Zvinotaura Bhaibheri
Kuvimbika Kune Wawakaroorana Naye—Kunorevei Chaizvo?
Vanhu vakawanda vanotarisira kuti vakaroorana vasati gumbo mumba gumbo panze. Pfungwa yokuvimbika kwevakaroorana inowirirana neBhaibheri iro rinoti: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa.”—VaHebheru 13:4.
KUVA akavimbika kune wawakaroorana naye kunongoreva kusaita zvepabonde nevamwe vausina kuroorana navo here? Ko zvakadini nokufungidzira uchiita zvepabonde nemumwe munhu wausina kuroorana naye? Kunyanyoshamwaridzana nemunhu wausina kuroorana naye kunganzi “kusavimbika” here?
Kufungidzira Uchiita Zvepabonde Kwakaipa Here?
Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vakaroorana vanoita zvepabonde uye izvozvo zvakanaka, zvinovafadza uye zvinoita kuti vagutsikane. (Zvirevo 5:18, 19) Asi nyanzvi dzakawanda dzemazuva ano dzinoti kufungidzira uchiita zvepabonde nevamwe vausina kuroorana navo kwakanaka uye kunotobatsira. Kufungidzira kwakadaro asi usingazviiti kwakaipa here?
Munhu anofungidzira achiita zvepabonde anonyanya kufunga nezvokuzvifadza. Kufunga kwakadaro kwoudyire kunopesana nezano reBhaibheri rinopiwa vakaroorana. Shoko raMwari richitaura nezvepabonde rinoti: “Mudzimai haana simba pamuviri wake, asi murume wake anaro; saizvozvowo, murume haana simba pamuviri wake, asi mudzimai wake anaro.” (1 VaKorinde 7:4) Kutevedzera zano reBhaibheri kunoita kuti vanhu vasatsvaka kungogutsa zvido zvepabonde zvoudyire. Izvozvo zvinoita kuti vaviri vakaroorana vafare chaizvo.—Mabasa 20:35; VaFiripi 2:4.
Kufungidzira uchiita zvepabonde kunosanganisira kuedzesera mupfungwa zvinhu zvokuti dai zvaizoitwa zvaizorwadzisa munhu wawakaroorana naye. Kufunga uchiita zvepabonde kungawedzera mukana wokuti uite upombwe here? Mhinduro iri nyore ndihungu. Bhaibheri rinoenzanisira kubatana kwakaita zvinofungwa nezviito: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.”—Jakobho 1:14, 15.
Jesu akati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Kana ukadzivisa kuramba uchingofunga zvoupombwe, uno“chengetedza mwoyo wako” uye unochengetedza imba yenyu.—Zvirevo 4:23.
Nei Uchifanira Kuramba Wakavimbika Kunyange Mupfungwa?
Kuti imba ibudirire zvinoda kuti ‘uzvipire zvakazara’ kune mumwe wako. (Rwiyo rwaSoromoni 8:6; Zvirevo 5:15-18) Izvozvo zvinorevei? Kunyange zvazvo pasina chakaipa kuva neshamwari dzechirume kana dzechikadzi dzausina kuroorana nadzo, wawakaroorana naye ndiye waunofanira kunyanya kupedza nguva naye uye kunyanya kuisa pfungwa dzako paari. Ushamwari chero hupi zvawo hunotorera mumwe wako zvaanofanira kuwana zvopiwa mumwe munhu, “kusavimbika” ikoko, kunyange usina kuita zvepabonde.a
Ushamwari hwakadaro hungatanga sei? Mumwe munhu wausina kuroorana naye angaita seanotora mwoyo chaizvo kana kuti anonzwisisa kupfuura wawakaroorana naye. Kupedza nguva nemunhu iyeye kubasa kana kuti muchitandara kungaita kuti mupedzisire mava kutaura nyaya dzisinei naye, kusanganisira matambudziko aunawo newawakaroorana naye. Ungatanga kuvimba nemunhu iyeye. Kutaura muri mose, pafoni kana paIndaneti kungaita kuti mutaure nyaya dzakavanzika. Vanhu vakaroorana vanotarisira kuti dzimwe nyaya dzingotaurwa naivo chete uye kuti “zvakavanzika” zvavo zvisaudzwa vamwe.—Zvirevo 25:9.
Ngwarira kuti usarerutsa nyaya yacho nokutaura kuti hapana zviripo nepo zvingangovapo! Jeremiya 17:9 inoti, “Mwoyo unonyengera.” Kana uchinyanya kushamwaridzana newausina kuroorana naye zvibvunze kuti: ‘Ndinovhariridza kana kuvanza ushamwari hwacho here? Ndinganzwa ndakasununguka here kana mumwe wangu akanzwa zvatinotaura? Ndinganzwa sei kana mumwe wangu akava noushamwari hwakadaro?’—Mateu 7:12.
Ushamwari husina kukodzera hunogona kuparadza imba, sezvo kunyanya kuwirirana kungapedzisira kwaita kuti vanhu varare vose. Sokuyambira kwakaita Jesu, “mumwoyo munobuda . . . upombwe.” (Mateu 15:19) Kunyange zvikasaguma noupombwe, dambudziko rokusavimbwa ringava rakaoma chaizvo kugadzirisa. Mumwe mudzimai anonzi Karenb akati: “Pandakaziva kuti Mark aifonerana kakawanda pazuva nomumwe mukadzi pachivande, ndakarwadziwa zvokuti. Zvakaoma chaizvo kubvuma kuti havana kurara vose. Handina chokwadi chokuti ndichazombomuvimba.”
Usanyanyojairirana nevausina kuroorana navo. Usati manzwiro asina kukodzera haana basa kana kurerutsa vavariro dzisina kuchena. Ukaona kuti ushamwari hwako nomumwe munhu hungangokanganisa imba yenyu, kurumidza kuhugumisa. Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.”—Zvirevo 22:3.
Chengetedzai Ukama Hwenyu Senyama Imwe
Musiki wedu aida kuti vakaroorana vave noukama hwepedyo chaizvo kupfuura humwe hwose. Akataura kuti murume nomudzimai “vachava nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Kuva nyama imwe haisi nyaya yokungoita zvepabonde chete. Kunosanganisira kusunganidzwa pamanzwire amunoita, uko kunosimbiswa nokusava noudyire, kuvimbana, uye kuremekedzana. (Zvirevo 31:11; Maraki 2:14, 15; VaEfeso 5:28, 33) Kushandisa pfungwa idzi kuchabatsira kuti muite kuti imba yenyu isaputswe nokusavimbika.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvisinei zvinokosha kuona kuti kuita zvepabonde nemunhu wausina kuroorana naye ndiko chete kunobvumirwa neMagwaro kuti vanhu varambane.—Mateu 19:9.
b Mazita akachinjwa.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
◼ Kufungidzira uchiita zvepabonde kungaita kuti uzonyatsozviita here?—Jakobho 1:14, 15.
◼ Kunyanya kushamwaridzana nomumwe munhu wausina kuroorana naye kungakanganisa imba yako here?—Jeremiya 17:9; Mateu 15:19.
◼ Ungasimbisa sei ukama hwako newawakaroorana naye?—1 VaKorinde 7:4; 13:8; VaEfeso 5:28, 33.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
“Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateu 5:28