Mwari Akandibatsira Kukunda Miedzo
Yakataurwa naVazir Asanov
Ndakati kwarakwashu, ndokusungirira Bhaibheri rangu muchiuno, ndichibva ndapfeka. Ndisati ndasvetuka nepahwindo, ndakaumbiridza mbatya pamubhedha, ndokudzifukidza negumbeze kuti zviite sekuti ndaive ndichakarara. Ndakabva ndati chitsoka ndibereke ndakananga kuImba yeUmambo, ndichinyengetera kuti Mwari anditsigire. Izvi zvakaitika muna 1991 ndiine makore 14.
NDAKAZVARIRWA mumhuri yevaKurd muguta riri kumaodzanyemba kwenyika yava Kazakhstan, panguva iyoyo yaiva imwe yenyika 15 dzaiumba Soviet Union. Pandaikura vabereki vangu nehama dzangu vaindiudza kuti ndaigona kuzova mutungamiriri nemusununguri wevanhu verudzi rwedu. Ndakatanga kuvenga zvekuti dhu vanhu vaitivenga uye ndaive ndakazvipira kuvauraya kuti ndisunungure rudzi rwedu.
Tava kunanavira kuma1990, amai vangu, munin’ina wangu, pamwe chete neni takatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, Baba vakatirambidza kufambidzana nevaKristu. Pasinei naizvozvo, ndakaenderera mberi ndichidzidza. Mumhuri dzevaKurd, hazviite kuti munhu apikisane nemusoro wemba. Baba vangu ndaivada, asi ndaidawo chokwadi chandaidzidza muBhaibheri.
Kupikiswa Kumba Nekuchikoro
Mumwe musi mudzidzisi akaona Nharireyomurindi mubhegi rangu rekuchikoro achibva anoudza vabereki vangu. Vanyetera, baba vakandirova zvekuti ropa rakati pfa-a richibuda mumhuno. Vakapopota vachiti, “Uchiri kupinda chechi iya?”
Kubva ipapo baba vakati vakanga vasisandione semwana wavo. Zvakandirwadza chaizvo! Vandaidzidza navo vakatangawo kusada kutamba neni uye vamwe vaindituka masikati machena. Vadzidzisi vangu vaideredza mamakisi angu uye tiri mukirasi vaitsvinyira chitendero changu, vachiedza kuti ndiite saivo vaiti hakuna Mwari.
Pasinei nekupikiswa uku, ndakaramba ndichiedza kuenda kumisangano yechiKristu uye ndichiudzawo vamwe nezvechitendero changu chitsva. Papera nguva, baba vakaziva kuti ndakanga ndichiri kufambidzana neZvapupu uye ndichiri kuverenga Bhaibheri. Mumwe musi weSvondo, ndakatanga kutsvaka chikonzero chekuti ndibve pamba ndiende kumisangano. Baba vakabva vati ndiende kunorara. Vachiratidza kuti vakanga vasiri kutamba vakati, “Kubva nhasi, ndidzo nguva dzaunorara musi weSvondo.” Vakandiudza kuti kana ndikasateerera vaizondiranga zvakaomarara, uye ndakazviona kuti vairevesa.
Ndichichema, ndakateterera kuna Jehovha, Mwari wechokwadi, kuti apfavise mwoyo wababa, asi havana kuchinja. Ndakafunga nezvekudzvinyirirwa kwevaIsraeri muIjipiti. Zvaiitwa nababa vangu zvakandifungisa Farao, airambidza vaIsraeri kuenda kunonamata Jehovha.—Eksodho 5:1, 2.
Kusarudza
Mumwe musi weSvondo ndakasarudza kuenda kumisangano. Ndakarara pamubhedha ndichinyengetera uku hana yangu ichirova nekutya. Vabereki vangu pavakapinda mandaiva, ndakanyepedzera kunge ndakabatwa nehope. Baba vachizvirova dundundu vakati, “Uri kuona, mwana wangu anozoteerera.” Vakanditsvoda vachibva vabuda. Ndakaenderera mberi ndichinyengetera.
Vabereki vangu vachangobuda, sezvataurwa munhanganyaya, ndakati kwarakwashu, ndokubva ndatora bhutsu dzangu pasi pemubhedha, ndiye svetu nepahwindo. Ndiri kumisangano nguva yakamhanya, uye ndakanga ndava kunetseka kuti zvinhu zvaizofamba sei ndadzoka kumba. Ndakafara kuti kunyange zvazvo amai vakaona kuti dzaingova mbatya chete dzaiva pamubhedha, havana kuudza baba. Zvisinei, vakandiyambira kuti vaisazoramba vachindivharidzira kuna baba.
Muna 1992 ndakaudza vabereki vangu kuti ndakanga ndakokwa kumabiko eshamwari yangu. Asi mabiko acho aiva gungano reZvapupu zvaJehovha raiitirwa kuguta rinonzi Taraz, makiromita 100 kubva kumba kwedu kuKaratau. Ikoko ndainobhabhatidzwa ndichiratidza kuti ndakazvitsaurira kuna Jehovha. Ndakakumbira amai kuti vandipe bhagidhi remasanifurawa. Ndakaakanga ndokuatengesa kumusika, ndokuwana mari yekuendesa kugungano.
Pandakadzoka, baba vakabvunza kana ini neshamwari yangu takanakidzwa. Ndakati takanakidzwa. Ndakanzwa kuti Jehovha ainditsigira, nokuti baba havana kuzoenderera mberi vachindibvunza. Ndakafarira mashoko ari pana Zvirevo 3:5, 6: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”
Kumborega Kunamata
Ndabhabhatidzwa baba vakaramba vachindipikisa. Pandakaramba ndichifambidzana neZvapupu, baba vaindirikita, paine vanhu kana kuti pasina. Rinenge zuva rega rega ndaishungurudzwa uye nguva zhinji ndaichema. Kazakhstan yakanga ichisununguka kubva kuSoviet Union, uye vabereki vangu nehama dzangu vakandinyengetedza kuti ndipinde mune zvematongerwe enyika. Vaifunga kuti ndakanga ndichitambisa mukana uyu wakanga wazaruka.
Mukoma wangu akaita mbiri mune zvemitambo, uye baba vaindikurudzira kumutevedzera. Nokudaro gore ra1994 rava kunopera, ndakatanga kuitawo zvemitambo. Semunhu akaberekwa aine chipo, pasina nguva ndakatanga kuhwina mikombe nekuwana mbiri nemhaka yekugona bhora nemitambo yekusimbisa muviri. Ndakatanga kudzidzira ugweta kuitira kuti ndizomiririra zvido zverudzi rwevaKurd. Ndakatosvika pakuita zvematongerwe enyika uye ndakafunga kuumba bato revaKurd revechidiki. Zvadaro baba vakatanga kundifarira.
“Zvamaida Zvakazoitika”
Ndakanga ndaneta mune zvekunamata uye ndarega kuverenga Bhaibheri nekupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Ndakazvinyaradza nokufunga kuti ndaizoshumira Jehovha zvakare kana ndakura. Baba vakandibvunza kana ndakanga ndichiri kufambidzana neZvapupu zvaJehovha. Ndakapindura kuti “Aiwa, Baba. Zvamaida zvakazoitika. Mava kufara here?” Vachinzwa izvi, baba vakafara chaizvo. Vati zenze tuku vakati, “Iye zvino wava mwana wangu!”
Handina kupinda misangano kwemakore maviri kunyange zvazvo dzimwe nguva ndaida kuenda. Ndaikurirwa nekunyara. Ndakafunga kuti ungano yaisazondinzwisisa.
Asi ndainyatsoziva kuti hapana chinhu chiri nani kupinda kushumira Jehovha. Ndaigara ndichizviudza kuti ‘Inga wani Jehovha ndinomuda!’ Baba vakabva vatanga kuita pikerere nenyaya yekuti ndiende kuyunivhesiti. Ndakabvuma uye ndakatovimbisa kuti ndaizobuda nedhigirii repamusoro. Zvisinei, ndaitarisira kuwana Zvapupu ndangosvika kuyunivhesiti yekuAlmaty, guta remazuva ano riri kumaodzanyemba kweKazakhstan.
Zvinhu Zvinonaka
Ndisati ndava nenguva yakareba payunivhesiti, ndakasangana neZvapupu zviviri zvichiparidzira mumugwagwa muAlmaty. Zvakauya kwandiri ndokundibvunza kuti, “Unofunga kuti ndiani ari kutonga nyika?”
Ndakapindura kuti, “Satani Dhiyabhorosi, muvengi waJehovha nevanhu vose.” (2 VaKorinde 4:3, 4) Ndakavatsanangurira kuti ndaive Chapupu chakabhabhatidzwa asi ndaive ndisisaite basa.
Gore ra1996 rava kunopera, ndakatangazve kudzidza Bhabheri neZvapupu. Ndaita zvidzidzo zvakati wandei, chido changu chekushumira Jehovha chakasimba zvakare uye ndakatanga kuita zvose zvaiitwa neZvapupu muAlmaty. Muna September 1997, ndakava piyona kana kuti muparidzi wenguva yakazara.
Papera gore, baba vakandishanyira. Ndakavamhanyira ndokusvikombundirana. Vakakumbira ruregerero pane zvavakandiitira. Vakati vakanga vasina kundinzwisisa uye vasina kunzwisisawo zvandaitenda. Ndakati, “Baba, ndinokudai kwazvo.”
Ndakafara chaizvo baba pavakagamuchira mabhuku anotsanangura Bhaibheri, ndokubva vakumbira Bhaibheri, vachiti vaida kuriverenga rose! Mushure megore, vakadzoka vaina amai. PaImba yeUmambo, vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakauya vachivamhoresa vachitaura mazita avo. Baba zvakavabata uye vakatanga kufarira zvikuru kuverenga mabhuku eZvapupu.
Kuwana Makomborero
Muna September 2001, ndakaroora Yelena, musikana wekuRussia ane unhu hunozadza mukombe. Aive abhabhatidzwa muna 1997 uye akava piyona muna May 2003. Takafara kunzwa kuti vabereki vangu vakanga vava kudzidza Bhaibheri neZvapupu uye kuti vaifambira mberi mune zvekunamata. Izvi handina kuzvibvuma kusvikira ndazviudzwa naivo mbune. Tiri pafoni vakandiudza kuti Jehovha ndiye ega Mwari wechokwadi!
Ndinofara kwazvo kuti muAlmaty ndakave nemukana wekudzidzisa Bhaibheri vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vanosanganisira vekuChina, Iran, Pakistan, Syria, neTurkey. Munguva ichangopfuura, mumwe mupristi wekuIran akakumbira kuti ndimudzidzise Bhaibheri mumutauro wake wechiPersia. Mumwe murume aimbova mukuru wemauto kuAfghanistan akafara zvikuru nezvaakadzidza nezvaJehovha. Zvaifadzawo kudzidzisa munhu wekuSyria nemutauro wangu wechiKurdish uyewo kudzidza nevanhu muchiKazakh nechiRussia, inova mitauro yandakadzidza ndiri mudiki.
Iye zvino ini naYelena, tiri kushumira tiri muungano yechiKazakh, imwe yeungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinopfuura 35 dziri muAlmaty. Gore rakapera, ini naYelena takava neropafadzo yekumboshanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri pedyo nekuAlmaty.
Ndakambodzidziswa kuvenga, asi Jehovha akandidzidzisa kuda vanhu vose. Ndava kuziva kuti hatitombofaniri kurega kufadza Jehovha, kunyange tichimanikidzwa nehama kana neshamwari dzinenge dzichifunga kuti dziri kunatsa. (VaGaratiya 6:9) Iye zvino ndinofara zvikuru kuti ini nemudzimai wangu tine “zvizhinji zvokuita mubasa raShe.”—1 VaKorinde 15:58.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]
Amai vakandiyambira kuti vaisazoramba vachindivharidzira kuna baba
[Mifananidzo iri papeji 30]
Imba yeUmambo yekuKaratau, kwandaipinda ndiri mudiki
[Mifananidzo iri papeji 30]
Vabereki vangu, avo vava kufarira basa redu
[Mifananidzo iri papeji 30]
Pamuchato wedu naYelena
[Mifananidzo iri papeji 30]
Ndiina Yelena pabazi riri pedyo nekuAlmaty