Fundo 31
Pwisa Vateereri Vako, Rangarira Navo
1, 2. Chii chiri chibvumikiso chinopwisa?
1 Apo unotaura unokarira kuti vateereri vako vateerere, bva handizvo zvoga. Ungadawo kuti vagamuchire zvibvumikiso zvinopiwa ndokuzvishandisa. Vachaita ikoku kana ivo vachipwiswa nouchokwadi hwezvaunotaura uye kana mwoyo yavo yakarurama. Kupwisa kunoreva kugutsa kupfurikidza nezvibvumikiso. Asi zvibvumikiso zvoga hazvisati zvichiwanzova zvakakwana. Chibvumikiso chinozvitsigira chinowanzodikanwa. Naizvozvo, kupwisa kupfurikidza nechibvumikiso kunobatanidza zvinhu zvitatu zvinokosha: chokutanga, zvibvumikiso izvo zvimene; chechipiri, nhevedzano kana kuti kuteverana kunopiwa nako zvibvumikiso; chechitatu, mutoo uye nzira dzinoshandiswa mukuzvipa. Mukurukurirano ino, iyo inowirirana ne“Chibvumikiso chinopwisa” iri pafomu reZano Rokutaura, ticharangarira chinotaurwa, chibvumikiso chinopiwa, panzvimbo pamapire aunochiita.
2 Chibvumikiso chinopwisa chinotsamira pazvikonzero zvakanaka zvinokosha, uye iyoyo ndiyo nzira yachicharangarirwa nayo naanokupa zano. Zvibvumikiso zvako zvinofanira kuva zvinopwisa kunyange kana munhu aizozvirava mubhuku. Kana vara rinopwisa rehurukuro yako richitsamira pamutoo warinopiwa nawo uye pasati pari pamaidi awashandisa kusimbisa pfundo rako, ipapo uchafanira kukudziridzazve iri vara kuti uite kuti chibvumikiso chako chive chakasimba uye cheidi chaizvoizvo.
3-6. Ratidza chikonzero nei hwaro huchifanira kuvanzarikwa.
3 Hwaro hwavanzarikwa. Usati wapa zvibvumikiso zvako, kuri madikanwa kuvanzarika hwaro hwakafanira. Unofanira kujekesa riri pfundo rekurukurirano. Uye kunobetsera kuisa chikonzero chinobvumiranwa kupfurikidza nokusimbisa nhau dzinowirirana dzamunobvumirana.
4 Mune zviitiko zvakati mashoko anofanira kurondedzerwa zvakajeka. Zvinhu zvose zvisina kukodzera zvinofanira kubviswa. Rega kukurumidza kuvanzarika hwaro hwako. Husimbise, asi rega kuita kuti hwaro huve chivako chose. Mukuramba chibvumikiso, nzvera mapfundo akasiyana-siyana anoshandiswa kuchitsigira kuti uwane mapfundo akaneta uye kukubetsera kusarudza chibvumikiso chako uye nzira yokusvika nayo kumudzi wenhau yacho.
5 Mukugadzirira hurukuro yako, unofanira kuedza kukarira kuti vateereri vako vanotoziva zvakawanda sei pamusoro penhau yako. Ikoku kuchasarudza kusvikira kutambanuko huru kuti hwaro hwakadini hwauchada kuvanzarika usati wapinda chaizvoizvo mukupa zvibvumikiso zvako.
6 Kungwarira pakutaura uye tsika dzechiKristu zvinorayira kusvika kwomutsa uye kwokurangarira, kunyange zvazvo iroro risati riri pfundo ratiri kushandira pariri pano. Nguva dzose shandisa zvakazara zivo yako yenheyo dzechiKristu ndokuzarura mwoyo uye ndangariro dzavateereri vako.
7-13. Tsanangura revo yokuti “chibvumikiso chakanaka chapiwa.”
7 Chibvumikiso chakanaka chapiwa. Nhau haisati ichi“bvumikiswa” nemhaka bedzi yokuti iwe, somukurukuri, unoidavira kana kuti unoitaura. Nguva dzose unofanira kuyeuka kuti vateereri vako vanoruramiswa zvizere mukubvunza kuti, “Nei ikoko kuri chokwadi?” kana kuti, “Nei uchiti ikoko kwakadaro?” Somukurukuri nguva dzose une musengwa wokuva anokwanisa kupindura mubvunzo wokuti “Nei?”
8 Mibvunzo yokuti “Sei?” “Ndiani?” “Kupi?” “Rini?” “Chii?” inobudisa maidi bedzi uye mashoko mukupindura, asi mubvunzo wokuti “Nei?” unobudisa zvikonzero. Unomira woga muna ikoku uye unorayira zvakawanda kwauri zvinopfuura maidi bedzi. Unoshandisa zvikuru mano ako okufunga. Nemhaka yaikoku, mukugadzirira hurukuro yako, zvibvunze wazvibvunzazve mubvunzo mumwe chetewo kuti: “Nei?” Ipapo iva nechokwadi kuti unogona kugovera mhinduro dzacho.
9 Sezvikonzero zvokutaura kwaunoita unogona kuwanzonokora mashoko mumwe munhu anogamuchirwa sechiremera. Ikoko kunongoreva zvako kuti kana iye akaataura, anofanira kuva echokwadi nemhaka yokuti iye anozivikanwa somunhu anoziva. Ikoko kunokuita kuve chikonzero chakakwana chokuadavira. Chiremera chikurusa mune urwu rutivi, chokwadika, ndiJehovha Mwari. Naizvozvo, kunokora mashoko rugwaro rwuri muBhaibheri mukutsigira ufakazi kwakakwana kubvumikisa pfundo. Ikoku kunonzi ufakazi hwe“chipupuriro” nemhaka yokuti hunoitwa ne“chipupuriro” chinobva kune chapupu chinogamuchirwa.
10 Mukubudisa ufakazi hwechipupuriro unofanira kuva nechokwadi kuti chapupu chako chichagamuchirwa navateereri vako. Kana ukashandisa zviremera zviri vanhu, iva nechokwadi choruzivo rwavo uye kurangarirwa kwavachaitwa. Vanhu vazhinji vachagamuchira Bhaibheri seChiremera chaMwari, asi vamwe vanorirangarira sebhuku romunhu nokudaro risati riri chiremera chakakwana. Mune zviitiko zvakadaro ungafanira kutendeukira kune humwe ufakazi kana kuti zvichida kutanga wasimbisa uchokwadi hweBhaibheri.
11 Herino shoko renyevero. Ufakazi hwose hunofanira kushandiswa nenzira yokutendeseka. Rega kunokora mashoko asina kutaurwa. Iva nechokwadi chokuti chaunotaura ndicho chaichoicho icho chiremera chauri kunokora mashoko chairangarira kutaura. Iva akananga munongedzero dzako. Ngwarirawo nhamba. Kana dzikapiwa nomutoo usina kufanira, idzodzi dzinogona kudzokera dziine migumisiro inoparadzanya. Yeuka murume aisagona kushambira uye uyo akanyura murukova rwakanga rwakadzama avhareji yemafiti matatu bedzi. Akakanganwa gomba rine mafiti gumi riri pakati.
12 Ufakazi hunotsamira pamamirire ezvinhu ndehuya husati huri hwechipupuriro chomunhu kana kuti chiremera chaMwari. Ihwo ufakazi hunovakirwa panongedzero dzinobva mumaidi panzvimbo pokunokorwa kwamashoko ezvapupu. Kuti ugosimbisa mhedziso dzako ndokuita kuti ufakazi hunotsamira pamamirire ezvinhu hupwise, unofanira kuva nemaidi akawanda uye zvibvumikiso zvinotsigira mhedziso dzako.
13 Kana zvibvumikiso zvose zvaunopa (zvisati hazvo zviri munhevedzano) zvakakwana kugutsa vateereri vauri kutaura kwavari, anokupa zano achakurangarira kuva kunogutsa. Anopa zano achazvibvunza, achikurangarira nendangariro yavateereri kuti, “Ndapwiswa here?” Kana apwiswa, ipapo iye achakurumbidza pakupa kwako.
14. Chii chiri kupfupikisa kunobudirira?
14 Kupfupikisa kunobudirira. Rudzi rwakati rwokupfupikisa nguva dzose rwunokosha kuchibvumikiso chinobvumisa. Ndicho chikumbiro chokupedzisira kufunga, kuchiwedzera kunzwisiswa kwezvibvumikiso zvashandiswa. Kupfupikisa hakusati kuchingofanira kuva kutaurwazve kwamaidi, kunyange zvazvo zvikurukuru kuchingova zvako nhau yokuti “sezvo ikoku kwakadaro, uye sezvo ikoko kwakadaro, naizvozvo tinogumisa . . . ” Urwu rutivi runogadzirirwa kubatanidza mapfundo ose pamwe chete ndokuasvitsa kumhedziso. Kakawanda ndiko kupfupikisa kunobudirira kunojekesa zvibvumikiso zvokuti izvo zvinopwisa chaizvoizvo.
**********
15, 16. Nei tichifanira kubetsera vateereri kurangarira?
15 Kunyange zvazvo zvibvumikiso zvaunoshandisa muhurukuro zvingava zvakanaka, hakuna kukwana kungotaura maidi chete. Unofanira kuapa nemutoo wakadaro zvokuti unobetsera vateereri kufunga, kunzwisisa zvibvumikiso zvako uye kusvika pamhedziso dzimwe chetedzo dzaunoita. Ikoku ndiko uko kasiripi keZano Rokutaura kanonongedzera se“Vanzwi vabetserwa kurangarira.”
16 Unofanira kuda iri vara nemhaka yokuti Mwari anorangarira pamwe chete nesu. Uyewo, Jesu akatsanangurira mienzaniso yake vadzidzi vake ndokuvashongedzera kudzidzisa zvokwadi dzimwe chetedzi kuna vamwe. Kubetsera vateereri vako kurangarira, ipapoka, kunoreva kushandisa unyanzvi huya huri madikanwa kubetsera vateereri vako kunzwisisa chibvumikiso chako, kusvika kumhedziso dzako ndokushongedzerwa kushandisa zvibvumikiso zvako kudzidzisa mumwewo munhu.
17, 18. Hwaro hunobvumiranwa hunochengetwa sei?
17 Chikonzero chinobvumiranwa chachengetwa. Chaunotaura pamwe chete nokutaura kwaunochiita kunokosha mukusimbisa chikonzero chinobvumiranwa pamavambo ehurukuro yako. Asi ichi chikonzero chinobvumiranwa hachifaniri kuraswa sezvo hurukuro inofambira mberi nokuti ukadaro ucharasawo vateereri vako. Unofanira kupfuurira kutaura mapfundo ako nenzira yakadaro zvokuti achafadza ndangariro yaavo vari muvateereri vako. Ikoku kunoda kuti urangarire murangariro wavo pamusoro penhau iri kukurukurwa ndokushandisa iyi zivo kuvabetsera kuona kuva nomufungo kwezvibvumikiso zvako.
18 Muenzaniso wakaisvonaka wokusimbisa chikonzero chinobvumiranwa ndokuchichengeta kusvikira kumugumo, ndiko kuti, kubetsera vateereri kurangarira, ndicho chibvumikiso chomuapostora Pauro, sechakanyorwa muna Mabasa 17:22-31. Cherechedza kusimbisa kwaakaita chikonzero chinobvumiranwa pamavambo uye nenzira yokuchenjera pakutaura ndokuchichengeta muhurukuro yake yose. Apo akapedza akanga apwisa vakati kuti vavateereri vake nezvechokwadi, kubatanidza mumwe mutongi akanga aripo.—Mabasa 17:33, 34.
19-23. Karakadza mitoo inogona kukudziridzwa nayo mapfundo zvakakwana.
19 Kukudziridzwa kwakakwana kwamapfundo. Kuti vateereri vagorangarira pamusoro penhau yakati vanofanira kuva namashoko akakwana anopiwa nenzira yakadaro zvokuti havasati vachiramba zvibvumikiso nemhaka bedzi yokuti havasati vachinzwisisa zvizere. Zviri kwauri kuvabetsera.
20 Kukuita nenzira inobudirira, ngwarira kuti urege kufukidza mapfundo mazhinji zvikuru. Kunaka kwamashoko ako kucharasika kana akapiwa nechimbichimbi. Iva nenguva yokutsanangura mapfundo zvakakwana, zvokuti vateereri vako havasati vachizongoanzwa bedzi asi vachaanzwisisa. Apo unotaura pfundo rinokosha, iva nenguva yokukudziridza. Pindura mibvunzo yakadai seyokuti Nei? Ndiani? Sei? Chii? Rini? Kupi? Neiyi nzira betsera vateereri vako kunzwisisa mufungo wacho zvizere zvikuru. Pane dzimwe nguva unogona kupa zvibvumikiso zvinotsigira uye zvinorwisana nepfundo kusimbisa kuva nemufungo kwechimiro chako. Nenzira yakafanana, pashure pokutaura nheyo, ungakuwana kuchibetsera kuienzanisira kuti vateereri vagoona kushanda kwayo kunobetsera. Chokwadika, nzwisiso inofanira kushandiswa. Kukudziridzwa kukuru kuchaitwa pfundo ripi neripi kuchatsamira panguva inowanika uye ukoshi hunowirirana hwepfundo racho nenhau iri kukurukurwa.
21 Mibvunzo inowanzova yakanaka mukubetsera vateereri kurangarira. Mibvunzo isingadi mhinduro, ndiko kuti, mibvunzo inopiwa vateereri pasina kukarira mhinduro inobva kwavari, inoperekedzwa nokutindika kwakakodzera, ichanyandura kufunga. Kana uri kutaura kumunhu mumwe kana kuti vaviri bedzi, somuushumiri hwomumunda, unogona kuita kuti vataure kupfurikidza nemibvunzo sezvaunopfuurira, uye neiyi nzira uchiva nechokwadi kuti vari kunzwisisa uye vari kugamuchira mifungo iri kupiwa.
22 Sezvaunoda kutungamirira ndangariro yaavo vari muvateereri vako, unofanira kuvakira pazvinhu zvavanotoziva, zvingava zvinobva muruzivo rwavo vamene kana kuti zvinobva murutivi rwapakutanga rwehurukuro yako umene. Naizvozvo, mukusarudza kana wakudziridza zvakakwana mapfundo akati, unofanira kurangarira zvaitozivikanwa navateereri vako pamusoro penhau yacho.
23 Nguva dzose kunokosha kutarira kuita kwavateereri vako kuti uve nechokwadi kuti vari kukutevera. Pakuri madikanwa, dzokera ndokujekesa mapfundo usati wapfuurira kuchibvumikiso chinotevera. Kutoti uchingwarira kuvabetsera kurangarira, ivo vangarasikirwa nyore nyore nemifungo yako.
24. Kuita kushandisira vateereri vako zvibvumikiso kunobatira donzoi rakanaka?
24 Kushandisa kwaitirwa vateereri. Pakupa chibvumikiso chipi nechipi, iva nechokwadi chokupedza kupfurikidza nokuratidza zvakajeka kuti chine chokuitai nenhau iri kurangarirwa. Uyewo, batanidza kunyandura muhurukuro yacho, uchikurudzira vateereri vako kuita chiito chinowirirana namaidi apiwa. Kana ivo vachinge vapwiswa zvirokwazvo nezvawataura, vachava vakagadzirira kuita chiito.