‘Dhirowa Rinongovhurwa naJehovha Chete’
◼ Muna 2007, Erika ane makore matanhatu naMattia ane makore mana vakafirwa nababa vavo. Asi kurwadziwa kwevana vacho kwakatonhodzwa zvishoma netariro yorumuko.—Mabasa 24:15.
Erika anofarira kuudza vamwe tariro yake inobva muBhaibheri, kunyanya vaya vari pachikoro chake muSicily. Somuenzaniso, shamwari yake inonzi Beatrice payakati baba vake vakanga vava kudenga, Erika akapindura nounyoro kuti Bhaibheri haritauri izvozvo. Beatrice akabvunza kuti, “Saka vari kupi?”
Erika akapindura kuti, “Vari muhwiro.” Zvino Beatrice akanga ava kuda kuziva kuti hwiro chii.
Erika akatsanangura kuti, “Hwakaita sedhirowa rinovhurika nokuvharika. Asi kana rikangovharika, haukwanisi kurivhura. Jehovha chete ndiye anogona kurivhura kana nyika itsva yauya.”
Erika akatsanangurira shamwari yake kuti zita raMwari ndiJehovha, kuti achaita kuti nyika ive paradhiso, kuti kurwara hakuzombovipozve uye kuti vakafa vachamuka. Erika akabva akumbira Beatrice kunobvunza amai vake kana vaizomubvumira kutambira chipo chebhuku rinotsanangura zvinhu izvi.
Paakanga ava nechokwadi chokuti amai vaBeatrice vakanga vabvuma, Erika akapa shamwari yake bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Erika achiri kutaura nevamwe nezvezvinhu zvaari kudzidza muBhaibheri uye akatopa mudzidzisi wake bhuku rataurwa pamusoro apa.
Chokwadika, Erika nekahanzvadzi kake vanombosuruvara nokufirwa kwavakaita nababa vavo. Asi tariro yorumuko inoita kuti vanzwe zviri nani. Vana ava, kufanana nevamwe vakawanda vari munyika yose, vanoonga Jehovha, Mwari wokunyaradza kwechokwadi.—Mateu 21:16; 2 VaKorinde 1:3, 4.
Ungakumbira bhuku iri rine mapeji 256, rine mifananidzo yakanaka chaizvo. Iro rine mapeji akakura kuenzana neemagazini ino. Ingozadza kopani riri pasi apa woritumira kukero iripo kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Ndinokumbirawo bhuku rakaratidzwa pano.
□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chisingabhadharwi.