RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 11/15 pp. 3-6
  • Mibvunzo Mitatu Iyo Vanhu Vangada Kubvunza Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Mitatu Iyo Vanhu Vangada Kubvunza Mwari
  • Mukai!—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1 “MUNOREGEREI VANHU VACHITAMBURA?”
  • 2 “NEI MUZVITENDERO MAKAZARA UNYENGERI?”
  • 3 “TINOMBORARAMIREI?”
  • Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mwari Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 11/15 pp. 3-6
Murume ari kufunga nezvezvinhu zvese zviripo, chitendero, uye kuvapo kwevanhu

NYAYA IRI PAKAVHA

Mibvunzo Mitatu Iyo Vanhu Vangada Kubvunza Mwari

MIBVUNZO yaiva naSusan nezvaMwari yakatanga paaiva nemakore 7, shamwari yake Al iyo yaiva nemakore 9 payakapinda muchipatara nechirwere cheporiyo ndokuiswa mumuchina wesimbi unoshanda semapapu. Akanyora nezvenyaya yake mupepanhau reThe New York Times raJanuary 6, 2013.

Paakabva kuchipatara kunoona Al, Susan akabvunza amai vake kuti: “Mwari anodarirei kumukomana mudiki akadaro?”

“Ukabvunza mupristi anokuudza kuti Mwari anofanira kunge aine zvikonzero zvake,” amai vake vakapindura kudaro, “asi ini handizive kuti zvingava zvipi.”

Pashure pemakore maviri, muna 1954, mushonga wekudzivirira poriyo wakagadzirwa naJonas Salk wakanga wava kuwanika, uye amai vaSusan vakataura kuti zvichida Mwari ndiye ainge amutungamirira pakutsvakurudza kwaakaita.

Susan akapindura kuti: “Asika Mwari aifanira kunge akatungamirira vanachiremba vacho kare kuitira kuti Al asaiswa mumuchina unoshanda semapapu.”

Susan akapedzisa nhoroondo yezvakaitika achiri mudiki achiti: “[Al] akazofa pashure pemakore 8. Panguva iyoyo ndakanga ndisisatende kuti kuna Mwari.”

Kungofanana naSusan, vanhu vakawanda vakawirwa nenjodzi kana kuti vakaona ichiitika kune vamwe vanoshaya mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yavainayo pamusoro paMwari. Vamwe vavo vanopedzisira vati hakuna Mwari. Vamwe vangasaramba zvachose kuti Mwari ariko, asi vanenge vasisina chokwadi nazvo.

Hazvirevi kuti vanhu vanoti hakuna Mwari uye vaya vasina chokwadi nazvo havana zvavanoziva nezvechitendero. Kakawanda kacho, zvinoitika muzvitendero ndizvo zvinoita kuti vapedzisire vasisatendi muna Mwari. Vanofunga kuti zvitendero zvatadza kupindura mibvunzo yakaoma yeupenyu. Mibvunzo yerudzii iyoyo? Kazhinji kacho iyi mibvunzo inotonetsawo kunyange vaya vanozviti vanotenda muna Mwari. Ngationei mibvunzo mitatu iyo vanhu vakawanda vangada kubvunza Mwari kana vakawana mukana wacho, uye mhinduro dzacho dzatinowana muBhaibheri.

1 “MUNOREGEREI VANHU VACHITAMBURA?”

Nei mubvunzo iwoyo uchibvunzwa?

Vakawanda vanoti, ‘Mwari ane rudo aisazorega njodzi dzichiitika muupenyu.’

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Tinogona kunetseka kunyange kukatyamadzwa netsika dzevanhu vemamwe marudzi. Zvimwe zvinhu zvavanoita tinogona kuzviona neziso risiri iro. Semuenzaniso, vamwe vanhu vanoona sekuti kutaura nemunhu wakamutarisa mumaziso zvinoratidza kuti uri kurevesa; asi vamwe vanozviona sekusaremekedza. Kunyange pakadaro, hapana chikonzero chekutaura kuti vanhu vese ava vakarasika. Asi chatinofanira kuita, kuedza kuvaziva zviri nani.

Zvinhu zvakafanana naizvozvo zvingaitika here panyaya yekunzwisisa Mwari? Vakawanda vanotenda kuti kutambura kuri kuita vanhu kunoratidza kuti hakuna Mwari. Zvisinei, vaya vanonzwisisa chikonzero nei Mwari achibvumira kutambura vane chivimbo chekuti ariko.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: Kufunga kwaMwari uye nzira dzake zvakasiyana nezvedu. (Isaya 55:8, 9) Saka tingasakurumidza kunzwisisa zvaanoita uye zvikonzero zvinoita kuti ambomira kugadzirisa zvinhu.

Kunyange zvakadaro, Bhaibheri haritiudze kuti tibvume mashoko anongotaurwa nevanhu akadai sekuti “zvinoitwa naMwari hazvinzwisisiki.” Asi rinotikurudzira kuti tidzidze zvakawanda nezvaMwari uye rinotibatsira kunzwisisa kuti nei Mwari achiita zvaanoita uye kuti anozviitirei panguva iyoyo.a Uye tinotokwanisa kuswedera pedyo naye.—Jakobho 4:8.

2 “NEI MUZVITENDERO MAKAZARA UNYENGERI?”

Nei mubvunzo iwoyo uchibvunzwa?

Vamwe vangati, ‘Dai Mwari achida kuti vanhu vave vakatendeseka, pangadai pasina unyengeri hwakawanda kudaro pavanhu vaya vanoti vanomunamata.’

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Chimbofunga nezvemwanakomana anoramba kuchengetwa zvakanaka kwaari kuitwa nababa vake obva pamba oenda kunorarama upenyu hwakaipa. Kunyange zvazvo baba vacho vasingazvifariri, vanobvumira mwanakomana wavo kuiti aite zvaasarudza. Zvakakodzera here kuti vanhu vanozoona mwanakomana wacho vataure kuti aiva nababa vakaipa, kana kuti haana baba zvachose? Kwete! Saizvozvowo, unyengeri huri muzvitendero hunongoratidza kuti Mwari anobvumira vanhu kuti vasarudze mararamiro avanoda.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: Mwari anovenga unyengeri hunoitwa muzvitendero. (Jeremiya 7:29-31; 32:35) Panguva imwe chete, anobvumira vanhu kuti vazvisarudzire zvekuita vakasununguka. Vakawanda vevanozviti vanotenda muna Mwari vanotevera dzidziso dzechitendero dzakatangwa nevanhu uye havatevedzeri tsika dzinodiwa naMwari.—Mateu 15:7-9.

Asi chitendero chinofarirwa naMwari hachina unyengeri.b Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Rudo irworwo harufaniri “kuva nounyengeri.” (VaRoma 12:9) Zvitendero zvakawanda zviri kutadza kuita izvozvo. Semuenzaniso, paiurayana vanhu muRwanda muna 1994, vakawanda vaiita zvechitendero vakauraya vavainamata navo nekungoti vaiva verumwe rudzi. Asi veZvapupu zvaJehovha vakanga vasingabatanidzwe pakuuraya vanhu, uye vakawanda vavo vaitodzivirira vavainamata navo nevamwewo, vachitoisa upenyu hwavo pangozi kuti vaite izvozvo. Izvi zvinoratidza kuti chitendero chinogona kusava neunyengeri.

3 “TINOMBORARAMIREI?”

Nei mubvunzo iwoyo uchibvunzwa?

Vamwe vanganetseka kuti: ‘Nei vanhu vachingorarama makore 80 kana 90 chete vobva vafa? Tinoraramirei kwenguva shoma kudaro?’

Murume ari kuverenga Bhaibheri

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Vakawanda vasingabvumi kuti kuna Mwari vachiri kuziva kuti panofanira kuva netsanangudzo yekurongeka kwakaita zvinhu zviri mumatenga nepanyika uye kuoma kwazvakaita kunzwisisa. Vanoona kuti nyika, mamwe mapuraneti, nemwedzi zvakanyatsorongwa nenzira inoita kuti panyika pararamike. Vanotsanangura kuti mitemo inodzora zvinhu zvose zviripo yakanyatsorongwa zvekuti ikangochinja zvishoma hapana chinhu chinorarama pasi pano.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachifunga kuti kurarama kwatinoita kwenguva pfupi kunoratidza kuti hakuna Mwari, zvinhu zvose zviripo zvinonyatsoratidza kuti kune Musiki. (VaRoma 1:20) Ane chinangwa chaakasikira zvinhu izvi, uye chikonzero chekurarama kwedu chinonyatsoenderana nechinangwa ichocho. Mwari akasika vanhu kuti vararame nekusingaperi pasi pano, uye chinangwa chake hachisati chachinja.—Pisarema 37:11, 29; Isaya 55:11.

Kunyange zvazvo zvinhu zviripo zvichitibatsira kuziva kuti kuna Mwari uye kuziva unhu hwake, Mwari akanga asina kuronga kuti tizive chinangwa chake nenzira iyoyo. Kuti tizive chinangwa chaMwari uye zvatinoraramira, tinotofanira kuudzwa naMwari. Anotiudza zvatinoda kuziva nemashoko ari nyore uye akajeka achishandisa Bhaibheri.c Zvapupu zvaJehovha zvinokukumbira kuti uongororezve mhinduro dzinowanika muBhaibheri.

a Kuti uone chikonzero nei Mwari achibvumira kutambura, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Riripowo pawww.jw.org.

b Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 15 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo pawww.jw.org.

c Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo pawww.jw.org.

AKAWANA MHINDURO DZEMIBVUNZO YAKE

Harry achiri mudiki akapfeka yunifomu yechisoja

Paaiva mukomana, Harry akanga asinganzwisise kuti sei Mwari ane rudo achibvumira kutambura. Paakanga ati kurei, akaona zvinhu zvaityisa zvaiitika muhondo achibva abvunza kuti, “Kana kuine Musiki ane masimba ose, sei achibvumira kuti zvinhu zvakaipa izvi zvishungurudze vanhu vakawanda, kunyanya vana vadiki vasina mhosva?”

Pasinei nokuti Harry akanga aine dhigirii rekuyunivhesiti, uye kuti akanga aongorora zvitendero zvakasiyana-siyana, mibvunzo yake yakaramba iripo. Pashure pekunetseka nenyaya yacho kwemakore akawanda, akapedzisira agumisa kuti “zvichida hakuna Mwari.”

Harry

Harry

Harry akaratidza kuti aida kunzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya iyi. Akadzidza kuti Mwari haasiriye anokonzera zvinhu zvakaipa asi kuti anotozvivenga uye anorwadziwa kana vanhu vachitambura. (Zvirevo 6:16-19; Isaya 63:9; Jakobho 1:13) Harry akazoziva kuti marwadzo ose nekutambura zvakavapo nekuti vanhu vakaramba kutungamirirwa naMwari uye vakashandisa rusununguko rwavaiva narwo kuti vasarudze vega zvakanaka nezvakaipa. (Dheuteronomio 32:4, 5; Jakobho 1:14, 15) Akaonawo kuti kunyange zvazvo kutambura kwevanhu kwakakonzerwa nekuti vakanga vasina kuteerera Mwari, iye haana kubva avaramwa. Asi akabva atoronga kubvisa uipi nekutambura. Achagadzirisa zvose zvakakanganiswa. Harry akanzwisisawo kuti panguva ino Mwari anonyaradza vanhu uye anovatsigira kuti vakwanise kutsungirira.​—Genesisi 3:15; VaRoma 8:20, 21; Zvakazarurwa 21:4.

Mhinduro idzi dzakabatsira Harry kuti azive zvakawanda nezvemubvunzo unokosha waaiva nawo. Uyewo dzakamubatsira kuti atsungirire kushushikana kwaakaita paakazosangana nenjodzi muupenyu hwake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe