RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 3 pp. 4-5
  • Tsvaga Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsvaga Chokwadi
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Zvakanakira Kuziva Chokwadi
  • Zvaunogona Kuita
  • Rusarura Rwakakubatawo Here?
    Mukai!—2020
  • Uri Nyajambwa Wekufungira Mano Akaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Rusaruro—Dambudziko Riri Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Rusaruro Ruchapera Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 3 pp. 4-5
Varume vaviri vari kukurukura nemukadzi ari kutsvaga basa. Mukadzi wacho ari kuratidza kutya.

Tsvaga Chokwadi

Dambudziko

Kakawanda kacho vanhu vanosarura vamwe nemhaka yekusaziva chokwadi nezvavo. Ona mienzaniso inotevera:

  • Vamwe vanhu vanofunga kuti vakadzi havakwanisi kuita mamwe mabasa.

  • Vamwe vanhu vanovenga vanhu vekune dzimwe nyika nekuti vanenge vachiti vari kuvatorera mabasa.

  • Vanhu vakawanda vanofungidzira kuti vanhu vakaremara vane hasha uye vanogara vakasuwa.

Vanhu vane maonero akadaro vanogona kutaura zvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu vachida kutsigira mafungiro avo. Uye vanofunga kuti munhu wese asingabvumirani nemafungiro avo ndiye akatorasika.

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Munhu asina ruzivo haana kunaka.”—ZVIREVO 19:2.

Zvinorevei? Kana tisina chokwadi chakazara, tinotadza kuita chisarudzo chakanaka. Kana tikangobvuma zvese zvinotaurwa nevanhu, tinopedzisira tava kufungira vamwe zvisizvo.

Bhaibheri Rinokurudzira Rusarura Here?

Vamwe vanoti Bhaibheri rinokurudzira rusarura. Asi Bhaibheri rinombotii?

  • Tese tine ukama: Mwari “akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete.”—Mabasa 17:26.

  • Mwari haasaruri: “Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—Mabasa 10:34, 35.

  • Mwari anotarisa mwoyo wemunhu, kwete zvaakaita nechekunze: “Munhu anoona zvinooneka nemaziso, asi Jehovha anoona zviri mumwoyo.”—1 Samueri 16:7.a

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

Zvakanakira Kuziva Chokwadi

Kana tikaziva chokwadi nezvevamwe vanhu, kashoma kuti tizongobvuma zvese-zvese zvinotaurwa nezvavo. Patinoziva kuti takanyeperwa nezvevamwe vanhu, zvinoita kuti tizvibvunze kuti zvimwe zvatakanzwa nezvevamwewo vanhu ndezvechokwadi here.

Zvakaitika Kune Vamwe: Jovica (Balkans)

Jovica, ambotaurwa munyaya yekutanga, akakura achinzwa rumwe rudzi rwevanhu rwuchishorwa munhau uye paTV. Anoti: “Ndakatanga kusarura vanhu ivavo, uye kutovavenga. Uye ndaiona sekuti maonero angu akanga asina kuipa.

“Pandaiva musoja, ndaishanda uye ndaigara pamwe chete nemamwe masoja erudzi irworwo. Kunyange ndakanga ndisingadi kugara navo, hapana zvandaigona kuita. Nekufamba kwenguva, ndakazoziva zvakawanda nezvavo. Ndakatotanga kudzidzira mutauro wavo uye kuteerera nziyo dzavo. Ndakatanga kuvafarira uye maonero andaivaita akachinja. Asi ndinoziva kuti kapfungwa ikako kerusarura kanogona kudzoka. Saka handiteereri nhau dzinotaura mashoko ekushora rudzi irworwo. Uyewo handioni mafirimu kana kuteerera nyambo dzinotaura mashoko ekuvatsvinyira. Ndinoziva kuti kuva nerusarura kunogona kupedzisira kwaita kuti ndive neruvengo.”

Zvaunogona Kuita

  • Yeuka kuti zvinotaurwa nevanhu nezverumwe rudzi kana vamwe vanhu, hazvirevi kuti vese ndozvavari.

  • Ziva kuti unogona kunge uine zvimwe zvinhu zvaunenge usingazivi nezvevanhu ivavo.

  • Tsvaga mashoko echokwadi.

Vakabvisa ruvengo

Mapikicha: 1. Varume vaviri vari kuita nyaya vachifamba. 2. Mumwe wacho ari kunyemwerera aine shamwari dzake.

Chii chakabatsira muArab nemuJudha kuti vatange kuwirirana?

Ona vhidhiyo inonzi Kuvengana Kuchapera Rini? iri pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe