RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 January pp. 28-30
  • Ndakarega Kushandira Pasi Pegungwa Ndikatanga Kushumira Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakarega Kushandira Pasi Pegungwa Ndikatanga Kushumira Jehovha
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakafunga Kuverenga Nezvemunhu Aiita Kuti Pave Nerugare
  • Ndakazowana Mhinduro!
  • Nguva Yokuti Tisarudze
  • ‘Mutungamiriri’ Wangu Mutsva
  • Kutarisana Nematambudziko Matsva
  • Zvatingadzidza Kuna Mariya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akatsungirira Kushungurudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • ‘Akaafungisisa Mumwoyo Make’
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 January pp. 28-30

Ndakarega Kushandira Pasi Pegungwa Ndikatanga Kushumira Jehovha

Yakataurwa naAndrew Hogg

Mukuru mukuru wengarava yedu yaifamba nepasi pegungwa akati, “Kana tichizombofanira kukanda zvombo zvedu zvenyukireya, tinenge takundikana pabasa redu.” Izvi zvakaita kuti pave nekukakavadzana, kuti zvakanga zvakanaka here kushandisa zvombo zvenyukireya muhondo kana kuti zvakanga zvisina. Asi ndakasvika sei pakushanda mungarava yehondo yepasi pegungwa?

NDAKABEREKERWA muPhiladelphia, iri muPennsylvania, kuUnited States of America muna 1944. Sezvandaikura, ndakakurudzirwa nababa vangu, sekuru baba vaamai, uye sekuru hanzvadzi yaamai, vose vakanga vamboshanda muchiuto, vachiona basa racho sechinhu chinokosha chingaitwa nevanhu. Ndichiri mukomana, ndakanoona nzvimbo yaiva pedyo yaimiswa ngarava dzehondo uye ndakaona ngarava yepasi pegungwa kekutanga. Kubvira ipapo, ndakava nechinangwa chokushanda mungarava dzepasi pegungwa. Mugore rangu rokupedzisira rechikoro chesekondari, ndakawana nzvimbo yokunodzidza paU.S. Naval Academy. Kwapera makore mana, ndakapedza kudzidza ikoko muna June 1966.

Ndakapinda muurongwa hunonzi Naval Nuclear Propulsion Program hunodzidzisa uinjiniya hwezvenyukireya uye kushanda mungarava yepasi pegungwa. Zvadaro, muna April 1967, ndakaroora Mary Lee Carter, mudzimai wangu wandinoda wandichiri naye kusvika zvino. Muna March 1968, zvandaivavarira ndiri mukomana zvakazoitika pandakanzi ndinotanga kushanda mungarava yepasi pegungwa yainzi USS Jack. Kwapera gore, Mary Lee akasununguka mwanasikana wedu anonzi Allison. Ndiye akava wokutanga pavana vedu vaviri.

Muna 1971, ndakanzi ndive Injiniya wengarava yainzi USS Andrew Jackson, yaiva nakaputeni akataura mashoko ari kwokutanga. Tiri mugungwa nengarava iyi yaiva nezvombo zvenyukireya zvinoita zvokukandwa, takava nedambudziko remoto, rinotyiwa nevanhu vose vanoshanda mungarava dzepasi pegungwa. Pakati pousiku pachangoti pfuurei, ndichitandara nevamwe, takanzwa ruzha. Rwakabva rwateverwa nokurira kwearamu nemashoko okuti, “Muimba yokutanga yemuchina maita moto!”

Zvandaitarisira zvinenge zvinhu zvose zvine chokuita nemagetsi uye kushanda kwengarava, ndakamhanyira necheshure kwayo kunoona kuti moto wacho wakanga waparadza zvakadini. Moto wakanga wabaka mune rimwe gwenya rengarava rinobatsira kuti pave nemhepo yokufema. Tiri vana, takakurumidza kupfeka mamasiki anobatsira pakufema tikabvisa magasi ose aikwanisa kubata moto munzvimbo yacho. Takafara kuti hapana akakuvara. Pasinei nezvakaitika, takapfuurira nebasa redu, izvo zvinoratidza kudzidziswa zvakanaka kwatakanga taita.

Ndakafunga Kuverenga Nezvemunhu Aiita Kuti Pave Nerugare

Kuti tibatsirwe kutsungirira kurwadza kwebasa, taikurudzirwa kuti vhiki yega yega tipedze maawa mashomanana tichiongorora chimwe chinhu chaiva nechokuita nemararamiro. Ndaiwanzoverenga nezveupenyu hwevarume vakanga vakakurumbira vaiita zvehondo. Asi panguva iyi ndakafunga kuverenga nezvemunhu aizivikanwa kuti aiita kuti pave norugare—Jesu Kristu. Ndichishandisa Bhaibheri randakanga ndapiwa pandakapedza kudzidza zvechiuto, ndakatanga kuverenga mabhuku eEvhangeri. Asi kuverenga kwandaiita kwaimutsa mibvunzo yakawanda pane yaipindurwa. Ndaida rubatsiro.

Tava kuda kupedza kufamba-famba kwataiita mugungwa, mukuru wedu akaunganidza vashandi vose muimba yataishandisa ndokuti: “Varume, injiniya wedu apiwa basa rakanaka chaizvo muUnited States Navy. Achange ari Injiniya wengarava inokanda zvombo yokutanga, ichangobva kuburwa, inofamba nepasi pegungwa.” Ndakashaya remuromo!

Basa rangu idzva rakaita kuti nditame nemhuri kuenda kuNewport News, iri muVirginia, kwaigadzirwa ngarava yainzi USS Los Angeles. Basa rangu raiva rokuona kuti zvinhu zvakanga zvagadzirwa nemainjiniya zvaishanda zvakanaka, kunyora mashandisirwo azvo uye urongwa hwokudzidzisa kuzvishandisa. Basa racho rakanga rakaoma zvokuti huya uone asi raigutsa. Panguva iyoyo, Mary Lee akasununguka mwanakomana wedu, anonzi Drew. Zvino ndakanga ndava nevana vaviri, uye ndakafungazve nezvaMwari: ‘Anotii nezvehondo? Chii chinoitika munhu paanofa? Vanhu vanonopiswa mumoto here?’

Ndakazowana Mhinduro!

Panenge panguva iyoyo, mudzimai wangu akatanga kukurukura nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zviviri. Rimwe zuva pandakafona kumba ndiri kubasa, Mary Lee akati, “‘Madzimai maviri anodzidzisa Bhaibheri’ ari pano.”

Ndakabvunza kuti, “Ndevechechi ipi?”

Akapindura kuti, “Zvapupu zvaJehovha.”

Ndaisaziva kuti Zvapupu zvaiva vanaani, asi ndaida kunzwisisa Bhaibheri. Ndakati, “Vakoke vauye mamwe manheru.” Pasina mazuva akawanda, mumwe wavo akadzoka aine murume wake, uye ini nemudzimai wangu takatanga kudzidza Bhaibheri.

Pakupedzisira, ndakatanga kuwana mhinduro dzemibvunzo yakanga yanditemesa musoro kwemakore. Somuenzaniso, ndakadzidza kuti vakafa “havana kana chavanoziva,” vakaita semunhu ari muhope dzemandiriri—sezvakaenzanisirwa naJesu. (Muparidzi 9:5; Johani 11:11-14) Saka, vakafa, havasi kunakidzwa kana kuti kutambudzwa, asi ‘vakarara’ murufu, vachimirira kumutswa.

Ini naMary Lee takatangawo kupinda misangano yechiKristu paImba yeUmambo yekwataigara. Ikoko takaona Zvapupu zvemarudzi akasiyana-siyana, zvine tsika dzakasiyana-siyana nedzidzo, zvose zvichishumira Mwari zvakabatana uye zviine rugare. Ini nomudzimai wangu takagumisa kuti, “Zvechokwadi Bhaibheri rinovandudza upenyu hwevanhu.”—Pisarema 19:7-10.

Nguva Yokuti Tisarudze

Pakatanga hondo yemaArab neIsrael muna 1973, ngarava dzepasi pegungwa dzeUnited States dzakaendeswa muAtlantic. Zvinhu zvingadai zvakakurumidza kuipa, uye ndakatanga kuona kuti Umambo hwaMwari chete, kwete zvematongerwo enyika, ndihwo huchaunza rugare rwechokwadi uye runogara. Chokwadika, ndakanga ndanyengetera kakawanda kuti “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika,” asi ndaisaziva zvazvaireva. (Mateu 6:9, 10) Asi ipapo ndakanzwisisa kuti Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga ichakurumidza kutonga nyika yose, ichibvisa zvakaipa zvose nevanozviita.—Dhanieri 2:44; 7:13, 14.

Ndima yeRugwaro yakaita kuti ndinyanye kufunga yaiva 2 VaKorinde 10:3, 4. Inoti, sevaKristu vechokwadi, “hatirwi maererano nezvatiri panyama. Nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvinosimbiswa naMwari.” Ndakadzidza kuti “zvombo” izvozvo zvine chokuita nokunamata, uye zvinosanganisira “bakatwa romudzimu,” iro Bhaibheri Dzvene.—VaEfeso 6:17.

Panguva iyoyo ndaifanira kusarudza. Ndaizoramba ndiri mubasa rangu rakanga rakaoma asi richinakidza, kana kuti ndaizoita kuti upenyu hwangu huenderane nechokwadi cheBhaibheri here? Pashure pokunge ndanyengetera kakawanda nezvenyaya yacho, ndakagumisa kuti kana ndaida zvechokwadi kuita kuti pave norugare, ndaifanira kuzviita maererano nezvinodiwa naMwari.

‘Mutungamiriri’ Wangu Mutsva

Ini naMary Lee takanyengetera, tikakurukura nezveramangwana redu ndokutsunga kuti taizoshumira ‘Mutungamiriri’ anopfuura vose—Jehovha Mwari. Takasarudza kuti mumwe nomumwe atsaurire upenyu hwake kuna Jehovha, uye ndakanyora tsamba yokuti ndibude muuto rinoshandira mugungwa. Ndakabva ndatamisirwa kuNorfolk, iri muVirginia, kuti ndinomirira kubuda basa ndiri ikoko. Vamwe vandaishanda navo vakawanda vakashamisika nezvandakasarudza, uye vamwe vakandishora. Asi vamwe vainyatsofarira zvandakanga ndasarudza zviri muBhaibheri uye vakandiremekedza.

Ndakabuda basa racho muna 1974. Gore iroro ini nemudzimai wangu takaratidza kuzvitsaurira kwatakanga taita kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura paGungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha raiti “Chinangwa chaMwari” rakaitirwa muHampton, iri muVirginia. (Mateu 28:19, 20) Upenyu hwedu hutsva hwakanga hwatanga.

Kutarisana Nematambudziko Matsva

Ini naMary Lee taiva nevana vaduku vaviri, tisingashandi, uye tichingova nemari yekushandisa kwemwedzi mishomanana. Ndakatumira tsamba dzokutsvaka basa kumakambani anoverengeka ndikazvisiyira mumaoko aMwari. Pasati papera nguva refu, imwe kambani yakandipinza basa. Mari yandaitambira yaiva hafu yemari yandaiwana kuuto rinoshandira mugungwa, asi basa racho raibvumira kuti mhuri yedu igare munzvimbo yacho.

Ini nemudzimai wangu zvatakawedzera kusimba pakunamata, taida kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Imwe mhuri yeZvapupu yataiziva yakanga yatamira nechepakati peVirginia kuti vanoshumira kwainyanya kudiwa vadzidzisi veBhaibheri, uye vakatikoka kuti tivashanyire. Kushanya kamwe chete ikoko kwakaita kuti tide kutama, uye takatanga kuronga kuti tidaro. Ndakanyora tsamba yokuti ndinoshandira kambani iyoyo ndiri ikoko, uye ndakafara kuti yakabvuma. Ndakatokwidziridzwa pabasa! Uye kambani yakabvuma kubhadhara mari yokutama kwataizoita. Takati, ‘Chokwadi, Mwari anotarisira vaya vanoedza kuita zvaanoda.’—Mateu 6:33.

Ini naMary Lee takakwanisa kushumira mubasa renguva yakazara pamusana pokuti mhuri yedu yakaramba iine upenyu husina twakawandawanda. Izvi, zvakaitawo kuti tipedze nguva yakawanda tiine vana vedu vaviri vakanaka chaizvo pavaikura. Migumisiro yacho inoita kuti tifare zvisingatauriki, nokuti Allison naDrew vari “kuramba vachifamba muchokwadi.”—3 Johani 4; Zvirevo 23:24.

Chokwadi, dzimwe nguva nyaya dzemari, pokugara, utano, uye kukura zvakaita kuti tizvidye mwoyo. Asi Jehovha ave achititsigira nguva dzose. Ndinodemba here kuti ndakarega basa reuto rinoshandira mugungwa? Kana! Ini naMary Lee zvatinotarira shure paupenyu hwedu, tingataura tisingambozezi kuti zvechokwadi kushumira Jehovha ndicho chinhu chakanaka chaizvo uye chinopa mubayiro chingaitwa nevanhu.—Muparidzi 12:13.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

Takatsunga kushumira ‘Mutungamiriri’ anopfuura vose

[Mufananidzo uri papeji 29]

USS “Los Angeles”

[Kwazvakatorwa]

U.S. Navy photo

[Mufananidzo uri papeji 29]

NaMary Lee iye zvino

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe