaipa chandakaita? Heri pfumo renyu, O mambo. Mumwe wavarume venyu ngaauye agoritora.ʼ

Mambo Sauro anonzwa inzwi raDhavhidhi

ʼNdakanganisa,ʼ Sauro anobvuma. ʼNdakaita noupenzi.ʼ Ipapo Dhavhidhi anoenda, uye Sauro anodzoka kumusha. Asi Dhavhidhi anoti: ʼRimwe ramazuva aya Sauro achandiuraya. Ndinofanira kutizira kunyika yavaFiristia.ʼ Ndozvaanoita. Dhavhidhi anonyengedza vaFiristia kuti vadavire kuti zvino ari kurutivi rwavo.

Imwe nguva pashure vaFiristia vanokwira kundorwisana naIsraeri. Muhondoyo, Sauro naJonatani vanourawa vose. Ikoku kunosuruvarisa kwazvo Dhavhidhi, ndokunyora rwiyo rwakanaka, maanoimba kuti: ʼIni ndinokusuruvarira, muninʼina wangu Jonatani. Waidikanwa sei neni!ʼ

Pashure paikoku Dhavhidhi anodzokera kuIsraeri kuguta reHebroni. Kune hondo pakati pavarume vanosarudza mwana waSauro Ishi-bosheti kuva mambo navamwe varume vanoda Dhavhidhi kuva mambo. Asi varume vaDhavhidhi vanokunda. Dhavhidhi ava namakore 30 paanoitwa mambo. Kwamakore manomwe nehafu anobata ushe muHebroni. Vamwe vavanakomana vaanoberekerwa vanonzi Amnoni, Abhisaromi naAdhoniya.

Nguva inosvika apo Dhavhidhi navarume vake vanondotapa guta rakaisvonaka rinonzi Jerusarema. Joabhi, mumwe mwana wehanzvadzi yaDhavhidhi Zeruya, anotungamirira muhondoyo. Dhavhidhi anotusa Joabhi nokumuita mukuru weuto rake, Zvino Dhavhidhi anovamba kubata ushe muguta reJerusarema.

1 Samueri 26:1-25; 27:1-7; 31:1-6; 2 Samueri 1:26; 3:1-21; 5:1-10; 1 Makoronike 11:1-9.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe