RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 5 pp. 3-7
  • Kana Njodzi Ikaitika Zvii Zvatingaita?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Njodzi Ikaitika Zvii Zvatingaita?
  • Mukai!—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ISATI YAITIKA GADZIRIRA!
  • PAINOITIKA KURUMIDZA KUTIZA
  • PAINENGE YAPERA RAMBA UCHIZVICHENGETEDZA!
  • Imhosva yaMwari Here?
    Mukai!—2007
  • Wakagadzirira Njodzi Dzinongoitika Dzoga Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Wakagadzirira Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Zvaungaita Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzoga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 5 pp. 3-7
Vanodzima moto vachiita basa ravo

NYAYA IRI PAKAVHA

Kana Njodzi Ikaitika Zvii Zvatingaita?

“Pane chinhu chakaputika zvine simba, zvekuti ndakapotsa ndadonhera pasi. Utsi hwakatanga kupwititika uye mahofisi edu ari mudenga akabva atanga kubvira.”—Joshua.

Kudengenyeka kwenyika . . . dutu rine simba rehurricane . . . ugandanga . . . kupfurwa kwevana muzvikoro, ndidzo nyaya dzinogara dzakabuda munhau. Kungoverenga nezvenjodzi dzakadai kwakasiyana nekunyatsoona zvichiitika kwauri. Kuti upone, zvii zvaungaita njodzi isati yaitika, painoitika uye painenge yapera?

ISATI YAITIKA GADZIRIRA!

NJODZI inogona kuitika kuna chero ani zvake. Kuti upone, zvakakosha kuti ugare wakagadzirira. Asi kugadzirira kwacho kunosanganisira chii?

  • Gadzirira pfungwa dzako. Ziva kuti iwe nemhuri yako munogona kuwirwa nenjodzi. Kuzogadzirira njodzi yacho yaitika kunenge kwatova kunonoka.

  • Ziva njodzi dzinogona kuitika kwaunogara. Gara uchiziva kwaungazotizira kana njodzi yaitika. Imba yako yakasimba here uye yakavakirwa pakanaka here? Bvisa zvinhu zvinogona kukonzera moto. Isa maaramu anorira kana paita utsi (smoke detectors), uye wopota uchichinja mabhatiri acho kamwe chete pagore kana kanopfuura.

  • Gara uine zvinhu zvekushandisa. Magetsi nemvura zvinogona kuenda, foni dzotadza kushanda, uye zvekufambisa zvinogona kushayika. Kana uine mota, edza kugara uine mafuta asiri pasi pehafu, uye gara uine chikafu, mvura nezvimwe zvinokosha zvekushandisa.—Ona bhokisi rakanzi “Une Zvinhu Zvekuzoshandisa Here?”

    Mhuri iri kurongedza zvinhu zvekuzoshandisa kana pakaitika njodzi

    Kugadzirira kwakakosha kuti upone

  • Gara uine nhamba dzefoni dzeshamwari dziri pedyo nedziri kure.

  • Dzidzirai matiziro amuchaita. Zivai kune madhoo ari padhuze ekubuda panze uye udzai vana venyu zvekuita kana njodzi ikaitika vari kuchikoro. Rongai nzvimbo dzamunozosangana semhuri, dzakadai sepachikoro kana kuti pamashopu. Imwe ngaive pedyo uye imwe yova kure nekwamunogara. Mamwe masangano anokurudzira kuti mupote muchienda kunzvimbo idzodzo semhuri kuti mujairane nenzira yacho.

  • Gadzirira kuzobatsira vamwe, kusanganisira vanhu vakura nevanorwara.

PAINOITIKA KURUMIDZA KUTIZA

Joshua ambotaurwa nezvake anoti, “Pakatanga moto, vanhu vakawanda havana kuvhunduka, vaitononozeka. Vamwe vaitodzima zvavo makombiyuta kana kuisa mvura muzvigubhu. Mumwe murume akatoti, ‘Ngatimbomirai.’” Kunyange zvazvo vamwe vainonoka, Joshua akashevedzera achiti: “Ngatibudei muno izvezvi!” Paakangodaro, vaanoshanda navo vakabva vatanga kudzika masitepisi vachimutevera. Akaramba achishevedzera achiti, “Handei, kana mumwe akadonha mubatsirei, tese tinobuda!”

  • Panobvira moto. Kurumidza kubuda panze uye famba wakakotama. Utsi hunoita kuti usaona zvakanaka, uye panoitika moto vanhu vakawanda vanofa nekufema utsi. Upenyu hunokosha, saka usaedza kubudisa zvinhu nyangwe chaunofunga kuti chiri padhuze.

  • Panoitika kudengenyeka kwenyika. Enda pasi pezvinhu zvakadai sematafura kana kuti mira pedyo nemudhuri wemukati. Kana kudengenyeka kwati dzikamei, pasi panogona kuzozunguzika zvekare. Saka kurumidza kuzobva pedyo nezvivako. Vanoita basa rekununura vanogona kunonoka kusvika, saka edza kubatsira vamwe kana uchikwanisa.

  • Panoitika tsunami. Kurumidza kuenda panzvimbo yakakwirira nekuti panogona kuuya mamwe mafungu akakura.

  • Panoitika tornado kana kuti hurricane. Mhanyira kunzvimbo yaunogona kunovanda.

  • Panoitika mafashamo. Usapinda muzvivako zvinenge zvakazara mvura. Usafamba kana kutyaira nemumvura. Inogona kunge iine tsvina, zvinhu zvinokuvadza uye unogona kutsika mumakomba kana tambo dzemagetsi.

  • Waizviziva here? Mvura inopfuura zvishoma mumabvi inogona kuyeredza mota. Vanhu vakawanda vanofa vachiedza kupfuura nepane mvura.

  • Kana hurumende ikati vanhu ngavabve panzvimbo yaunenge uri, kurumidza kubva! Udza shamwari dzako kuti uri kupi nekuti vanogona kutozoisa upenyu hwavo pangozi vachikutsvaga.

    Mhuri iri kuteerera redhiyo

    Kana hurumende ikati vanhu ngavabve panzvimbo yaunenge uri, kurumidza kubva!

  • Waizviziva here? Kutumira meseji kuri nani pane kuedza kufona.

  • Kana hurumende ikati vanhu vasabuda mudzimba, usabuda. Kana pakaitika njodzi yekurasika kwemakemikari kana kuti yenyukiriya, usabuda mumba uye vhara madhoo nemahwindo kuti mhepo isapinda. Teerera nhau paTV kana kuti paredhiyo. Ramba uri mumba kusvikira maudzwa kuti chibudai.

PAINENGE YAPERA RAMBA UCHIZVICHENGETEDZA!

Kuti usarwara kana kukuvara ita zvinhu zvinotevera:

  • Gara neshamwari, kana zvichiita, pane kugara panzvimbo inenge yakaungana vanhu.

  • Paunogara ngapagare pakachena.

  • Pfeka zvinhu zvinodzivirira paunenge uchibvisa marara. Kana zvichiita pfeka magirovhosi, bhutsu dzakasimba, heti yakasimba uye chinhu chinoita kuti usafema guruva. Ngwarira tambo dzemagetsi uye marasha achiri kupisa.

  • Ita zvinhu zvawagara uchiita. Ratidza kuti hausi kutya uye une tariro. Izvi zvichabatsirawo vana vako. Vadzidzise zvinhu zvekuchikoro, tamba navo uye itai zvinhu zvekunamata semhuri. Usangogara uchifunga zviri kutaurwa munhau nezvenjodzi yacho, uye usagumbukira mhuri yako. Bvuma kubatsirwa uye batsirawo vamwe.

    Mhuri iri kuita zvayagara ichiita pashure pekunge njodzi yaitika

    Njodzi painenge yapera, ramba uchiita zvinhu zvawagara uchiita

  • Ziva kuti panoitika njodzi, zvinhu zvako zvinogona kuparara. Hurumende nemamwe masangano anoyamura vanongobatsira vanhu kuti vararame kwete kuvapa zvinhu zvese zvavakarasikirwa nazvo. Zvinhu zvinokosha imvura yakachena, chikafu uye pekugara.—1 Timoti 6:7, 8.

  • Udza vamwe zviri kukushungurudza. Kakawanda kacho njodzi painenge yapera, unogona kutanga kuzvidya moyo, kusuruvara, kutadza kushanda kana kuisa pfungwa pachinhu uye kutadza kurara.

Kunyange zvazvo Joshua akapona pamoto wakaitika kubasa kwake, vakawanda vakafa. Akabatsirwa nevakuru vechiKristu uye vanachiremba. Joshua anoti, “Vakandisimbisa vachindiudza kuti kurwadziwa kwandaiita kwaizopera. Mwedzi 6 payakazopera, ndakanga ndisingachanyanyi kuvhumuka. Asi pane zvimwewo zvandichiri kunetseka nazvo.”

Njodzi dzinotisiya tavhiringika nekuti vanhu vasina mhosva vanotambura. Padzinoitika, vamwe vanhu vanopa Mwari mhosva. Vamwe vanodemba kuti dai vakafa havo pakafa vamwe kana kuti dai vaine zvimwe zvavakaita kuti vabatsirewo. Joshua anoti, “Ndichiri kunzwa sekuti ndaigona kunge ndakaponesa vanhu vakawanda. Kuziva kuti Mwari ava pedyo kubvisa zvinhu zvese zvakaipa uye zvinotishungurudza kunondinyaradza. Parizvino, zuva rimwe nerimwe randinorarama ndinorikoshesa uye ndinoedza kuzvichengetedza.”​—Zvakazarurwa 21:4, 5.a

a Kana uchida kunzwa zvimwe zvinovimbiswa naMwari uye kuti nei achibvumira kutambura, verenga bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Unogona kuridhaunirodha pawebsite yedu inonzi www.jw.org.

UNE ZVINHU ZVEKUZOSHANDISA HERE?

Zvinhu zvekuzoshandisa kana pakaitika njodzi

Masangano anobatsira panoitika njodzi anokurudzira vanhu kuchengeta zvinhu zvekuzoshandisa, uye gore negore zvinofanira kutariswa kuti zvichiri kushandisika here. Zvinhu izvi zvinosiyana zvichienderana nekwaunogara uye mawaniro aunoita, saka tsvaga kuti ndezvipi zvinoshanda kwaunogara.

Zvinowanzokurudzirwa kuti mugare muine inenge (11L) yemvura (pamunhu) uye zvekudya zvisingaori zvisingadi kubikwa zvemazuva matatu.

Dzimwe mhuri dzakaisa zvinhu zvinotevera mumabhegi adzo:b

  • Magumbeze, hembe dzinodziya uye bhutsu dzakasimba

  • Tochi, redhiyo yemabhatiri uye mabhatiri ekuzochinja

  • Kabhegi kefirst-aid uye pito yekuti ushevedze vanobatsira

  • Zvekudyisa, chekuvhurisa magaba, kabanga kemuhomwe uye machisa

  • Zvekuti usafema guruva, serotepi isinganamanuki kana ikaenda mvura uye mapurasitiki ekugadzira pekugara

  • Matoothbrush, sipo, matauro uye matissue

  • Zvinhu zvinoshandiswa nevacheche uye vakwegura kana kuti vakaremara

  • Chinhu chisingapindi mvura chekuisira mishonga, makadhi ekuchipatara, uye mamwewo mapepa anokosha

  • Pepa rine nhamba dzevanhu vekuzofonera, nzvimbo dzekusangana nevamwe uye mepu yekwamunogara

  • Makadhi ekubhengi uye mari

  • Mamwe makiyi epamba neemota

  • Mapepa, mapenzura, mabhuku uye zvinhu zvevana zvekutambisa

  • Bhaibheri

b Zvimwe zvinhu zvataurwa zvinogona kusashanda kwauri kana kuti kwaunogara. Unogona kuwedzera zvimwe zvisina kutaurwa pano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe