RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 28 pp. 138-142
  • Kutarisa Vateereri uye Kushandiswa Kwezvinonyorwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutarisa Vateereri uye Kushandiswa Kwezvinonyorwa
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • **********
  • Kutarisana Nevateereri
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kushandisa Pepa Rehurukuro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kugadzirira Hurukuro Dzavose
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 28 pp. 138-142

Fundo 28

Kutarisa Vateereri uye Kushandiswa Kwezvinonyorwa

1. Tsanangura ukoshi hwokutarisa vateereri uye rutivi runoitwa nokushandiswa kwezvinonyorwa muna ikoku.

1 Kutarisana zvakakwana navateereri vako iyamuro huru mukudzidzisa. Kunowana rukudzo rwavo ndokukugonesa kudzidzisa nomutoo unobudirira zvikuru. Kutarisana kwako navo kunofanira kukupinza muonano yapedyo yakadaro zvokuti kuita kwavo kuri kwose kunonzwiwa pakare pakarepo newe somukurukuri. Kushandisa kwako zvinonyorwa kunoita rutivi rwunokosha mukusarudza kana uchitarisa vateereri zvakadaro kana kuti usati. Zvinonyorwa zvakanyanyowanda zvinogona kuva mhinganidzo; asi kushandiswa kwounyanzvi kwezvinonyorwa hakukangaidzi, kunyange kana mamiriro ezvinhu achida kuti izvo zvive zvakati rebei zvikuru kupfuura nguva dzose. Ikoko imhaka yokuti mukurukuri ane unyanzvi haarasikirwi nokutarisa kwake vateereri kupfurikidza nokunyanyotarisa zvikuru zvinonyorwa kana kuti zvimwe panguva isina kururama. Pakasiripi kako keZano Rokutaura ikoku kunopiwa ngwariro, uye kwakarongwa so“Kutarisa vateereri, kushandiswa kwezvinonyorwa.”

2-5. Chii chinobetsera kutarisa vateereri kunobudirira?

2 Kutarisana navateereri. Kutarisa kunoreva kuona vateereri vako. Hakusati kuchingoreva bedzi kutarisa vateereri asi kutarisa vanhu vamwe navamwe vari muvateereri. Kunoreva kuona zvitarisiko zvezviso zvavo uye kuita nomutoo unowirirana.

3 Kutarisa vateereri vako hakusati kuchingoreva kukanda kanda maziso kubva kune rumwe rutivi kuenda kune rumwe zvokuti hapana nomunhu anopotswa. Tarisa mumwe munhu ari muvateereri uye ndokutaura mutsetse kana kuti miviri kumunhu iyeyo. Ipapo tarisa mumwe ndokutaura mimwezve mitsetse mishomanene kumunhu iyeyo. Rega kunyanyotarisa munhu upi noupi kwenguva refu kwazvo zvokuti iye anonyara uye rega kunangidzira ngwariro pavanhu vashomanene bedzi vari muvateereri vose. Pfuurira kufamba muvateereri vose neiyi nzira, asika, sezvaunotaura kumumwe munhu, taura chaizvoizvo kuna iyeyo uye cherechedza kuita kwake usati wapfuurira kune mumwe. Zvinonyorwa zvako zvinofanira kuiswa pasitendi yomukurukuri kana kuti muruoko rwako kana kuti muBhaibheri kuti ugogona kuzvitarisa nokukurumidza, nokungokandwa kweziso bedzi. Kana kuri madikanwa kufambisa musoro wako wose kuti uone zvinonyorwa zvako, kutarisa vateereri kuchatambura.

4 Anopa zano wako haasati achizongocherechedza bedzi kuti unoshandisa kazhinji sei zvinonyorwa zvako asi apo unozvitarisa. Kana uchitarisa zvinonyorwa zvako apo unenge uchisvika pfundo rinokosha, hausati uchizoona kuita kwavateereri vako. Kana uchiramba uchitarisa zvinonyorwa zvako, ucharasikirwawo nokutarisa. Ikoku kunowanzoratidzira kutya kana kuti zvimwe gadziriro isina kukwana nokuda kwokukurukura.

5 Pane nguva apo vakurukuri vane ruzivo rwokuzviwanira vanokumbirwa kupa hurukuro yose iri pamanyoro, uye, chokwadika, ikoku kunoti ganhurirei kutarisa kwavo vateereri. Asi kana ivo vakasanorovedzana namashoko acho somugumisiro wegadziriro yakanaka, vanokwanisa kutarisa vateereri vavo panguva nenguva vasingarasikirwi nenzvimbo yavo, uye ikoku chikuchidziro kukurava kwavo kunobaya mwoyo.

6-9. Ratidza mumwe mutoo wokuwana nawo kutarisa vateereri, uye mhinganidzo dzinofanira kudziviswa.

6 Kutarisa vateereri kupfurikidza nokutaura kwakananga. Ikoku kwakangokoshawo sezvakaita kutarisa. Kunobatanidza mashoko aunoshandisa mukutaura kuvateereri vako.

7 Apo unotaura kumunhu mumwe muri moga unotaura naye zvakananga kupfurikidza nokutaura kuti “iwe,” “yako” kana kuti “isu,” “chedu.” Uko kwakakodzera, unogona kutaura nenzira imwe cheteyo kuvateereri vakawanda zvikuru. Edza kurangarira hurukuro yako sekurukurirano nomunhu mumwe kana kuti vaviri panguva. Sanocherechedza zvakakwana kuitira kuti ugone kuvapindura sokunge kuti ivo vataura kwauri chaizvoizvo. Ikoku kuchaita kuti kukurukura kwako kuve sokumunhu mumwe.

8 Kunyanguvezvo heri shoko renyevero. Dzivisa ngozi yokuva akanyanyorovedzana navateereri vako. Hausati uchifanira kunyanyova akarovedzana sezvausati waizoita mukurukurirano inoremekedzwa nomunhu mumwe kana kuti vaviri pasuo muushumiri hwomumunda, asi unogona uye unofanira kuva akananga zvakafanana.

9 Imwe ngozi. Unofanira kuva anongwarira mukushandisa kwako zvisazitasingwi ndokusaisa vateereri vako muchimiro chisingadikanwi. Somuenzaniso, muhurukuro pamusoro pousindimari, ungasashandisa chimiro chokutaura chingaratidzira kuti vateereri vako isindimari. Kana kuti, kana uri kukurukura maawa akaderera mumusangano webasa, ungazvibatanidza muhurukuro yacho, uchishandisa chisazitasingwi chokuti, “isu” panzvimbo pokuti “imi” nguva dzose. Kuva nomufungo uye kurangarira zvinofanira kukurira nyore nyore ngozi ipi neipi yourwu rudzi.

**********

10, 11. Chii chinofanira kutikurudzira kudzidza kushandiswa kwendaza?

10 Kushandiswa kwendaza. Vakurukuri vashomanene vanotanga nokutaura zviri pandaza. Kazhinji kazhinji ivo vachafanonyora hurukuro yacho uye ipapo vorava kana kuti zvimwe kuikurukura nomusoro. Anopa zano wako achafuratira ikoko pakuvamba, asi apo unosvika pa“Kushandiswa kwendaza” pakasiripi kako keZano Rokutaura iye achakukurudzira kutaura zvinobva pazvinonyorwa. Apo unokugona, uchawana kuti wafambira mberi zvikuru somukurukuri wavose.

11 Vana navakuru vasati vachigona kunyange kurava vanopa hurukuro, vachishandisa mienzaniso kukarakadza mifungo. Unogona kugadzirira hurukuro yako inewo ndaza yakapfava, yakafanana nemharidzo dzaMagwaro dzakanyorwa muUshumiri hwoUmambo. Unogona kutaura nguva dzose usina manyoro muushumiri hwomumunda. Unogona kuita nyore nyore zvakafanana muchikoro, kana bedzi ukasarudza kukuita.

12, 13. Ipa zvikarakadzo pamusoro pamaitirwe endaza.

12 Sezvo kushandira pane iri vara kuri kukubetsera kubva pamanyoro, mose muri muviri mukugadzirira nomukukurukura, rega kudzidza nomusoro hurukuro yako. Kuchakurira donzo reiyi Fundo.

13 Kana uri kushandisa magwaro, unogona kuzvibvunza mibvunzo inoratidza yokuti, Sei? Ndiani? Rini? Kupi? zvichingodaro. Ipapo, sezvo inokodzera, shandisa mibvunzo iyoyi sorutivi rwezvinonyorwa zvako. Mukupa hurukuro yacho ingorava zvako rugwaro, zvibvunze kana kuti saimba wako mibvunzo iyoyi, sezvakafanira, uye ipindure. Kunogona kuva kwakapfava saizvozvo.

14, 15. Zvinhui zvisati zvichifanira kutiodza mwoyo?

14 Vavambi vanowanzoitira hanya kuti vachakanganwa chimwe chinhu. Zvisinei, kana wakudziridza hurukuro yako nomutoo une mufungo, hapana nomumwe anombopotsa mufungo mumwe kana ukaufuratira. Zvisinei kufukidzwa kwamashoko hakusati kuri kurangarira kukuru panhano ino. Kunokosha zvikuru kuti iwe zvino udzidze kutaura zviri pandaza.

15 Kunobvira kuti mukupa iyi hurukuro uchanzwa kuti warasikirwa namazhinji amavara akatodzidzwa. Rega kutya hako. Achadzoka uye uchazviwana wava nyanzvi zvikuru paari kana ukagona bedzi kutaura usina manyoro.

16, 17. Mukuita zvinonyorwa, tinofanira kuyeukei?

16 Herino shoko bedzi pamusoro pezvinonyorwa zvinoshandiswa nokuda kwehurukuro muchikoro choushumiri. Zvinofanira kushandiswa kuyeuka mifungo, kwete kuiziva nomusoro. Zvinonyorwa zvinofanira kuva zvipfupi. Zvinofanira kuvawo zvakatsvinda, zvine nhevedzano uye zvinoravika. Kana kuronga kwako kuri shanyo yedzokerero, zvinonyorwa zvako zvinofanira kuva zvisingaonekwi, zvichida zviri mukati meBhaibheri rako. Kana iri hurukuro yapachikuva uye uchiziva kuti uchashandisa sitendi yavakurukuri, ipapo zvinonyorwa zvinofanira kusava chinetso. Asi kana usina chokwadi, gadzirira nomutoo unowirirana.

17 Imwe yamuro ndeyokunyora musoro pamusoro pezvinonyorwa zvako. Mapfundo makuru anofanirawo kutanhamara zvakajeka kumeso. Edza kuanyora namabhii makuru ose kana kuti kuisa mutsetse pasi.

18, 19. Tinogona sei kurovedza kushandisa ndaza?

18 Kushandisa kwako zvinonyorwa zvishomanene bedzi mukukurukura hurukuro yako hakusati kuchireva kuti unogona kurega kuita gadziriro yakakwana. Tanga kugadzirira hurukuro yacho muudzame, uchiita ndaza yakakwana seyaunoda. Ipapo, gadzirira ndaza yechipiri, pfupi zvikuru. Iyi ndiyo ndaza yauchashandisa chaizvoizvo kukurukura hurukuro yacho.

19 Zvino isa ndaza dzose dziri mbiri pamberi pako uye, uchingotarisa bedzi ndaza yakapfupiswa, taura zvakawanda sezvaunogona papfundo guru rokutanga. Tevere, ringa ndaza ine udzame zvikuru uye ona zvawafuratira. Pfuurira kupfundo guru rechipiri mundaza yako yapfupikiswa uye ita zvimwe chetezvo. Pashure penguva yakati, ndaza pfupi ichava yakarovedzeka zvikuru kwauri zvokuti unogona kuyeuka chinhu chiri chose chiri mundaza ine udzame zvikuru nokungotarisa bedzi zvinonyorwa zvako zvipfupi. Nerovedzo uye noruzivo rwokuzviwanira uchavamba kuonga betsero dzokutaura usingaravi uye uchashandisa manyoro apo bedzi anodikanwa chose chose. Uchanzwa wakasununguka zvikuru apo unotaura uye vateereri vako vachateerera noruremekedzo rukuru zvikuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe