RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/14 pp. 3-6
  • Mazano Okuti Vanhu Vagarisane Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazano Okuti Vanhu Vagarisane Zvakanaka
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Ivai Norugare Nevanhu Vose”
  • Varume Navadzimai Vanotaura Nomutoo Wakasiana Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—1994
  • Ndaigara Ndakagumbuka Uye Ndaida Zvekurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Rugare—Ungaruwana Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Zvaungaita Kuti Udzore Hasha Dzako
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 9/14 pp. 3-6
Murume agumbuka pamusana peruzha rwepati yomuvakidzani wake
Murume agumbuka pamusana peruzha rwepati yomuvakidzani wake

NYAYA IRI PAKAVHA

Mazano Okuti Vanhu Vagarisane Zvakanaka

Frank naJerry vaiva vavakidzani vanowirirana—kusvikira Jerry paakazoita pati yakapera pakati pousiku.a Jerry akagumbuka Frank paakatsutsumwa nezvoruzha rwaiitika. Vakabva vatanga kupopotedzana. Kubva musi uyu vakanga vasisachataudzani.

ZVAKAITIKA kuna Frank naJerry zvinoitika kune vakawanda. Vanhu pavanotadza kuwirirana, vanowanzobvapo vagumbuka, vachipomerana mhosva. Kana vakasagadzirisa dambudziko racho, vanopedzisira vasisachadi kuonana.

Pamwe izvi zvakamboitikawo kwauri uye hazvina kukufadza. Vakawanda vedu tinoda kugarisana zvakanaka neshamwari uye nevavakidzani vedu. Nemhaka yokukanganisirana kwatinomboita, zvinoita here kuti tigarisane? Zvinoita here kuti tigadzirise kusawirirana kwacho zvine rugare uye pasina kurwa?

Ngatimboongororai zvakaitika kuna Frank naJerry. Ushamwari hwavo hwakatanga kukanganisika pavakaita izvi: (1) Jerry haana kufunga nezvoruzha rwaaiitira Frank, (2) matauriro akaita Frank akagumburawo Jerry, (3) hapana akazvidzora uye (4) hapana akada kunzwisisa mumwe.

Nokufamba kwenguva vakazotaurirana vakatangazve kuwirirana. Zvakafamba sei? Vakashandisa mazano abatsira vakawanda kuti varambe vari shamwari zvinhu pazvinooma zvichitozoita kuti ushamwari hwacho huwedzere kusimba.

Mazano acho anowanika muBhaibheri rinova ndiro bhuku rine vanhu vakawanda pasi rose. Rinotikurudzira kuti tive vanhu vane mutsa, rudo, vanononoka kutsamwa izvo zvichatibatsira kuti tigarisane zvakanaka nevamwe uye kuti tigadzirise kusawirirana kwatinenge taita navo.​—Zvirevo 14:29; 1 VaKorinde 13:4, 5.

Kuchinja kwakazoita Frank naJerry chiratidzo chokuti Bhaibheri rine simba rokushandura upenyu hwevanhu. Kune vanhu vakawanda vakabatsirwa neBhaibheri kusiya unhu hwakaipa hwavakanga vava nahwo kwemakore. Mumwe wacho ndiRobert anogara kuAustralia, akanga aine hasha dzisingaiti. Mumwe ndiNelson, wokuTimor-Leste akanga ava nemakore achivenga vemamwe mapato ezvematongerwo enyika asi iye zvino zvakapera uye ava kutoshamwaridzana nemumwe wavo. Bhaibheri rakabatsira sei Robert naNelson? Vanyori veMukai! vakavakumbira kuti vavatsanangurire.

NHAURIRANO

ROBERT, tiudzewo makuriro awakaita.

Kumba kwedu kwaisanakidza. Baba vangu vaiva nehasha uye vaigara vachindirova zvokuti dzimwe nguva ndaifenda kana kukuvara. Izvi zvakaita kuti ndikure ndiine hasha ndichida zvokurwa nevamwe. Pandaiva nemakore 16 ndakasungwa ndikavharirwa mujeri revana kwemakore maviri. Pave paya ndakapara mhosva yokurova munhu zvakaipisisa uye ndakavharirwa mune rimwe jeri guru. Pandakazosunungurwa ndakabva ndatamira kuAustralia, ndichiti ndinotangisa upenyu huri nani.

Robert

Robert akakura aine hasha uye achida zvokurwa zvokuti akatombovharirwa mujeri

Robert

Robert akakura aine hasha uye achida zvokurwa zvokuti akatombovharirwa mujeri

Kutama kune zvakwakachinja here?

Handingati kutama ndiko kwakandibatsira kuchinja, asi kuti iBhaibheri randakazodzidza neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, hasha dzakanga dzichiri kundinetsa uye kakawanda ndaizviona sendisingabatsiri chinhu. Rimwe zuva ndakazofungisisa mashoko ari pana Zvirevo 19:11, anoti: ‘Munhu anonzwisisa anononoka kutsamwa, uye anokudzwa nokuti anoregerera vamwe.’ Neshungu dzokuda kuita zvinotaurwa pavhesi iyi, ndakatanga kunyatsofunga nezvematauriro uye maitiro angu. Zvishoma nezvishoma ndakatanga kuva munhu anonzwisisa, ane mwoyo murefu uye anoregerera vamwe.

Tiudzewo zvakamboitika

Mumwe musi ndakaerekana ndagumbura shamwari yangu, achibva andituka nehasha pamberi pevanhu. Ndakanyara zvokushaya pokupinda. Asi ndakayeuka kuti Bhaibheri rinoti “musadzorera chakaipa nechakaipa,” uye ndakabva ndakurumidza kukumbira ruregerero. (VaRoma 12:17) Hasha dzake padzakanga dzaserera ndakanomuona ava ega uye akabva andiudza kuti aiva nezvaimunetsa kumba kwake. Takataurirana zvakanaka uye pane imwe nguva akatozondipa bhachi rakanaka chaizvo. Dai kari kare kangu hameno kuti chii chaizoitika nokundinyadzisa kwaakaita.

Unoita sei kana pakava nokusawirirana mumhuri?

Ini nomudzimai wangu tine jaya redu rine makore 20, uye pane dzimwe nguva tinombotadzawo kuwirirana. Pazvinhu zvakawanda zvandakadzidza muBhaibheri, ndakadzidzawo kutaura kuti, “sori” kana ndakanganisa. Kukumbira ruregerero nemwoyo wose kunogona kudzora hasha dzomunhu.

NHAURIRANO

NELSON, uri munhu anogara achinyemwerera uye ane ushamwari. Ichokwadi here kuti pane vanhu vawaivenga zvisingaiti?

Ehe! Ndichiri mukomana ndakajoina bato rinopikisa hurumende. Munzvimbo yandaigara ndanga ndisingadi kuona rimwe bato raisimudza musoro. Ndakabva ndadzidzira karati uye ndairova chaizvo.

Nelson

Nelson akajoina bato rinopikisa hurumende achiri mukomana

Nelson

Nelson akajoina bato rinopikisa hurumende achiri mukomana

Chii chakaita kuti uchinje?

Ndakatanga kudzidza Bhaibheri uye kuita zvarinotaura. Mashoko akatanga kundibaya mwoyo ndeokuti: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Kwozotevera anoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Ndakaona kuti Zvapupu zvaJehovha zvaindidzidzisa Bhaibheri zvinoratidzirana rudo rwechokwadi pasinei nekuti zvinobva kwakasiyana-siyana. Ndaiva neshungu dzokuita sezvavaiita uye ndakazvigona nokuti vanhu vaindiziva kare vakatanga kushamisika uye havachandityi sezvavaisimboita.

Hasha dzako pane padzakambodzoka here ukatadza kuzvidzora?

Ehe, asi zvakaitika kumba. Ndakambogumbuka chaizvo ndikarova mudzimai wangu, zvokuti nanhasi ndinodemba chandakazviitira. Akandiregerera nomwoyo wose uye izvi zvakandipa shungu dzokuti ndirambe ndichizvidzora.

Wati vanhu havachakutyi. Une zvaungatiudza here?

Ehe. Rimwe zuva ndakasangana nomumwe mukuru mukuru webato randambotaura nezvaro anonzi Augusto. Nemaziviro aaindiita, ndakanyatsoona kuti ainetseka ndichibva ndamukwazisa zvakanaka-naka ndikamuudza kuti ndakanga ndasiya zvandaimboita. Ndakamukoka kumba kwangu akabvuma. Akashamiswa nokuchinja kwandakanga ndaita zvokuti akabva adawo kudzidza Bhaibheri. Iye zvino tava kunamata tose uye ishamwari yangu, tsika nditsikewo chaiye.

“Ivai Norugare Nevanhu Vose”

Zvinoparira kuti vanhu vasawirirane zvinosiyana-siyana uye zvakaoma kuzvinzwisisa uye vamwe vangaomesa musoro paunenge uchitaurirana navo. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.”​—VaRoma 12:18.

Zvataurwa munyaya ino zvinoratidza kuti Bhaibheri rine mazano anoshanda nokuti rine simba rokudzura mafungiro nemaitiro zvinenge zvakadzika midzi mumunhu kana achida hake kuchinjwa. (2 VaKorinde 10:4) Pana Zvirevo 3:17, 18 Bhaibheri rinorondedzera mazano aya kana kuti uchenjeri richiti: “Nzira dzahwo inzira dzinofadza, uye migwagwa yahwo yose ndeyorugare. Ihwo muti woupenyu kune vaya vanohubata, uye vaya vanohubata zvakasimba vachanzi vanofara.”

Nelson naAugusto vari kudya vose

Nelson naAugusto vava tsika nditsikewo chaiye

Nelson naAugusto vari kudya vose

Nelson naAugusto vava tsika nditsikewo chaiye

Unoda kuwedzera kuva munhu anofara uye anogarisana nevamwe zvakanaka here? Unoda kuramba uchiwirirana neshamwari dzako here kunyange pakamuka matambudziko? Kana ukashandisa zvinotaurwa neBhaibheri chokwadi zvichakufambira zvakanaka.

a Haasi mazita avo chaiwo.

Mavhesi Anobatsira Kuti Vanhu Vagarisane Zvakanaka

  • Tanga wafunga usati wataura kana kuita zvauri kuda kuita.​—Jakobho 1:19.

  • Usatsiva.​—Zvirevo 26:20.

  • Kana hasha dzava kukwidza, imbosuduruka.​—Zvirevo 17:14.

  • Kumbira ruregerero.​—Mateu 5:23, 24.

  • Kanganwira zvichibva pamwoyo.​—VaEfeso 4:32.

RUDO Runoita Kuti Vanhu Vagarisane Zvakanaka

‘Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruna chigumbu. Runoshivirira zvinhu zvose runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.’​—1 VaKorinde 13:​4-8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe