RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 2 pp. 7-9
  • Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Vana Vako?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Vana Vako?
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVAUNOFANIRA KUZIVA
  • ZVAUNOGONA KUITA
  • Vana Nemafoni—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuva Nefoni Inoenda paIndaneti Here?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Chengetedzai Mwana Wenyu Kuti Asaona Zvinonyadzisira
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Vana Nemafoni—Chikamu 2: Kudzidzisa Vana Kushandisa Mafoni Zvakanaka
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Zvakadini Noushamwari HwepaIndaneti?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 2 pp. 7-9
Vana vemazera akasiyana-siyana vari pamafoni, mavhidhiyo gemhu nemakombiyuta avo panzvimbo pekutamba nezvidhori kana imwewo mitambo.

Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Vana Vako?

Vanhu vakuru vanogona kuomerwa nekushandisa mafoni. Asi sezvo vana vakangoberekwa mafoni avako, zvinovaitira nyore chaizvo kuashandisa.

Zvakaonekwa kuti vana vanoita nguva yakawanda vachishandisa mafoni vanopedzisira . . .

  • vapindwa muropa nawo.

  • vava kushungurudzwa kana kushungurudza vamwe paIndaneti.

  • vava kuona zvinonyadzisira kunyange vasina kumbozvitsvaga.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Mukomana akabata foni yake ari kuvhara dhoo mai vake pavari kupfuura.

KUPINDWA MUROPA

Mamwe mapurogiramu epafoni uye magemhu akatogadzirwa nenzira inoita kuti apinde muropa. Bhuku rinonzi Reclaiming Conversation rinoti, “Maapplication ari pamafoni akagadzirwa nenzira inoita kuti zviome kurega kuashandisa.” Mabhizinesi ekushambadzira anoita mari patinoona zvinhu zvavanenge vachishambadzira, saka patinoita nguva yakawanda tichishandisa mapurogiramu anobudisa zvinhu zvavanoshambadzira, tinenge tichitovawanisa mari yakawanda.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Vana vako havagoni kugara vasina mafoni avo here? Ungavabatsira sei kuti vashandise nguva yavo zvakanaka?—VAEFESO 5:15, 16.

KUSHUNGURUDZWA

Vamwe pavanenge vari paIndaneti, havatauri nevamwe zvakanaka. Izvi zvinogona kuita kuti vapedzisire vava kuitira vamwe utsinye kana kuti kuvashungurudza.

Vamwe vanhu havatauri nevamwe zvakanaka pasocial media nekuti vanenge vachida kuzivikanwa kana kufarirwa nevanhu vakawanda. Vamwe vanogona kurwadziwa pavanoona kuti vakasiyiwa pane zvimwe zvinhu zvakadai sekukokwa kupati. Zvinogonawo kuita kuti vanzwe sekuti vari kuitirwa utsinye.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Vana vako vanotaura nevamwe zvakanaka here pamafoni? (VaEfeso 4:31) Vanorwadziwa here kana vakasiyiwa pane zvimwe zvinhu?

KUONA ZVINONYADZISIRA

Zviri nyore chaizvo kuona zvinhu zvinonyadzisira paIndaneti. Vabereki vanofanira kuziva kuti kunyange zvazvo paine masetting anoita kuti vana vasaona zvinhu zvinonyadzisira, masetting iwayo haakwanisi kuvhara zvese.

Mune dzimwe nyika kutumira kana kutumirwa mapikicha anonyadzisira hakusi pamutemo. Kunyange vari vana vari kutumira kana kutumirwa mapikicha acho, vanogona kutosungwa nemhosva yekuona zvinhu zvinonyadzisira.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Ungabatsira sei vana vako kuti vasaona kana kutumira mapikicha anonyadzisira pamafoni?—VAEFESO 5: 3, 4.

ZVAUNOGONA KUITA

DZIDZISA VANA VAKO

Kunyange zvazvo vana vachigona kushandisa mafoni, vanoda kubatsirwa. Bhuku rinonzi Indistractable rinoti kupa mwana foni iwe usina kumudzidzisa kuishandisa zvakanaka, “kwakangofanana nekumusiya achipinda mumvura iye asingagoni kutuhwina.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo; kunyange kana akwegura haazobvi mairi.”—ZVIREVO 22:6.

Pazvinhu zviri pasi apa, sarudza zvaunoda kuita kana kuti nyorawo zvimwe zvaunofunga.

  • Kurukura nemwana wako kuti ataure zvakanaka nevamwe pafoni

  • Batsira mwana wako kuti asanyanye kurwadziwa kana akasiyiwa pane zvimwe zvinhu

  • Ita zvese zvaunogona kuti mwana wako asaona zvinhu zvakashata pafoni

  • Gara uchitarisa foni yemwana wako

  • Muudze kuti anoshandisa foni yake kwenguva yakareba sei pazuva

  • Muudze kuti kana nguva yekurara yakwana, haafaniri kushandisa foni

  • Ivai nemutemo wekuti hapana anofanira kubata foni panguva yekudya

ZVAMUNOFANIRA KUKURUKURA SEVABEREKI

  • Tinoshandisa here zvinhu zvakaita semafoni kuti tivaraidze mwana?

  • Mwana wedu anofanira kuva nefoni inoenda paIndaneti here? Kana achifanira kuva nayo anoidirei Indaneti yacho?

  • Tine mari here yekutengera mwana wedu foni inoenda paIndaneti?

  • Mwana wedu anokwanisa kuzviitira ega zvisarudzo zvakanaka here?

  • Mwana wedu paanokanganisa, anobvuma here mhosva yake ogadzirisa?

  • Mitemo ipi yatichaisa panyaya yekushandisa foni?

  • Zvii zvatichaita kuti mwana wedu asapedze nguva yakawanda ari pafoni?

    ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Vanhu vakuru vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VAHEBHERU 5:14.

Laureta naDavid.

“Nei mwana wako achida kuva nefoni? Anoshandisa sei foni yako? Anoenda pamawebsite api? Anotamba magemhu api? Anoshandisa foni kwenguva yakareba sei? Tanga waona kuti anozvidzora here pakushandisa foni usati wamutsvagira yake.”​—LAURETA, NEMURUME WAKE DAVID.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe