Kubvisa Pamuviri—Haisi Nzira Yokugadzirisa Dambudziko Isina Mamwe Matambudziko
BILL akakura achidavira kuti kubvisa pamuviri chivi chakakomba chakaenzana nokuuraya. Asi maonero ake aaiita akachinja muna 1975 paaifanira kusarudza zvokuita. Musikana wake Victoria, akava nepamuviri, uye Bill aisada kuroora uye kuva mubereki. Bill akabvuma kuti, “Ndakabva ndakasira kuita chisarudzo chaiva nyore, ndikaudza Victoria kuti aifanira kubvisa pamuviri.”
Chakanzi naBill chisarudzo chaiva nyore chokugadzirisa dambudziko repamuviri pakangoerekana pauya uye paisadiwa chinowanzoitwa nevakawanda. Kumwe kutsvakurudza kwakaitwa munyika yose muna 2007 kwakaratidza kuti muna 2003 vakadzi vanofungidzirwa kuti vangangosvika mamiriyoni 42 vakabvisa pamuviri. Vakadzi vanobvisa pamuviri ndevemarudzi uye nyika dzakasiyana-siyana, ndevezvitendero zvakasiyana-siyana, vapfumi kana varombo, vakadzidza kana vasina, uyewo ndevemazera ose. Kana ukaita pamuviri pausingadi unoita sei? Nei vakawanda vachisarudza kubvisa pamuviri?
‘Ndaingoona Paine Chisarudzo Chimwe Chete’
Mumwe mukadzi ane makore 35 akatsanangura kuti, “Ndakanga ndichangobva kuva nepamuviri painetsa uye ndakanga ndanetseka kusununguka. Paidiwawo mazimari uye mhuri yaishushikana. Zvadaro mavhiki matanhatu ndasununguka, ndakabata pamuviri zvakare. Takasarudza kubvisa pamuviri pacho. Mumwoyo mangu ndaiziva kuti zvakaipa asi ndaingoona paine chisarudzo ichi chimwe chete.”
Vakadzi vanobvisa pamuviri nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, zvinoti matambudziko emari uyewo kutadza kugarisana kana kuti kushushwa nevarume vavo zvokuti vanenge vasisadi kuva nechokuita navo. Kana kuti urongwa hwomukadzi wacho kana kuti hwavo vari vaviri nomurume wake hungava huchikanganiswa nepamuviri pacho.
Pane dzimwe nguva, vanhu vanobvisa pamuviri kuti vasakanganise mukurumbira wavo. Izvozvo ndizvo zvakaitika munyaya yakataurwa nachiremba Susan Wicklund mubhuku rake rinonzi This Common Secret—My Journey as an Abortion Doctor. Mumwe musikana waaida kubatsira kubvisa pamuviri akareurura kuti: “Vabereki vangu vakaperera pane zvechitendero. . . . Ndikaita mwana ndisina kuroorwa ndinenge ndakanganisa mukurumbira wavo. Zvaizoratidza shamwari dzavo kuti mwanasikana wavo aita chitadzo.”
Chiremba Wicklund akabva abvunza kuti: “Hoo, saka vanoti wakatadzaka iwe, asi vanoona sei kubvisa pamuviri?” Musikana wacho akati: “Iii, imi, kubvisa pamuviri chitadzo chisingambokanganwirwi. Asi zviri nani nokuti hapana anozozviziva. Kana ndikabvisa pamuviri, shamwari [dzevabereki vangu] dzokuchechi hadzizombozvizivi.”
Pasinei nechikonzero chacho, kazhinji kusarudza kubvisa pamuviri hakusi nyore. Kunorwadza chaizvo. Asi kubvisa pamuviri inzira yokugadzirisa dambudziko isina mamwe matambudziko here?
Funga Nezvemigumisiro Yacho
Kumwe kutsvakurudza kwakaitwa muna 2004 pavakadzi vakabvisa pamuviri 331 vokuRussia uye 217 vokuAmerica kwakaratidza kuti vanenge hafu yavo vakazonzwa vachishushikana. Pane vokuRussia, vanenge 50 muzana uye pane vokuAmerica vanenge 80 muzana vakanzwa vaine “mhosva” nazvo. Pane vokuAmerica, vanopfuura 60 muzana ‘vainzwa vaine mhosva zvokuti vaisakanganwa nezvazvo.’ Kunyange zvazvo vakawanda vachinzwa vaine mhosva, kubatanidza vaya vanozviti havanamati, nei vakadzi vechiduku vakawanda vachingobvisa pamuviri?
Vanowanzomanikidzwa zvakanyanya kuti vabvise pamuviri. Vabereki, murume, kana kuti shamwari dzinenge dzichida kubatsira, vangakurudzira mukadzi kubvisa pamuviri vachiti izvozvo zvitori nani. Izvi zvingaita kuti angoerekana asarudza asina ruzivo rwakakwana. Mumwe chiremba, nyanzvi inoona nezveutano hwepfungwa dzevanenge vabvisa pamuviri, anonzi Priscilla Coleman, akatsanangura kuti, “ashushikana nokusarudza uye abvisa pamuviri, pashure mukadzi anotangazve kufunga zvakanaka, achinzwa aine mhosva, asingafare uye achizvidemba.”
Vanowanzozvidemba vachibvunza kuti: Pandakabvisa pamuviri kuti handina kugumisa upenyu hwanga hwatovapo here? Chimwe chikwata chekuSouth Dakota chaitsvakurudza nezvekubvisa pamuviri chakagumisa kuti vakadzi vakawanda vaifunga nezvokubvisa pamuviri “vakanyengerwa vachiudzwa kuti mudumbu mavo maingova nechinyama chaizobviswa, uye vanoti kudai vakaudzwa chokwadi vangadai vasina kubvisa pamuviri pacho.”
Pashure pokuongorora “uchapupu hunoshamisa uye hunosuruvarisa chaizvo” hwevakadzi 1 949 vakabvisa pamuviri, chikwata chacho chakagumisa kuti: “Vakawanda vevakadzi ava vanoshatirwa pamusana pokurwadziwa nokurasikirwa nemwana wavakaudzwa kuti haana kumbobvira avapo.” Chikwata chacho chakatiwo “kutambura mupfungwa nokuziva kuti akauraya mwana wake kunopedza simba.”
Asi chokwadi ndechipi? Kubvisa pamuviri kunongova kubvisa chinyama mudumbu romukadzi here? Mwana anenge asati aberekwa zvechokwadi anenge ava munhu here?
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 4]
KUSARUDZA KUVA NEMWANA KANA KUTI KUBVISA PAMUVIRI
Kutsvakurudza kwakaitwa muna 2006 kwakaongorora upenyu hwevakadzi vakawanda vakava nepamuviri vari pasi pemakore 19. Hafu yavo, vakava nevana, uye imwe hafu, vakabvisa pamuviri. Kutsvakurudza kwacho kwakagumisa kuti “vakava nevana vakanga vasingawanzi kupiwa mazano pamusana pokushushikana mupfungwa, vaiva nematambudziko mashoma okurara, uye mikana mishoma yokusvuta mbanje kana zvichienzaniswa nevaya vakabvisa pamuviri.”—Journal of Youth and Adolescence.
Mumwe mushumo wakapa “zvakawanika pakunyatsotsvakurudza kuna kwakaitwa munyika yose.” Kutsvakurudza ikoko kwakaratidzei? “Vakadzi vaizivikanwa kuti vakambobvisa pamuviri vaiva nematambudziko epfungwa akasiyana-siyana akanyanya pavaienzaniswa nevasina kumbobvira vabvisa pamuviri.”—Report of the South Dakota Task Force to Study Abortion—2005.