RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 January p. 27
  • Kushandisa Kwaungaita Uchenjeri Pakutaura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Kwaungaita Uchenjeri Pakutaura
  • Mukai!—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Rudo Uye Ruremekedzo Nokudzora Rurimi Rwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kutenda Kunotisunda Kuita Chiito!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Nei Ndichingogara Ndichirasika Pakutaura?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • ‘Miromo Inotaura Chokwadi Ichagara Nokusingaperi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 January p. 27

Kushandisa Kwaungaita Uchenjeri Pakutaura

‘DAI ndaikwanisa hangu kumedza mashoko andakataura!’ Wakambozviudza mashoko akadaro here? Chokwadi, tose tinotambura kuti tidzore rurimi rwedu. Bhaibheri rinotaura kuti tinogona kupingudza dzinenge mhuka dzose, “asi pavanhu hapana kana mumwe chete anogona kupingudza rurimi.” (Jakobho 3:7, 8) Saka tinofanira here kubva takanda mapfumo pasi panyaya yekudzora rurimi rwedu? Kwete! Funga nezvedzimwe pfungwa dzomuBhaibheri dzinogona kutibatsira kudzora iyi nhengo duku yemuviri asi ine simba zvikuru.

● “Pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika, asi munhu anodzora miromo yake anoita nokungwara.” (Zvirevo 10:19) Patinotaura zvakawanda ndipo panoitikawo ngozi yokuti tichataura chimwe chinhu choupenzi kana kuti chinokuvadza. Chokwadi, rurimi rusingadzorwi runogona kuita semoto, runokurumidza kuparadzira makuhwa akaipa uye kuchera vamwe. (Jakobho 3:5, 6) Zvisinei, ‘patinodzora miromo yedu,’ tinofunga nezvezvingakonzerwa nemashoko edu. Kana tikadaro, tichazivikanwa sevanhu vane uchenjeri, uye vamwe vanhu vachatiremekedza uye vachavimba nesu.

● ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura, unonoke kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19) Vamwe vanofara patinonyatsoteerera zvavanotaura nokuti kana tikadaro tinoratidza kuti tinovafarira uye tinovaremekedza. Asi zvakadini kana mumwe munhu akataura zvinotirwadza kana kuti zvinotigumbura? Ipapo tinofanira kuedza ‘kunonoka kuva nehasha’ nokurega kudzorerawo. Hatizivi, zvimwe munhu wacho anogona kunge aine zvamugumbura kana kuti angatokumbira ruregerero pamusana pezvaataura zvisina kunaka. Zvakakuomera here ‘kunonoka kuva nehasha’? Nyengetera kuna Mwari kuti uzvidzore. Haazoregi kupindura chikumbiro chakadaro chinobva mumwoyo.—Ruka 11:13.

● “Rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.” (Zvirevo 25:15) Kusiyana nezvinofungwa nevanhu vakawanda, unyoro hune simba. Somuenzaniso, mhinduro nyoro inogona kukurira kushorwa kunoita sekusingachinji uye kwakaoma sepfupa, zvimwe pamusana pekutsamwa kana kuti rusarura. Chokwadi, zvinogona kuva zvakaoma kuratidza unyoro, kunyanya zvinhu pazvinenge zvisina kumira zvakanaka. Saka funga nezvokubatsira kwazvinoita kana ukaita zvinotaurwa neBhaibheri uye zvingangoitika kana ukasadaro.

Zvechokwadi, zvinodzidziswa neBhaibheri “uchenjeri hunobva kumusoro.” (Jakobho 3:17) Patinoshandisa uchenjeri pakutaura kwatinoita, mashoko edu anotaurwa panguva chaiyo yakakodzera anoratidza kuti tinoremekedza vamwe, anoita kuti vatide uye anovakurudzira, kungofanana “nemaapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.”—Zvirevo 25:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe