Vechiduku Vanobvunza Kuti
Ndingaitei Kuti Ndizadzise Zvinangwa Zvangu?
PANE zviri pasi apa ndezvipi zvaungada kuva nazvo?
● Kuwedzera kuva nechivimbo
● Shamwari dzakawanda
● Mufaro wakawedzera
Chokwadi ndechokuti unogona kuzviwana zvose zviri zvitatu! Sei? Nokuva nezvinangwa uye kuzvizadzisa. Chimbofunga zvinotevera.
Kuwedzera kuva nechivimbo Ukava nezvinangwa zviduku wozvizadzisa, unogona kuzova nechivimbo chokuva nezvinangwa zvakakura. Uchanzwawo uine chivimbo chakawedzerwa paunosangana nezvipingamupinyi zvezuva nezuva, zvakadai sepaunorwisa kuti usatsauswa nevezera rako. Ukadaro zvimwe vamwe vachaona kuti une chivimbo uye izvi zvichaita kuti vakuremekedze. Vamwe havazongorambi vakati nanga-nanga newe. Vangatotanga kukuyemura.—Enzanisa naMateu 5:14-16.
Shamwari dzakawanda Vanhu vanofarira kupedza nguva nevaya vane zvinangwa, vaya vanoziva zvavanoda uye vanoda kushanda kuti vazviwane. Kana vanhu vakava shamwari dzako nemhaka yezvinangwa zvako, kazhinji ndivo vanobva vava vabatsiri vako vanokubatsira kuzadzisa zvinangwa zvako.—Muparidzi 4:9, 10.
Mufaro wakawedzera Ngatimbotaurei zvazviri chaizvo: Hazvinakidzi kugara munhu wakangosuruvara kana kungomirira kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka. Asiwo, kana ukava nezvinangwa wozvizadzisa, unonyatsonzwa kuti pane zvauri kuita. Ndosaka muapostora Pauro, muKristu womuzana remakore rokutanga, akataura kuti: “Handimhanyi zvisina chinangwa.” (1 VaKorinde 9:26, Contemporary English Version) Uye yeuka kuti kana uine zvinangwa zvakakura uchagutsikanawo zvikuru paunozvizadzisa!
Wagadzirira kutanga here? Cheka uye peta peji iri kurudyi wotevedzera zvakanyorwa ipapo.a
Dzimwe nyaya dzakanzi “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti, pawww.watchtower.org/ype
[Mashoko Omuzasi]
a Pfungwa dziripo dzakagadzirirwa zvinangwa zvaunogona kuzadzisa muvhiki shoma kana kuti mwedzi mishoma, asi dzinoshandawo pazvinangwa zvakakura.
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
● Zvinoita here kuva nezvinangwa zvakawandisa panguva imwe chete?—VaFiripi 1:10.
● Kuva nezvinangwa kunoreva kuronga zvauchaita miniti imwe neimwe youpenyu hwako here?—VaFiripi 4:5.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 25, 26]
Zvaungaita kuti uzadzise zvinangwa zvako
ZIVA ZVINANGWA ZVACHO Zvirevo 4:25, 26 1
“Usatya kuronga zvinangwa zvakakura. Kana vamwe vakambozviita, newewo unogona kuzviita.”—Roben
1. Funga kuti zvinangwa zvipi zvaungava nazvo. Unofanira kunakidzwa paunoita izvi! Usaongorora, ingonyora zvakawanda zvaunofunga kuti zvinoita. Edza kuona kana ungakwanisa kunyora pasi zvinangwa zvisiri pasi pe10 kana 20.
2. Ongorora zvawanyora. Ndezvipi zvinoita sezvinonyanya kunakidza? Ndezvipi zvakanyanya kuoma? Zvinangwa zvipi zvaungati kana ukazviita unonzwa manyukunyuku? Yeuka kuti zvinangwa zvakanyanya kunaka ndezviya zvinonyanya kukosha kwauri.
3. Sarudza zvinonyanya kukosha. Tanga nokusarudza zvinangwa zvenguva pfupi zvaunogona kusvitsa mumazuva mashoma. Zvadaro chisarudza zvinangwa zvinoda nguva kuti uzvizadzise (zvaunogona kuita vhiki kana kuti mwedzi yakati wandei). Chiisa manhamba pazvinangwa zvako zvichienderana nokuti unoda kutanga nezvipi.
Muenzaniso wezvinangwa zvaungava nazvo
Shamwari Kuva neshamwari imwe chete isiri yezera rangu. Kutangazve kushamwaridzana nemumwe munhu wandaimboshamwaridzana naye.
Utano Kuekisesaiza kwemaminitsi 90 vhiki rega rega. Kurara maawa masere zuva rega rega.
Chikoro Kuwedzera kupasa masvomhu. Kuramba kana ndamanikidzwa kubiridzira pabvunzo.
Zvokunamata Kuverenga Bhaibheri kwemaminitsi 15 zuva rega rega. Kuudza wandinodzidza naye zvandinotenda vhiki ino.
Ronga Zvirevo 21:5 2
“Zvakanaka kuva nezvinangwa, asi unofanira kuronga kuti uzvizadzise. Nokuti ukasadaro zvinongoramba zviri zvinangwa zvisingaperi.”—Derrick.
Pane chimwe nechimwe chezvinangwa zvawasarudza, ita zvinotevera:
1. Nyora chinangwa chako.
2. Sarudza musi waunoda kuchizadzisa. Kuva nechinangwa asi usina kusarudza musi waunofanira kuchizadzisa kurota!
3. Ronga matanho aunofanira kutora.
4. Funga zvipingamupinyi zvaungasangana nazvo. Wochifunga kuti uchazvikunda sei.
5. Chizvipira. Zvivimbise kuti uchaita zvose zvaunogona kuti uzadzise chinangwa ichi. Wadaro, chisaina wonyora musi wacho wawasaina.
Kudzidza Chiputukezi kuitira rwendo rwangu rwekuMozambique July 1
Zvandichaita
1. Kuwana bhuku rinodzidzisa Chiputukezi.
2. Kudzidzira mashoko gumi vhiki roga roga.
3. Kuteerera vamwe vachitaura Chiputukezi.
4. Kukumbira mumwe munhu kuti andiudze pandinenge ndatyora mitemo yemutauro wacho uye ndakanganisa madudzirwo emashoko.
Zvipingamupinyi zvandingasangana nazvo
Hapana anogara pedyo anotaura Chiputukezi
Ndingachikurira sei
Kuwana mashoko muChiputukezi akarekodhwa paIndaneti pawww.jw.org.
․․․․․ ․․․․․
Siginicha Musi
Chishanda! Johani 13:17 3
“Zviri nyore kuti ukanganwe zvinangwa zvako, saka unofanira kugara uchifunga nezvazvo uye kuramba uchishanda kuti uzvizadzise.”—Erika.
Tanga nokukurumidza. Zvibvunze kuti, ‘Chii chandingaita kuti nditange kushandira pazvinangwa zvangu?’ Ichokwadi kuti ungasava nemashoko ose anodiwa ezvauri kuda kuita, asi izvozvo ngazvisakutadzisa kutanga kushanda kuti uzadzise zvinangwa zvako. Sokutaurwa kwazvinoitwa muBhaibheri, “munhu anomirira kuzotanga kuita basa mvura yanaya haana chinhu chaanodyara uye haana chaanokohwa.” (Muparidzi 11:4, Bhaibheri Rinoera) Iva nezvaunoita nhasi—kunyange zviri zvishoma, zviite.
Ongorora zvinangwa zvako zuva nezuva. Zviyeuchidze kuti chimwe nechimwe chazvo chinokosherei. Pota uchiona kufambira mberi kwauri kuita nokuisa ✔ (kana kunyora kuti wapedza panguva) pedyo nedanho rimwe nerimwe raunenge wapedza.
Usazviomesera. Pasinei nokuti zvirongwa zvako zvakanaka sei zvinogona kuda kuchinjwa nokufamba kwenguva. Izvozvo zvakanaka. Usanyanya kunetseka nokuramba wakaomerera panzira imwe chete. Ramba uchifambira mberi wakananga pachinangwa chako chawagara unacho.
Ita zvokufungidzira. Chimbozviona wazadzisa chinangwa chako. Chimbonzwa kugutsikana kwauri kuita. Wadaro, chifunga nezvematanho awatora kuti uzadzise chinangwa chacho. Chinyatsodzamisa pfungwa dzako zvishoma nezvishoma uchifungisisa danho rimwe nerimwe. Zvione uchipedza danho rimwe nerimwe uye fungidzira kufara kwauchaita pauchazadzisa chinangwa chako. Chishanda kuti upedze!
[Mufananidzo]
Zvinangwa zvakafanana nepurani yakadhirowewa papepa—zvinotoda kushanda kuti zviitike!
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 25]
ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO 4
“Zviri nyore kuti uodzwe mwoyo kana usina kana chauri kufunga nezvacho kana kutarisira. Asi kana ukaita zvinangwa wozvizadzisa, unofara.”—Reed
“Usazvishora kana usiri kunyatsozadzisa chinangwa chako zvakanaka kana kuti usina kuchizadzisa panguva yawaifunga. Kunzwa saizvozvo hakumbobatsiri. Ramba uchingoedza!”—Cori
“Kurukura nevanhu vakatosvitsa kare zvinangwa zvakaita sezvako. Vanogona kukukurudzira uye kukupa mazano anobatsira. Taurira vomumhuri mako zvinangwa zvako kuitira kuti vagone kukubatsirawo.”—Julia
[Dhiagramu riri papeji 24]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Cheka
Peta