RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 7/13 pp. 11-12
  • Kupamba Nyika Vakavanda Nezita raMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupamba Nyika Vakavanda Nezita raMwari
  • Mukai!—2013
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kumanikidza vanhu kutendeukira kuchechi yeRoma
  • “Murayiro Uyu Waidzvinyirira Vamwe, Wakanga Usingaenderani Nechitendero”
  • Hondo yeBhaibheri rechiSpain Nokuda Kwokupukunyuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kuita Kuti Shoko raMwari Rizivikanwe muSpain Yekare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva Yakadzokororwa muchiSpanish
    Dzimwe Nyaya
  • Ikoko Miganhu Yenyika Haina Basa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2013
g 7/13 pp. 11-12
[Mufananidzo uri papeji 11]

ZVAKAITIKA KARE | GWARO RAINZI EL REQUERIMIENTO

Kupamba Nyika Vakavanda Nezita raMwari

“Kana mukasaita izvi, . . . ndichibatsirwa naMwari ndichauya ikoko, ndokurwisai mose, uye ndichaita kuti muve pasi pechechi yeRoma naMambo weSpain; uye ndichatora madzimai enyu nevana kuti vave varanda, . . . uye ndichatora zvinhu zvenyu ndokuonesai chitsvuku. . . . Rufu nenhamo yamuchaona, ichange iri mhosva yenyu, kwete yaMambo kana kuti yedu.”

MASHOKO ataurwa pamusoro apa aivhundutsa chaizvo kana uchiaenzanisa nemashoko aitaurwa nedzimwe hurumende. Mashoko aya aiva mugwaro rainzi el Requerimiento muchiSpanish, uye aiverengwa nevarwi vokuSpain mumakore okuma1500 vachidaidzira pavakasvika kuAmerica vaine chinangwa chokutora nyika yacho.

Varwi ava vaiudza vanhu vokuAmerica kuti kudii, uye nechikonzero chei?

Kumanikidza vanhu kutendeukira kuchechi yeRoma

Nguva pfupi Columbus asvika kuAmerica muna 1492, nyika yeSpain neyePortugal dzakati dzaiva nekodzero yokutonga nyika itsva iyi. Sezvo nyika dzacho dziri mbiri dzaiona papa semumiririri waKristu, dzaivimba naye pavaitadza kunzwisisana. Papa weRoma akabvumira kuti chechi igovanise Spain nePortugal nyika dzavainge vakunda ndokunge vose vari vaviri vatumira mamishinari kuti anotendeutsa vanhu vacho.

Sezvavairamba vachikunda nyika dzakawanda, hurumende yeSpain yakaronga kuti zvaiitwa nevarwi pakutora nyika zvive pamutemo. Varwi vokuSpain vaiti sezvo papa aimiririra Mwari paaivapa nyika dzacho, vaiva nerusununguko rwekuita zvavaida nevanhu vaiva munyika dzacho uye kuvatorera rusununguko.

Varwi vokuSpain vakanyora gwaro raizoita kuti vanhu vokuAmerica vazive zvainge zvasarudzwa napapa. Vanhu vokuAmerica vaifanira kugamuchira chiKristu uye vova pasi pamambo weSpain. Kana vaizoramba, varwi vokuSpain vaizviona vaine kodzero yokuvarwisa sezvo vaizotsigirwa naMwari.

“Vaiva nemafungiro okuti pakanga pasina chakaipa nokurwisa kwavaiita. Saka Spain yakapa zvikonzero zvakawanda ichida kuonekwa senge panga pasina chakaipa nezvavaiita.”—Francis Sullivan, mupristi weRoma.

“Murayiro Uyu Waidzvinyirira Vamwe, Wakanga Usingaenderani Nechitendero”

Hurumende yeSpain yaiita kuti gwaro iri riverengwe kuitira kuti isazvipa mhosva pane zvayaiita. Vaiverenga mashoko aya vachiri mungarava kana kuti vaburuka kuitira vaya vaisanzwisisa mitauro yokuEurope. Dzimwe nguva gwaro racho raiverengerwa dzimba dzakanga dzisina vanhu nekuti vanhu vacho vakanga vatiza nemhaka yekutya.

Kumanikidza uku kwaiitwa vanhu kuti vatendeukire kuchechi yeRoma kwakaita kuti vakawanda vaurayiwe. Somuenzaniso, vanhu vanenge 2 000 verudzi rwechiArauca vakaurayiwa muhondo kuChile muna 1550. Achitaura nezvevakanga vasara pane vakaurayiwa, mumwe mutungamiriri wevarwi ainzi Pedro de Valdivia akaudza mambo kuti: “Ndakaita kuti vanhu 200 vadimburwe maoko nemhino nemhaka yekuti vakanga vasiri kuteerera murayiro [el Requerimiento] wandakanga ndatumira ndatumirazve kwavari sokurayira kwenyu mambo.”a

Kuverengwa kwaiitwa gwaro iri kunogona kunge kwaitindivadza mwoyo yevarwi vokuSpain. Asi harina kunyanya kuita kuti vanhu vagamuchire chitendero cheRoma. Mumishinari wechechi yeRoma akararama mumakore ekuma1500 ainzi Bartolomé de las Casas, uyo akaona kushandiswa kwaiitwa gwaro racho akanyora kuti: “Murayiro uyu waidzvinyirira vamwe, wakanga usingaenderani nechitendero, uye wakanga usina kana nemusoro! Ndingatoti wakaita kuti chiKristu chionekwe sechakashata.” Munyori wenyaya dzakaitika kare ainzi Gonzalo Fernández de Oviedo akati utsinye hwakaitirwa vagari vokuAmerica hwakaita kuti pose pavanonzwa nezvechiKristu vachione sechakashata.

Tingapomera here Mwari mhosva pakuurayiwa kwoutsinye kwaiitwa pachishandiswa zita rake nehurumende mbiri idzi uye vatungamiriri vechechi yeRoma? Bhaibheri rinoti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!”—Jobho 34:10.

a Mamwe mabhuku anotaura kuti gwaro iri rakarambidzwa muna 1573.

CHATI INORATIDZA NGUVA YAKAITIKA ZVINHU

  • 1492▸ Columbus anosvika kuAmerica

  • Munenge muna 1493▸ Papa Alexander VI anobvumira nyika yeSpain neyePortugual kuti dzitore nyika dzokuAmerica

  • 1513▸ Gwaro rinonzi el Requerimiento rinotanga kushanda

  • 1550▸ Vanhu vanenge 2 000 verudzi rwechiArauca vachiurayiwa kuChile

  • 1573▸ Mambo weSpain anorambidza gwaro rinonzi el Requerimiento

MUCHIDIMBU

  • Gwaro rainzi el Requerimiento raiva nemashoko aitaurwa nevarwi vokuSpanish pavakasvika munyika dzokuAmerica mumakore okuma1500.

  • Vagari vokuAmerica vaitarisirwa kuti vatendeukire kuchechi yeRoma.

  • Gwaro racho raiverengerwa vanhu vokuAmerica richidaidzirwa muchiSpanish kana kuti muchiLatin kuitira kuti vose vanzwe.

  • Mashoko aiva mugwaro iri aivhundutsa chaizvo vanhu vokuAmerica kana tichienzanisa nezvaitaurwa nedzimwe hurumende.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe