RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 25 pp. 126-130
  • Kurava uye Kushandisa Magwaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurava uye Kushandisa Magwaro
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • **********
  • Magwaro Averengwa Achisimbiswa Zvakakodzera
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kutungamirira Ngwariro kuBhaibheri
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Magwaro Ashandiswa Zvakarurama
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Magwaro Anyatsosumwa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 25 pp. 126-130

Fundo 25

Kurava uye Kushandisa Magwaro

1-3. Pakukurukura hurukuro, tinofanira kurava sei magwaro?

1 Apo unotaura kuvamwe pamusoro pamadonzo aMwari, mungave muri moga kana kuti uri pachikuva chavose, kurukurirano yako inovakirwa pamagwaro ayo unorava muBhaibheri. Naizvozvo kuraviwa chaikoiko kwamagwaro iwayo kunofanira kuitwa zvakanaka. Hakufaniri kuitwa zvachero. Panzvimbo pezvo, kunofanira kuunza kunyandura kwakawedzera kukupa kwako kana kurava kuchiita donzo rako. Nokuda kweichi chikonzero kasiripi keZano Rokutaura kanoronga “Magwaro araviwa nokusimbisa” sechimwe chinhu chokurangarira chaicho chinoita munhu ari wose anoda kuva mushumiri anokwanisa.

2 Magwaro anofanira kuraviwa nesimba, asi hakufaniri kunyanyiswa. Ukuru hwokusimbisa hunopiwa kurugwaro hunofanira kutsamira parugwaro rumene nokurongwa kwarwo muhurukuro. Hunofanira kusimbisa chibvumikiso asi hahufaniri kukwevera ngwariro kukurava.

3 Kupfuurirazve, kurava kunofanira kunangidzira ngwariro parutivi rworugwaro runotsigira chibvumikiso chako. Kunofanira kujekesa pfundo kuti vateereri vapwiswe. Nokudaro, kurava magwaro nokusimbisa kwakafanira kunoroverera chivimbo. Kunoita kuti kurava kuve nechiremera.

4, 5. Chii chinorehwa nokuti “mashoko akarurama asimbiswa”? Enzanisira.

4 Mashoko akarurama asimbiswa. Chikonzero chiri kuravirwa rugwaro chinofanira kudzora chichasimbiswa. Kana mufungo uri wose unotaurwa murugwaro uchisimbisa zvakaenzana, hapana chinhu chichatanhamara uye pfundo rako rechibvumikiso richarashika. Naizvozvo iva nechokwadi chokuti mashoko anosimbiswa zvikuru ndiayo anoshandisirwa rugwaro rwacho.

5 Somuenzaniso, kana uri kushandisa Ezekieri 18:4 kubvumikisa kuti chivi chinotungamirira, kwete kukutambudzwa kusingagumi, asi kurufu, ungairava neiyi nzira: “Mweya unotadza uchafa,” nokusimbisa chaiko pamashoko akatsveyamiswa. Asi kana pfundo rauri kusimbisa riri rokuti hausati uchingovawo zvawo muviri asi mweya chaizvoizvo unofa, ungachinja kusimbisa, uchirava kuti: “Mweya unotadza uchafa.” Kusimbisa kwako kunofanira kusarudzwa nechikonzero nei uri kurava rugwaro rwacho.

6-12. Tinogona kusimbisa mashoko ane mufungo orugwaro munzirai?

6 Mutoo unobudirira wokusimbisa washandiswa. Mashoko ane mufungo waunoda kuti utanhamare anogona kusimbiswa munzira dzakati, uye mutoo waunoshandisa unofanira kutsinhirana norugwaro nokurongwa kwehurukuro.

7 Urwu rutivi rwevara rokuti “Magwaro araviwa nokusimbisa” harunzi rwushandise nzira dzose dzinobvira dzokusimbisa nokutaura. Uchabata noudzame ihwohwu zvizere zvikuru apo unofunda kusimbisa pfungwa. Asi mitoo mishomanene yakarongwa pano kukubatsira mukuwana mano okurava Magwaro ako nenzira inobudirira.

8 Kusimbisa inzwi. Ikoku kunobatanidza kuchinja kupi nokupi muinzwi, mungava mukukwidza, kukurumidza kana kuti simba, kunotanhamarisa mashoko ane mufungo achibva muna mamwe asara omumutsetse wacho.

9 Kutindika. Ikoku kungaitwa usati wasvika pachikamu chikuru chorugwaro rwacho kana kuti zvimwe pashure pacho, kana kuti zvose zviri zviviri. Kutindika chinguvana usati warava mufungo mukuru kunoparira kariro; kutindika pashure pako kunodzamisa mufungo unosimbiswa.

10 Kudzokorora. Kusimbisa kunogona kuwanwa papfundo rakati kupfurikidza nokuzvidzongonyedza uye kuravazve shoko kana kuti chikamu chamashoko. Uyu mutoo unofanira kubatwa nawo nokungwarira.

11 Majangariko. Kufambisa muviri, pamwe chete nechitarisiko chechiso, zvinogona kazhinji kazhinji kubetsera kusimbisa shoko kana kuti chikamu chamashoko.

12 Chimiro chenzwi. Panhambo nenhambo chimiro chenzwi chinoraviwa nacho mashoko chinogona kutapura revo yawo ndokuaparadzanisa, asi panowo, ungwaru hunofanira kushandiswa, zvikurukuru mukushandisa mashoko okuzvidza.

13, 14. Apo saimba anorava rugwaro, tinogona kusimbisa sei mapfundo arwo makuru?

13 Magwaro anoraviwa nasaimba. Apo saimba anorava rugwaro, iye angasimbisa mashoko asina kururama kana kuti kusatongoasimbisa. Chii chaunogona kuita ipapo? Kazhinji kazhinji muchinoitika chakadaro kwakanakisisa kutendeukira kukushandisa kwako rugwaro rwacho kuti usimbise mapfundo aunoda kuti asimbiswe. Pashure pokunge kurava kwapedzwa, ungakwevera ngwariro yasaimba kumashoko iwawa kupfurikidza nokuadzokorora kana kuti kubvunza mibvunzo.

14 Pane imwe nzira inogona kuitwa nayo ikoku, asi inoda ngwariro uye kungwarira pakutaura. Ungadzongonyedza kurava papfundo rakafanira, uchizvipembedza apo unoita kudaro, ibvei wokwevera ngwariro yakati kushoko kana kuti chikamu chamashoko chiri kuraviwa chaunoda kusimbisa. Kana ikoku kuchigona kuitwa pasina kunyadzisa kana kuti kushatirisa saimba kunogona kuva kunobudirira, asi kunofanira kuitwa zvishoma.

**********

15-17. Nei kuchikosha kujekesa kushanda kwamagwaro?

15 Kurava rugwaro, kunyange nokusimbisa, kunowanzova kusina kukwana kuita donzo rako. Panhambo nenhambo, ichokwadi, rugwaro rumene rungabatira sokushandiswa kwomufungo waunorangarira muchibvumikiso chako. Asi, zvikurukuru, kuri madikanwa kukweverazve ngwariro kumashoko ane mufungo ari murugwaro rwacho ibvei woratidza kushanda kwawo muchibvumikiso chacho. Ikoku ndiko uko kasiripi keZano Rokutaura kanonongedzera kwakuri sokushanda kwoRugwaro kwajekeswa.” Yeuka, munhuwo zvake haana kurovedzana neBhaibheri uye haagoni kunzwisisa pfundo rako mukurava kumwe chete. Kusimbisa mashoko makuru nokuashandisa zvinobvumidza mifungo kunyura.

16 Kana kuchizobvirira kushandisa rugwaro, runofanira kuva rwakakodzera chibvumikiso chako uye kazhinji kazhinji runofanira kusumwa nomutoo wakafanira. Ipapo, uchirangarira kudzidzisa, uchada kuita kuti kushandisa kwako kuve kwakapfava sezvinobvira.

17 Kupfuurirazve, unofanira kunzwisisa zvakajeka rugwaro rwacho uye kushandisa kwako kunofanira kuva kwakarurama. Rangarira mashoko akapoteredza, nheyo dzinoshandiswa kana kuti vanhu vanobatanidzwa apo kushandisa kwako rugwaro kunokuda. Usatongoshandisa rugwaro nenzira isingatsinhirani nechakarangarirwa nomunyori. Nyatsotevera zvinyorwa zveSosaiti pakushandisa.

18. Tinogona sei kuparadzanisa nenzira inobudirira mashoko makuru anofanira kushandiswa?

18 Mashoko anofanira kushandiswa aparadzaniswa. Usati washandisa rugwaro kana kuti mukati marwo mashoko makuru anofanira kuwanzosimbiswazve. Ikoku kuva nechokwadi chokuti chinhu chiri chose chiri murugwaro chisingawirirani nechibvumikiso chako chichava chiduku kana kuti kuitwa chechipiri. Mashoko amene anooneka murugwaro rwacho haafaniri chaizvoizvo kudzokororwa kuita ikoku, kunyange zvazvo kuri nzira yakunowanzoitwa nayo. Asi muzvinoitika zvakati unogona, munzira yakati, kunangidzira nenzira inobudirira ngwariro yavateereri vako pamifungo yakaparadzaniswa iri kurangarirwa. Nzira imwe yaunogona kuita nayo ikoku ndeyokushandisa mashoko ane revo yakafanana chete mukutaurazve mufungo wako. Imwe ndeyokubvunza mubvunzo. Kana kukurukura kwako kuchibatanidza saimba, mibvunzo yako inogona kubvunzwa kuti uwane mifungo mikuru kune mumwe munhu.

19-22. Kudzokororai kunonongedzerwa kwakuri nokuti “pfundo resumo rajekeswa”?

19 Pfundo resumo rajekeswa. Ikoku kunongoreva bedzi kuva nechokwadi chokuti donzo rako mukushandisa rugwaro rinonzwisiswa zvakajeka uye rinoongwa. Kungava kuti hauna kukuwana kuri madikanwa kana kuti kuchishuviwa nokuda kwechikonzero chakati kusuma senguva dzose rugwaro rwacho. Ikoko hakusati kuchireva kuti pfundo rorugwaro harifaniri kujekeswa. Asi, kazhinji kazhinji, wafanogadzirira chibvumikiso chacho rugwaro rusati rwaraviwa. Zvino unofanira kuona kuti pane kudzokorora kuti upedze kushandiswa kworugwaro rwacho.

20 Vateereri vako uye ukoshi hwepfundo riri mukukurukura kwose kwamashoko zvichasarudza ukuru hunofanira kuitwa kushandisa kwacho. Kunowanzova kusina kukwana kungokurukura bedzi rugwaro. Unofanira kubatanidza mifungo inosimbiswa murugwaro nechibvumikiso chako chesumo. Unofanira kutsanangura zvakajeka chinobatanidza ichocho.

21 Kana kushandisa kwako kuchigona kuva kwakapfava zvikuru, uye kuchingoita donzo rako, kuchava kuri nani zvikuru. Kunofanira kuva kusina udzame hwose husingawirirani. Ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokuderedza chibvumikiso chako kusvikira kumaidi mashomanene zvikurusa anobvira ibvei wowedzera ari madikanwa bedzi kuita kuti anzwisisike. Kana chimwe chinhu chasiyiwa chisina kupindurwa musumo, kushandisa kwako kunofanira kuchigovera.

22 Papfundo rino rokufambira mberi mupurogiramu yeRovedzo Yokutaura, kupfava nokunanga zvinofanira kuva nharidzano yako. Apo unozvigona, kurava kwako uye kushandisa magwaro kucharatidzira mano omudzidzisi ane unyanzvi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe