Bhaibheri—Ibhuku Rine Uprofita Hwechokwadi, Chikamu 4
Bhaibheri Rakagara Rataura Kuti Kristu Aizotambura Uye Aizofa
Nyaya ino ine zvikamu zvisere iri muMukai! iri kutaura nezvechimwe chinhu chinokosha chinowanikwa muBhaibheri, uprofita. Zvikamu izvi zvichakubatsira kupindura mibvunzo inotevera: Vanhu vakachenjera ndivo here vakanyora uprofita huri muBhaibheri? Pane here chinoratidza kuti uprofita huri muBhaibheri hwakafemerwa naMwari? Tinokukumbira kuti uenzanise uchapupu huripo.
MAKORE anenge 2 000 apfuura, Jesu Kristu paaiva pasi pano, aizviziva kuti aizourayiwa zvine utsinye nevavengi vake. Chii chakaita kuti Jesu azive izvi? Ainyatsoziva nezveuprofita hwaitaura nezvake hwaiva muMagwaro echiHebheru kana kuti “Testamende Yekare.” Zvinhu zvakati wandei zvaizoitika zvakanga zvanyorwa nomuprofita Isaya pachine makore 700 Jesu asati azvarwa. Chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti mashoko aIsaya akanyorwa zvinhu izvi zvisati zvaitika?
Muna 1947, kuWest Bank, mumwe mufudzi wechiBedouin akawana mipumburu yaiva yakavigwa mubako munzvimbo inonzi Qumran, kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweGungwa Rakafa. Mipumburu iyoyo pamwe chete neimwe yakawanikwa mumapako aiva pedyo yakazopedzisira yava kunzi Mipumburu yeGungwa Rakafa. Pamipumburu iyi pane bhuku rose raIsaya.a Mupumburu uyu unonzi unenge wakanyorwa makore 200 Jesu asati azvarwa. Saka zvinhu zvakanyorwa naIsaya hwaitova uprofita. Zvii zvaakafanotaura zvine chokuita nokutambura kwaizoita Kristu kana kuti Mesiya?b Ngatikurukurei uprofita huviri hwaIsaya.
Bhaibheri Rakagara Rataura Kutambura Kwaizoita Kristu
Uprofita 1: “Ndakapa varovi musana wangu.”—Isaya 50:6.c
Kuzadzika kwahwo: Mugore ra33 C.E., Jesu akaendeswa nevavengi vake vechiJudha pamberi paGavhuna weRoma Pondiyo Pirato. Gavhuna uyu akaedza kusunungura Jesu nokuti akaona kuti akanga asina mhosva. Asi nemhaka yokuti vaJudha vakasimbirira pakuda kuti Jesu aurayiwe, Pirato “akatonga kuti chikumbiro chavo chiitwe” achibva aita kuti Jesu arovererwe. (Ruka 23:13-24) Zvisinei, Pirato akatanga ‘atora Jesu, akamuzvambura.’ (Johani 19:1) Jesu haana kuita nharo asi ‘akapa varovi musana wake’ sezvakanga zvagara zvataurwa naIsaya.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
● Nhoroondo inoratidza kuti vaRoma vaiva netsika yokuzvambura vanhu vane mhosva vasati vavauraya. Rimwe bhuku rinoti, “pakurova paishandiswa tyava inenge ine tumabhandi twedehwe twakawanda asi tuine zvisimbi kana kuti zvinhu zvinobaya. Munhu ane mhosva . . . aibviswa hembe orohwa kumusana . . . kusvikira nyama yabvaruka. Pane dzimwe nguva vamwe vaitofa.” Jesu haana hake kuzofa nokurohwa kwaakaitwa.
Bhaibheri Rakagara Rataura Nezvekufa kwaKristu
Uprofita 2: “Akadurura mweya wake kusvikira parufu chaipo.” (Isaya 53:12)d Uyewo Pisarema 22:16 inotaura kuti: “Boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.”—“Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.”
Kuzadzika kwahwo: “Pashure pokunge [Pirato] aita kuti Jesu arohwe, akamugamuchidza kuti arovererwe,” inodaro Mako 15:15. Nzira iyi youtsinye yokuuraya yaisanganisira kushandisa zvipikiri pakuroverera maoko nemakumbo padanda, uye ndozvakaitwa Jesu. (Johani 20:25) Pashure pemaawa akati kuti, “Jesu akashevedzera kwazvo, akabva afa.”—Mako 15:37.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
● Kunyange zvazvo mabhuku enyika asingatauri zvakawanda nezvemafiro aJesu, mumwe munyori wenhoroondo wechiRoma anonzi Tacitus, akaberekwa munenge muna 55 C.E., akanyora kuti ‘Kristu, panova ndipo pakabva zita rokuti vaKristu, akaurayiwa mumazuva aitonga Tibheriyo uye mumwe wemagavhuna edu, Pondiyo Pirato.’e Mashoko aTacitus anonyatsoenderana nenhoroondo dziri muEvhangeri, idzo dzinotaurawo nezvaTibheriyo Kesari, Pondiyo Pirato uye vamwe vakuru vakuru.—Ruka 3:1; 23:1-33; Johani 19:1-24.
Nhoroondo inoratidzawo kuti vaRoma vairoverera varanda uye vanhu vaionekwa semakororo anenge azvidzwa. Pane dzimwe nguva vaRoma vaisungirira vanhu ava padanda. Dzimwe nguva vaitoshandisa zvipikiri kuroverera. “Zvipikiri zvairovererwa mumaoko nemakumbo,” rinodaro rimwe bhuku, ‘uye munhu aisiyiwa akarembera achiyuwira nokurwadziwa, achitambura zvokuti unomunzwira tsitsi.’
Sezvambotaurwa, Jesu ainyatsoziva kuti aizourayiwa zvoutsinye. Mazuva acho paakanga ava kuswedera, murume uyu ane ushingi akaudza vateveri vake vakavimbika kuti: “Tiri kukwira kuJerusarema, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu, uye vachamuisa kuvanhu vemamwe marudzi kuti vamuseke uye kuti vamuzvambure uye kuti vamuroverere.” (Mateu 20:18, 19) Asi vamwe vangabvunza kuti, nei Jesu aifanira kufa? Mhinduro yacho ine chokuita nesu tose, uye inoita kuti tive netariro yakanakisisa kupfuura dzimwe dzose!
‘Akapwanyiwa Nokuda Kwokukanganisa Kwedu’
Tinogara tichikanganisa nemhaka yokuti tine zvivi. Chivi chinogona kufananidzwa nemavhu anenge apinda muinjini. Nokufamba kwenguva mavhu aya anozokonzera kuti injini isashanda zvakanaka kana kutofa. Ndizvowo zvinoita chivi, chinoita kuti tikwegure, tirware uye tife. “Mubayiro wechivi ndirwo rufu,” inodaro VaRoma 6:23. Asi rufu rwaJesu runokwanisa kutisunungura padambudziko iri rinosiririsa ratinaro. Zvinogoneka sei? Mune humwe uprofita hunoshamisa, Isaya akanyora achitaura nezvaKristu kuti aizofira “kudarika kwedu” kana kuti “kupwanyiwa nokuda kwokukanganisa kwedu,” uye “tave tichiporeswa nokuda kwemaronda ake.”f—Isaya 53:5.
Uprofita hwaIsaya hunotiyeuchidza mashoko aJesu ari pana Johani 3:16: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”
Ungava sei nokutenda muna Jesu? Nokudzidza nezvake. Jesu paainyengetera akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Zivo iyi inokosha inowanikwa muBhaibheri.—2 Timoti 3:16.
Zvinonzwisisika kuti Jesu anoda kuti vanhu vakawanda chaizvo vawane upenyu husingaperi. Ndokusaka akataura mashoko aya asati afa okuti: “Aya mashoko akanaka oumambo [hurumende yaMwari, iyo ichashandisa chibayiro chaKristu pakubatsira vanhu] achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Sezvatichaona muzvikamu zviviri zvinotevera munyaya dzino, uprofita ihwohwo hwakaratidza kuti ndehwechokwadi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mupumburu mumwe chete ndiwo une bhuku rakazara raIsaya. Mimwe mipumburu inongova nezvikamu chete.
b Kuti uone kumwe kuzadzika kweuprofita hweBhaibheri hunotibatsira kuziva Mesiya tarisa muMukai! ino kana kuti muAwake! yaJuly 2012.
c Kuri kubva nyaya nekwairi kuenda muuprofita uhwu kunoratidza kuti shoko rokuti “ndakapa” rinomirira Kristu. Somuenzaniso ndima 8 inoti: “Iye [Mwari] ari kunditi [Jesu Kristu] ndakarurama ari pedyo.” Jesu paakararama pasi pano ndiye chete aiva munhu akarurama kana kuti aiva asina chivi pamberi paMwari.—VaRoma 3:23; 1 Petro 2:21, 22.
d Isaya 52:13–53:12 ine uprofita hwakawanda hune chokuita naMesiya. Somuenzaniso, Isaya 53:7 inoti: “Akaunzwa kuzourayiwa sezvinoitwa gwai; uye iyewo aisashama muromo wake.” Ndima 10 inowedzera kuti akapa mweya wake se“chinopiwa chemhosva.”
e Vamwe vanyori venhoroondo vekare vanotaurawo nezvaKristu. Vamwe vacho munyori wenhoroondo wokuRoma anoremekedzwa anonzi Suetonius (muzana remakore rokutanga); Pliny Muduku, gavhuna weBhitiniya (nechokwokutanga kwezana remakore rechipiri); uye munyori wenhoroondo wechiJudha Josephus (muzana remakore rokutanga), anotaura nezva“Jakobho, munun’una waJesu Kristu.”
f Jesu “haana kuita chivi” saka aisafanira kufa. (1 Petro 2:22) Asi akatifira, achidzima zvivi zvedu uye kutidzikinura parufu. Ndokusaka rufu rwaJesu rwuchinzi chibayiro cho“rudzikinuro.” (Mateu 20:28) Kuti uwane mamwe mashoko panyaya iyi, ona bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rinowanika paIndaneti pawww.jw.org.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 17]
ZVINHU ZVAIFANANIDZIRA RUFU RWAJESU RWOKUZVIBAYIRA
Mutemo waMwari kurudzi rwevaIsraeri waisanganisira mirayiro yaifananidzira zvaizoitwa naMesiya. Somuenzaniso, kana munhu wechiIsraeri aizoita chivi kana kuti kuputsa mitemo yaMwari aizofanira kupa chibayiro chemhuka yakanaka. (Revhitiko 17:11; 22:21) Zvibayiro zvemhuka zvaigona kunyatsoita kuti munhu aregererwe zvachose chivi chake here? Kwete. (VaHebheru 10:4) Asi zvaifananidzira chibayiro chaizoita kuti vanhu vakanganwirwe zvachose, chibayiro che“Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika.” (Johani 1:29; VaHebheru 10:1, 5-10) Vanhu vose vanotenda muGwayana iri rinofananidzira Jesu Kristu, vane tariro yokuzowana upenyu husingaperi.—Johani 6:40.