RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 5/15 pp. 14-15
  • Kuwirirana Natezvara Naambuya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwirirana Natezvara Naambuya
  • Mukai!—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • ZVAUNOFANIRA KUZIVA
  • Kuva Noukama Hwakanaka Navanaamwene, Vanaambuya Nemadzitezvara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuti Dzimba Dziparare Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Zvamungaita Pakukurukura Matambudziko
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 5/15 pp. 14-15
Mukuwasha ari pakati patezvara naambuya achiratidza kuti haana kusununguka uye mudzimai wake ari kumashure

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Kuwirirana Natezvara Naambuya

DAMBUDZIKO

“Ini nemudzimai wangu pataiva nedambudziko mumba, mudzimai wangu akabva anoudza vabereki vake. Ndakazonzwa baba vake vavakundishevedza kuti vandipe mazano. Handina kufara nazvo!”​—James.a

“Vamwene vangu vanogara vachiti, ‘Ndasuwa mwana wangu chaizvo!’ Vanotaura nezvekuwirirana kwavaiita, zvekuti ndinotanga kuzvipa mhosva kuti nei ndakabvuma kuroorwa nemwana wavo, dai ndakangosiya aina amai vake!”​—Natasha.

Ungaitei kuti dambudziko ringavapo pakati pako nanatezvara risakanganisa imba yako?b

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Kuroorana kunoita kuti pave nemhuri itsva. Bhaibheri rinoti murume akaroora “achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake.” Ndizvo zvinoitwawo nemudzimai. Kana varoorana, Bhaibheri rinoti, vaviri vacho vachava “nyama imwe.” Vanenge vava mhuri itsva.—Mateu 19:5.

Wanano yenyu inokosha kupfuura vabereki. Chipangamazano panyaya dzemba anonzi John M. Gottman akanyora kuti, “Chimwe chinhu chinosimbisa imba kuziva kuti mava vaviri. Kuti unyatsowirirana nemudzimai wako unofanira kusiyana nezvinhu zvawaimboita kumba kwenyu.”c

Vamwe vabereki zvinovaomera kuti varege kupindira. Mumwe murume anoti: “Tisati taroorana, mudzimai wangu aigara achida kuita zvinhu zvose zvaidiwa nevabereki vake. Patakazoroorana, amai vake vakaona kuti pane aiva atora nzvimbo yavo. Izvi zvakavaomera kuti vazvibvume.”

Vanenge vachangobva kuroorana vanogona kuomerwawo. James ambotaurwa nezvake anoti, “Kuva natezvara naambuya kwakasiyana nekuva neshamwari dzaunozvisarudzira. Zvinoita sekuti mumwe munhu akuudza kuti, ‘Shamwari dzako mbiri idzi, uchida usingadi.’ Kunyange vakaita zvinhu zvausingafariri, nditezvara naambuya vako, hazvichinji!”

ZVAUNOGONA KUITA

Kana iwe nemudzimai wako musiri kuwirirana nemhaka yatezvara kana yaambuya vako, gara pasi nemumwe wako mutaurirane zvakanaka. Shandisa zano reBhaibheri rekuti: “Tsvaka rugare, urutevere.”—Pisarema 34:14.

Mienzaniso inotevera inogona kukubatsirai kuti muone kuti mungazviita sei. Mumwe muenzaniso unoratidza maonero angaita murume uye mumwe maonero angaita mudzimai. Sezvo matambudziko acho achigona kuitika kuvarume kana vakadzi, mazano ari kukurukurwa anogona kukubatsira.

Mudzimai wako anoshuva kuti dai wati wedzerei kuwirirana naamai vake. Asi unoona sekuti ambuya vako munhu akaoma kuwirirana naye.

Edza izvi: Kurukura nyaya yacho nemudzimai wako, uye bvumawo zvimwe zvaanenge akuudza. Nyaya haisi pamaonero aunoita amai vake, asi iri pakuti unoitawo here zvinoshuviwa nomudzimai wako wawakatsidzira kuti uchamuda nomwoyo wose. Pamunokurukura, wana chinhu chimwe chete kana zviviri zvaungada kuita kuti uwedzere kuwirirana kwaunoita naamai vake, wobva wazviita. Mudzimai wako paachaona zvaunenge uchiedza kuita, achawedzera kukuremekedza.—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 VaKorinde 10:24.

Murume wako anotaura kuti unonyanya kuda kufadza vabereki vako kupfuura zvaunomuita.

Edza izvi: Kurukura nyaya yacho nemurume wako, uye edza kunzwisisa kuti sei achidaro. Kana uchipa vabereki vako ruremekedzo rwavanofanira kuwana sezvinongoitwa nemwana wose kumubereki, murume wako haafaniri kunetseka nazvo. (Zvirevo 23:22) Kunyange zvakadaro, unofanira kumuratidza nemashoko uye nemaitiro kuti unomuda kupfuura vabereki vako. Kana murume wako akaona kuti unomuda zvechokwadi, haazombonyanyi kunetseka nezvaunoitira vabereki vako.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaEfeso 5:33.

Mudzimai wako anoenda kunotsvaga mazano kuvabereki vake pane kuti auye kwauri.

Edza izvi: Taura nemudzimai wako mobvumirana kuti inyaya dzipi dzamungaudza vabereki. Edza kuva munhu anonzwisisa. Zvakaipa zvachose here kuti munhu audze mubereki zvinenge zvichimunetsa? Inyaya dzipi dzamungavaudza? Kana mukagara mabvumirana nyaya dzamunogona kuudza vabereki, mangwana hamuzonetsani.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaFiripi 4:5.

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

b Kunyange zvazvo nyaya ino yakanangana nevarume, mazano arimo anoshanda kunyange kumadzimai.

c Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi The Seven Principles for Making Marriage Work.

MAGWARO ANOKOSHA

  • “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VaKorinde 10:24.

  • “Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”—VaEfeso 5:33.

  • “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.”—VaFiripi 4:5.

Tsvaka Zvakanaka

“Zvakakosha kuti uwirirane natezvara navamwene vako. Ndivo vakarera murume wako, saka pasinei nezvavanokanganisa, unofanira kuvakoshesa. Unogonawo kudzidza zvakawanda kwavari. Kana ukatarisa zvakanaka zvavanoita uye wozvitevedzera uchava munhu akanaka chaizvo.”—Jessica.

Murume nemudzimai vari kumbotwasanudza makumbo pamwe chete natezvara naambuya
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe