Kukanganiswa Kwaungaitwa—Nokutsunga Kupfuma
MUNYIKA ine vanhu vanopfuura mamiriyoni 850 vanoziya nenzara, zvingava zvakaoma kufungidzira kuti upenyu hwoumbozha hungakonzera zvinetso. Asi waona here kuti rugwaro rwataurwa munyaya yapfuura haruna kuti mari nepfuma zvakaipa, asi rwatinyevera kuti tisanyanya kuda mari uye kutsunga kupfuma? Chii chinoitika kana vanhu vakararamira kutsvaka pfuma uye zvinhu zvinogona kutengwa nemari? Tanga waona kukanganisa kwazvinoita vana vavo.
Kukanganisa Kwazvinoita Vana
Zvinofungidzirwa kuti mugore rimwe chete bedzi, anenge mwana woga woga muAmerica anoona zvinhu 40 000 zvinoshambadzirwa paterevhizheni. Kuwedzera pane izvi, pane mitambo yemavhidhiyo, maredhiyo emberi, purogiramu dzekombiyuta, uye zvipfeko zvine zita romugadziri zvinoonwa nevana muzvitoro nomumisha yeshamwari dzavo, uye zvadaro edza kufungidzira kuwanda kwezvinhu zvinozokumbirwa nevana kuvabereki. Vamwe vabereki vanongopa vana vavo zvose zvavanokumbira. Nei?
Vamwe vabereki vanoda kuva nechokwadi chokuti vana vavo havazokuri vachinzwa sokuti havana kuitirwa zvose zvavaida nokuti ivo vanenge vasina kupiwa zvose zvavaida pavaive vaduku. Kunyange zvakadaro vamwe vabereki vanotya kuti kana vakaramba kupa vana zvavanoda, havazodiwi navo. “Vanoda kuita ushamwari hwebhande nebhurugwa nevana vavo uye kuva nechokwadi chokuti vari kufara,” akadaro mumwe akatanga boka rinotsigira vabereki muBoulder, Colorado, U.S.A. Vamwe vabereki vanotarisira kuti kupa vana zvipo zvakawanda kuchatsiva nguva yakawanda yavanopedza vari kubasa vasina vana vavo. Uyewo, pashure pokunge ashanda zvinonetesa pfungwa kwevhiki yose, mubereki anenge achida kudzivisa mibvunzo inozonaya kana akaramba kuita zvinenge zvakumbirwa nevana.
Asi vabereki vanopa vana vavo zvose zvavanoda vanenge vachivabatsira here kana kuti vanenge vachivakuvadza? Zvisingatozivikanwi nevanhu ndezvokuti pane kuti vana vanyanye kuda Baba naAmai vavo, vana vanongopiwa zvose zvose havawanzoongi. Havatombokoshesi zvipo zvavanopiwa zvavanenge vatsvaka nemaziso matsvuku. Mumwe mukuru wechikoro chepurayimari akati: “Zvandinoziva ndezvokuti kana vana vakakurumidza kupiwa zvose zvavanokumbira, kazhinji kacho vanozvirasa pashure pevhiki mbiri.”
Vana vanongopiwa zvose zvose vanozoita sei kana vakura? Maererano nemagazini inonzi Newsweek, zvakaongororwa zvinoratidza kuti vanova vanhu vakuru “vanoomerwa nokukurira zvinhu zvinonetsa muupenyu.” Nokuti vanenge vasina kumbodzidza kushanda zvakaoma kuti vawane zvavanoda, vakawanda vavo vanofoira kuchikoro, havagoni basa, uye dzimba dzavo hadzibudiriri zvichiita kuti varambe vachingoda kutsigirwa nemari yevabereki vavo. Zviri nyorewo kuti vazvidye mwoyo uye vaore mwoyo.
Saka vana vanongopiwa zvose zvose vanenge vachitoremadzwa. Havambopiwi mukana wokuona kukosha kwokushanda, kukosha kwavanoita, uye kunzwisisa unhu hwavo. Mazvikokota wokushanda kwepfungwa anonzi Jessie O’Neill anonyevera kuti: “Kana ukadzidzisa vana kuti vanogona kuwana zvavanoda chero pavanenge vachizvida, uri kutoita kuti zvinhu zvisavafambire zvakanaka muupenyu hwavo hwose.”
Chii Chinoitika Kuvakuru?
Rimwe pepanhau rinonzi Zvepfungwa Nemaitiro Evanhu Nhasi [Psychology Today] rinotaura kuti kana makaroorana, “pasinei nokuti mave muri mose kwenguva yakareba sei kana kuti mune mari yakawana sei, zvamuri kuzonetsana pamusoro pazvo zvingangova zvemari.” Rinotiwo “kugadzirisa kunoita vaviri vakaroorana kusanzwisisana uye zvinetso zvemari kungaratidza kuti imba yavo ichagara kwenguva refu here kana kuti ichaparara.” Zviri pachena kuti vakaroorana vanokoshesa mari uye vanonyanya kuda zvinhu vanoisa muchato wavo parumananzombe. Zvechokwadi, zvinofungidzirwa kuti 90 muzana yemichato inodimburwa zvichinyanya kukonzerwa nokukakavadzana munyaya dzemari.
Asi kunyange vaviri vacho vakagara havo vose, imba yavo inenge isina kuti tsvikiti kana vachinyanya kukoshesa mari nezvinhu zvainotenga zvoumbozha. Somuenzaniso, zviri nyore kuti vaviri vanenge vaine chikwereti vakurumidze kutsamwa uye kuti vatosvorane vachingonakurirana nyoka mhenyu munyaya dzemari. Mune zvimwe zviitiko mumwe nomumwe anenge achingofunga nezvezvinhu zvake zvokuti havana nguva yokukurukurirana. Chii chinoitika kana mumwe akatenga chinhu chinodhura orega kuudza mumwe wake? Kuita izvi kunoita kuti vaviri vacho vazongoda kuvanzirana, kunzwa vaine mhosva, uye kunyumwirana—zvose izvi zvinokanganisa imba.
Vanhu vechikuru vashomanana vangave vakaroorana kana kuti kwete, vakatofa pamusana pokunyanya kuda zvinhu. MuSouth Africa, vamwe vakaedza kuzviuraya vachishungurudzika nokuda kutevedzera upenyu hwokuMadokero hwokunyanya kuda zvinhu. Zvinonzi muUnited States, mumwe murume akauraya mudzimai wake, mwanakomana wake aiva nemakore 12 ndokubva azozviurayawo pamusana pezvinetso zvemari.
Ichokwadi kuti havasi vanhu vose vanofa pamusana pokutsvaka pfuma. Zvisinei, vangararama vasingagutsikani zvepachokwadi vakanyura mukutsvaka pfuma. Zvingaitikawo ndezvokuti vangararama upenyu husina kutsarukana kana basa richiita kuti vanetseke mupfungwa kana kuti vazvidye mwoyo mune zvemari, vasave nechokwadi nezvichaitika, vasarare, vagare vachingotemwa nomusoro, kana kuti vave nezvironda zvomudumbu, zvichikonzera kuti upenyu hwomunhu huve hupfupi. Uye kunyange munhu akazoda kugadzirisa upenyu hwake, kunenge kwava kuyeuka bako wanayiwa. Waakaroorana naye anenge asingachamuvimbi, ukama hwake nevana vake hunenge hwakanganisika, uye utano hwake hungave husisina kutsarukana. Zvichida zvimwe zvacho zvingagadzirisika, asi kuita izvi ibasa chairo. Zvechokwadi vakadaro “vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.”—1 Timoti 6:10.
Unodei?
Vanhu vakawanda vanoda kuva nemhuri inofara, utano hwakanaka, basa rine chinangwa, uye mari inovakwanira kuwana chouviri. Zvinoda kuva nomwero kuti vawane zvose zviri zvina, uye kana munhu achingorota mari, zvinokanganisa mwero iwoyo. Kuti vakawanda vadzoke mugwara, zvingada kuti vabvume basa risingabhadhari mari yakawanda, imba duku, kana kusava nomukurumbira munzanga. Vangani vanoda kurega zvinhu zvoumbozha kuti vaite zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu? Mumwe mukadzi akabvuma kuti, ‘Ndinoziva kuti handizvishandisi zvose, asi zvakaoma kuti ndizvisiye!’ Vamwe vanoda kuzvisiya, asi havadi kuva vokutanga.
Zvakadini newe? Uri kuita zvakanaka kana uchiziva kuisa mari nezvinhu panzvimbo yazvo. Kana kuti uri kungoverenga nyaya ino uchimhanya nokuti mararamiro ako haakupi nguva? Uri mumwe wevaya vanoona vachifanira kurarama vasina zvinhu zvakawandisa kuitira kuti vave noutano hwakanaka nepfungwa dzakagadzikana here? Kana zvakadaro kurumidza kuzvigadzirisa kudisa zvinhu kusati kwaparadza imba yako. Bhokisi riri papeji ino rinopa mamwe mazano okuti ungazviita sei.
Kana munhu wose ari mumhuri akada zvinhu nenzira ine mwero, zvichamubatsira kuti ave noutano hwakanaka nepfungwa dzakagadzikana. Zvisinei, vaKristu vane zvimwezve zvavanofanira kufunga nezvazvo—havadi kuti zvinhu zvikanganise ukama hwavo naMwari. Kudisa zvinhu kungaita kuti munhu atadze kunamata zvakanaka, saka kungadziviswa sei? Nyaya inotevera ichazvitsanangura.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Kazhinji kacho vana vanopiwa zvose zvavanokumbira havaongi uye vanokurumidza kuzvirasa
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]
Kurarama Zvine Mwero
Zvinoda kutsunga uye kunyatsoronga kuti usare nezvinhu zvishoma. Heano mazano akabatsira vamwe.
◼ ONGORORAI. Chii chamungarega kutenga? Zvii zvamungarasa? Magazini? MaCD here? Kana kuti zvinhu zvisinganyanyi kukosha zvemotokari?
◼ CHIMBOEDZAI KURARAMA MUSINA ZVINHU ZVAKAWANDA. Kana muchizeza kurarama musina zvinhu zvakawanda, madii mamboedza kuzviita kwemwedzi mitanhatu kana kuti kwegore rimwe chete. Chionai zvino kana nguva iya yamaipedza muchitsvaka mari nepfuma yaiita kuti munyatsofara kana kuti kwete.
◼ PAMUNOKURUKURA SEMHURI NEZVOKURARAMA UPENYU HUSINA ZVINHU ZVAKAWANDA VANA VENYU NGAVAVEPOWO. Izvi zvingaita kuti vatsigire uye hamuzoomerwi nokuvarambira zvimwe zvinhu zvavanokumbira.
◼ IPAIWO VANA VENYU MARI. Kana vakasarudza kuichengeta kuti vatenge zvinhu zvavanoda kana kusaishandisa, vachadzidza kushivirira uye kukoshesa zvinhu zvavanazvo. Vachadzidzawo kusarudza.
◼ DZIDZAI NZIRA DZICHAKUBATSIRAI KUCHENGETEDZA MARI. Tengai zvinhu zvisingadhuri. Rongai mashandisiro amuchaita mari. Fambai nemotokari imwe chete. Musanyanya kushandisa magetsi. Kweretai mabhuku kuraibhurari pane kuita zvokutenga.
◼ NYATSOSHANDISAI NGUVA YENYU ZVAKANAKA. Yeukai kuti chinangwa chenyu chokuti musare muine zvinhu zvishoma hachisi chokuti mungova nezvinhu zvishoma asi ndechokuti muite zvinhu zvinonyanya kukosha, zvakadai sokubatsira vanhu muupenyu hwenyu. Ndizvo zvamuri kuita here?
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kutsunga kupfuma kungaita kuti vakaroorana vasawirirane