RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 1/14 pp. 11-12
  • Zvaungaita Kana Waguma Kuenda Kumwedzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kana Waguma Kuenda Kumwedzi
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuguma Kuenda Kumwedzi
  • Zvaungaita Kana Une Dambudziko Iri
  • Sununguka Kuudza Vamwe
  • Kuteerera Nyevero Dzomuviri
    Mukai!—1991
  • Kupenya Kwechiedza Munguva Dzavaapostora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Neiko Vabereki Vangu Vachikurumidza Zvikuru Kutsamwa?
    Mukai!—1993
Mukai!—2014
g 1/14 pp. 11-12
Mufananidzo uri papeji 11

Zvaungaita Kana Waguma Kuenda Kumwedzi

“Ndaingoerekana ndanzwa kusuruvara pasina chikonzero. Ndaichema uye ndainetseka kuti chii chiri kuitika kwandiri.”—Lisa,a ane makore 50.

“Paunomuka mangwanani unoona zvinhu mumba zvakangoti bvururu. Zvinhu zvako hausi kuona pazviri. Nguva yose wanga uchiita zvimwe zvinhu nyore nyore asi iye zvino hauchakwanisi kuzviita, uye hausi kuziva kuti chii chiri kuitika.”—Betty, ane makore 55.

MADZIMAI aya akanga asiri kurwara. Akanga ava panguva yokuguma kuenda kumwedzi inoitika kumunhukadzi wose uye aguma kubereka. Kana uri munhukadzi, wava kusvika here nguva iyi? Yakatosvika here? Pasinei nokuti wasvika kana kuti hausati, ukaudza mhuri yako kana kuti shamwari yepedyo zvinenge zviri kuitika kwauri, zvichabatsira kuti ivo pamwe chete newe muzive zvamungazoita paunosangana nematambudziko anokonzerwa nokuguma kuenda kumwedzi.

Kuguma Kuenda Kumwedzi

Vanhukadzi vakawanda vanowanzoguma kuenda kumwedzi pavanenge vava nemakore okuma40, asi vamwe vava kuma60.b Kakawanda kacho kuenda kumwedzi kunopera zvishoma nezvishoma. Kugadzirwa kwemahomoni mumuviri zvisina kutsarukana ndiko kunokonzera kuti madzimai ajambe nguva yaanga achifanira kuenda kumwedzi, aende kumwedzi nguva isiri iyo, kana kuti ave nemazuva akawanda aanenge achienda kumwedzi zvakanyanya. Vashomanana ndivo vanongoerekana vaguma kuenda kumwedzi.

Bhuku rinonzi Menopause Guidebook rinoti “Zvinhu zvinoitika panguva yokuguma kuenda kumwedzi zvinosiyana pamunhu nemunhu.” Rinotiwo: “Dambudziko rinowanzoitika panguva iyi nderokunzwa kupiswa zvakanyanya,” zvichizoteverwa nekupindwa nechando. Zvinhu izvi zvinogona kutadzisa munhu kurara zvakanaka uye zvoita kuti anzwe akarukutika. Zvinotora nguva yakareba sei uchinzwa seizvi? Maererano nebhuku rinonzi The Menopause Book, “vamwe vakadzi vanotora gore kana maviri vachinzwa seizvi panguva yavanenge vava kuguma kuenda kumwedzi. Asi vamwe vanogona kutora makore akawanda, uye kune vashomanana izvi zvinoitika apo neapo kweupenyu hwavo hwose.”c

Nemhaka yemahomoni anenge achigadzirwa zvisina kutsarukana mumuviri, munhu anogona kuti iye zvino ari kufara asi pasina nguva zvakwidza, kana kunzwa kusurukirwa zvokuti anogona kuchema, uye anenge asingakwanisi kuisa pfungwa pazvinhu zvaanenge achiita uye anogona kuva nehanganwa. Kubva pane zvataurwa izvi, “kashoma kuti zvinhu zvose izvi zviitike pamunhu mumwe chete,” rinodaro bhuku rinonzi The Menopause Book. Vamwe havatombosangani nematambudziko aya.

Zvaungaita Kana Une Dambudziko Iri

Mufananidzo uri papeji 12

Kuchinja maitiro awaimboita zvimwe zvinhu muupenyu kunogona kuderedza matambudziko aya. Somuenzaniso, kurega kusvuta fodya kunogona kuderedza dambudziko rokunzwa kupiswa. Vakadzi vakawanda vakabatsirwa nokuderedza zvimwe zvinhu zvavaidya zvakadai sezvinhu zvinoshandiswa pakukaringa usavi kana kuti zvinonyanya kutapira, kunwa doro, kunwa zvinhu zvine caffeine, zvinova zvinhu zvinokonzera kuti munhu anzwe kupiswa. Zvinokosha chaizvo kuti udye zvinhu zvinovaka muviri.

Kuita maekisesaizi kunogona kubatsira chaizvo pakuderedza matambudziko anoitika pakuguma kuenda kumwedzi. Somuenzaniso kunogona kuderedza dambudziko rokurara uye kwoita kuti munhu asangofundumwara uye zvinoita kuti ave noutano.d

Sununguka Kuudza Vamwe

Lisa, ambotaurwa kwatangira nyaya ino anoti, “Usakuvarira mukati. Kana ukasununguka kuudza mhuri yako kana shamwari yepedyo zvichaita kuti vasashamisika pavachaona uchiita zvimwe zvinhu zvavasina kujaira.” Kutaura zvazviri, vachatowedzera kuva nomwoyo murefu uye kukunzwisisa. ‘Rudo rune mwoyo murefu, rudo rune mwoyo munyoro,’ inodaro 1 VaKorinde 13:4.—Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Kunyengetera kunobatsira madzimai akawanda kusanganisira vaya vanoshungurudzika nemhaka yekuti vaguma kubereka. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “[Mwari] anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Chimwe chinonyaradza ndechokuti dambudziko iri rokuguma kuenda kumwedzi nderenguva pfupi. Kana rapera, madzimai anoramba achichengetedza utano hwavo achaona kuti achanakidzwa noupenyu.

a Mazita akachinjwa.

b Vanachiremba vanoti kana munhukadzi akasaenda kumwedzi kwemwedzi inopfuura 12 anenge asvika panguva yokuguma kuenda kumwedzi.

c Pane zvimwewo zvirwere sezvepahuro uye mimwe mishonga inoshandiswa zvinogona kukonzera kunzwa kupiswa uku. Zvingava zvakanaka kuti munhu asamhanyira kufunga kuti kupiswa kwaari kuita kuri kukonzerwa nokuguma kuenda kumwedzi.

d Vanachiremba vane mishonga nezvimwe zvavanopa kune vanenge vaguma kuenda kumwedzi kuti vaderedze marwadzo. Mukai! haina mishonga kana marapiro ainoti ndiwo akanaka kudarika mamwe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe