RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 11/15 pp. 13-14
  • Paunenge Wava Kufanira Kudzoka Kumba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Paunenge Wava Kufanira Kudzoka Kumba
  • Mukai!—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • Ndagadzirira Kubva Pamba Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndingaita Sei Kuti Ndishandise Mari Yangu Zvakanaka?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinofanira Kubva Pamba Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kushandisa Mari Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 11/15 pp. 13-14
Vabereki vanovhurira mwana wavo dhoo paanodzoka kuzogara kumba

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VECHIDUKU

Paunenge Wava Kufanira Kudzoka Kumba

DAMBUDZIKO

Vamwe vechidiki vanenge vabva pamba vachinogara vega vanotarisana nematambudziko emari vobva vadzoka kumba. Zvakamboitikawo kwauri here?

Kunyange uchida baba naamai vako, kudzoka kumba kunogona kuoma. Semuenzaniso, mumwe musikana anonzi Saraha anoti: “Kugara ndega kwakaita kuti ndikwanise kuva nechivimbo chekuzvimiririra nekuti ndaisafanira kutarisira kuchengetwa nevamwe. Asi kudzoka kumba kwakaita kuti ndinzwe sekamwana zvakare.” Mukomana anonzi Richard akanzwawo saizvozvo. Anoti, “Ndaisada kudzokera kumba, asi ndaisakwanisa kuzviriritira. Ndakaona sekuti handibatsiri.”

Kana uri mumamiriro ezvinhu akafanana neaya, nyaya ino inogona kukubatsira kuti ukwanise kuzviriritira zvakare.

SEI ZVICHIITIKA?

Matambudziko emari. Vechidiki vakawanda pavanobva pamba, vanoshamisika chaizvo pavanotanga kuona kuoma kwazvakaita kurarama vega. “Ndakatsvaira mari yese yandaiva nayo ndichiedza kuzviriritira,” anodaro Richard, ambotaurwa kumashure. Ndizvo zvakaitikawo kumusikana anonzi Shaina. Akabva pamba aine makore 24 ndokudzoka pashure pegore nehafu. Anoti, “Ndingadai ndakashandisa mari zvakanaka. Ndakabva pamba ndisina mari ndikadzoka ndatova nechikwereti.”b

Matambudziko emabasa. Kurasikirwa nebasa kunogona kuvhiringidza kunyange urongwa hunenge hwanyatsoitwa nemunhu kuti azviriritire ega. Ndizvo zvakaitika kuna Shaina. Anoti: “Ndakapedza kosi ine chekuita nezvekurapa, uye ndakawana basa ndichibatsirwa nerimwe sangano rinobatsira vanhu kutsvaga mabasa. Asi pandakarasikirwa nebasa racho ndakabva ndapererwa. Ndakanga ndichigara kumaruwa kwakanga kusina mukana wekuti ndiwane basa rinoenderana nezvandakadzidza.”

Kutarisira zvisingaitiki. Vamwe vechidiki vanowanzotanga kuenda kumabasa vasina kugadzirira kushanda kuti vazviriritire. Kazhinji basa ravo rinenge rakaoma kupfuura zvavaitarisira. Zvinovaodza mwoyo pavanoona kuti rusununguko rwavaida harusi kuvanakidza. Havana kumbobvira vafungidzira kuti upenyu hwaizenge hwakaoma zvakadaro.

ZVAUNOGONA KUITA

Taura nevabereki vako nezvekudzoka kumba. Kurukurai zvinhu zvakaita seizvi: Uchada kugara pamba kwenguva yakareba sei? Paunenge uri pamba, uchaitei kuti ubatsire pazvinhu zvinoda mari? Ndeapi mabasa epamba auchange uchiita? Matanho api auchatora kuti uzokwanisa kutanga kuzviriritira? Pasinei nekuti une makore mangani, yeuka kuti wava pasi pevabereki uye unofanira kutevedzera mitemo yavo.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Eksodho 20:12.

Dzidza kushandisa mari yako zvakanaka. Bhuku rinonzi The Complete Guide to Personal Finance: For Teenagers and College Students rinoti: “Mashandisiro aunoita mari anoratidza kuti ungabudirira here pakuchengetedza mari yako kana kuti kwete. . . . Unofanira kugara uchiziva kuti haufaniri kushandisa mari yako pazvinhu zvisingakoshi.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Ruka 14:28.

Wana mazano anobatsira. Vabereki kana kuti vamwe vabva zera vanogona kukubatsira kuti ukwanise kubhenga, kubhajeta, uye kubhadhara zvinhu zvaunoshandisa. Mumwe musikana anonzi Marie anoti, “Ndaitofanira kutanga kudzidza kuti zvinhu zvinokosha ndezvipi. Shamwari yangu yakandibatsira kunyora pasi zvinhu zvinokosha nezvisingakoshi. Ndakashamisika pandakaona kuti zvinhu zvakawanda zvaipedza mari yangu zvakanga zvisingakoshi! Ndakadzidzawo kuti kuzvidzora kunokosha kuti munhu akwanise kuzviraramira.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 13:10, Bhaibheri rine Apokirifa.

Chinonyanya kukosha kupfuura basa raunoita, kuva nyanzvi pabasa racho

Tora matanho ekuti uwane basa. Shandisa nguva yaungadai uri kushanda kuti utsvage basa. Yambiro: Vamwe vanhu vangakukurudzira kuti utsvage basa riri pamwoyo pako. Asi kutsvaga basa riri pamwoyo pako kungaita kuti pave nemabasa mashoma aungada kuita uye kungaita kuti usaone mikana yemamwe mabasa anenge aripo. Pane kupedza nguva uchitsvaga basa rimwe chete, edza kutsvaga mabasa akasiyana-siyana. Yeuka kuti chinonyanya kukosha kupfuura basa raunoita, kuva nyanzvi pabasa racho. Zvakacherechedzwa kuti vashandi vane ruzivo rwakawanda uye unyanzvi vanonakidzwa nebasa ravo. Kuti unakidzwe nebasa rako, hazvirevi hazvo kuti rinofanira kunge riri basa rawagara uchida.

a Mazita ari munyaya ino haasi avo chaiwo.

b Vadzidzi vekukoreji muUnited States vanowanzosangana nedambudziko rakadaro. Maererano nezvakataurwa neThe Wall Street Journal, mudzidzi paanokwereta mari yekuenda kuchikoro, anopedza kudzidza ava nechikwereti chemari inenge US$33 000.

MAGWARO ANOKOSHA

  • “Kudza baba vako naamai vako.”​—Eksodho 20:12.

  • “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi, overenga zvinodiwa, kuti aone kana aine zvakakwana zvokuipedza nazvo?”—Ruka 14:28.

  • ‘Vanobvuma kupiwa mazano vane uchenjeri.’—Zvirevo 13:10, Bhaibheri rine Apokirifa.

VABEREKI

Shandisai nguva iyo vana venyu vanenge vachiri pamba kuti muvadzidzise zvimwe zvinhu zvinokosha zvavanozoshandisa pavanenge vava kugara vega. Zvinhu izvi zvinosanganisira kushandisa mari zvakanaka (kusatambisa mari uye kungwarira pakutenga nechikwereti), mabasa epamba (kubika, kuwacha uye kuaina hembe, uye kugadzira zvinhu zviri nyore pamotokari), uye kugarisana nevamwe (kukwanisa kuwirirana nevamwe).

Kuti uzive zvakawanda, ona mapeji 305 ne306 ebhuku rinonzi “Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda,” Bhuku 1, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo paIndaneti pawww.jw.org. Enda pakanzi MABHUKU > MABHUKU UYE MABHUROCHA.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe