Zvinotaura Bhaibheri
Sayenzi Inopikisa Nhoroondo Iri Muna Genesisi Here?
VANHU vakawanda vanoti sayenzi inoramba nhoroondo yeBhaibheri yokusika. Asi chaizvozvo sayenzi yoga ndiyo inozvipikisa kwete Bhaibheri, idzi dzinongova pfungwa dzevaKristu vanoti zviri muBhaibheri zvinofanira kudavirwa sezvazviri chaizvoizvo. Mamwe emapoka aya achireva nhema anoti maererano neBhaibheri, zvinhu zvose zvinooneka zvakasikwa, zvakaitwa mumazuva matanhatu emaawa 24 makore anenge 10 000 akapfuura.
Zvisinei, Bhaibheri haritsigiri pfungwa yakadaro. Kudai raiitsigira, zvinhu zvakawanda zvakawanwa nevesayenzi mumazana emakore apfuura zvingadai zvisina kutsigira kururama kweBhaibheri. Kunyatsoongorora mashoko ari muBhaibheri kunoratidza kuti haapesani nesayenzi. Pamusana peizvi, Zvapupu zvaJehovha hazvibvumirani ne“vaKristu” vanoti zviri muBhaibheri zvinofanira kudavirwa sezvazviri chaizvo, uye nevamwe vakawanda vanotaura kuti zvinhu zvose zvakasikwa mumaawa 24. Mashoko anotevera anoratidza zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri.
“Kutanga” Kwakavapo Rini?
Nhoroondo iri muna Genesisi inotanga nemashoko ari nyore, ane simba anoti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Nyanzvi dzeBhaibheri dzinobvuma kuti ndima iyi inorondedzera chiito chakasiyana nemazuva okusika anotaurwa mundima 3 zvichienda mberi. Mashoko aya anobatanidza zvakawanda. Maererano nemashoko okutanga omuBhaibheri, zvinhu zvose zvakasikwa zvatinoona, kusanganisira puraneti yedu yePasi, yakanga iripo kwenguva isingazivikanwi mazuva okusika asati atanga.
Vane ruzivo nezvesayenzi yepasi vanofungidzira kuti pasi rave riripo kwemakore anosvika mabhiriyoni mana, uye vanoziva nezvenyeredzi vanoti zvinhu zviri mudenga zvave zviripo kwemakore angangosvika mabhiriyoni 15. Zvakawanwa izvi—kana kuti zvichida kugadziriswa kwazvichaitwa—kunopikisa Genesisi 1:1 here? Kwete. Bhaibheri haritauri kuti “matenga nenyika” zvagara kwenguva yakareba sei. Sayenzi hairambi ndima iyi yeBhaibheri.
Mazuva Okusika Akanga Akareba Sei?
Mazuva okusika akanga akareba zvakadini? Aiva akareba maawa 24 chaiwoiwo here? Vamwe vanodaro nokuti Mosesi—munyori webhuku raGenesisi—akazotaura nezvezuva rakatevera mazuva matanhatu okusika achiti ndipo panobva kuchengetwa kweSabata kwevhiki nevhiki, saka zuva rimwe nerimwe pamazuva acho okusika rakareba maawa 24 chaiwoiwo. (Eksodho 20:11) Mashoko akanyorwa muna Genesisi anotsigira pfungwa iyi here?
Kwete haaitsigiri. Chokwadi ndechokuti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “zuva” rinogona kureva nguva ine urefu hwakasiyana-siyana, kwete maawa 24 chete. Somuenzaniso, achitaura nokupfupisa basa raMwari rokusika, Mosesi anotaura nezvemazuva ose matanhatu okusika sezuva rimwe chete. (Genesisi 2:4) Uyezve, pazuva rokutanga rokusika, “Mwari akabva atumidza chiedza kuti Masikati, asi rima akaritumidza kuti Usiku.” (Genesisi 1:5) Pano apa, chikamu bedzi chemaawa 24 ndicho chiri kurondedzerwa neshoko rokuti “zuva.” Chokwadi, hapana uchapupu huri muMagwaro hunonyatsoratidza kuti zuva rimwe nerimwe pamazuva okusika raiva rakareba maawa 24.
Saka, mazuva okusika akanga akareba zvakadini? Manyorerwe akaitwa Genesisi chitsauko 1, ne2 anoratidza kuti zvakatora nguva yakati rebei.
Zvakasikwa Zvakavapo Zvishoma Nezvishoma
Mosesi akanyora nhoroondo yake muchiHebheru, uye akainyora semaonero anoita munhu ainge ari pasi. Zvinhu zviviri izvi zvikabatanidzwa noruzivo rwokuti zvinhu zvose zvakasikwa zvatinoona, zvaivepo mazuva okusika asati atanga, kana kuti “mazuva,” zvinobatsira kugadzirisa gakava guru rine chokuita nenhoroondo yokusika. Sei?
Kunyatsoongorora nhoroondo yaGenesisi kunoratidza kuti zviitiko zvaitanga mukati me“zuva” rimwe chete zvakaenderera mberi muzuva rakatevera kana kuti mumazuva aitevera. Somuenzaniso, “zuva” rokutanga rokusika risati ratanga, chiedza chaibva kuzuva rakanga ratovapo nechakare chaitadziswa kusvika pasi pano, zvichida nemakore akati ndoo. (Jobho 38:9) Mu“zuva” rokutanga, chaivharidzira chiedza ichi chakatanga kunyangarika, chichiita kuti mwaranzi yechiedza isvike mudenga rine mhepo.a
Ne“zuva” rechipiri, zviri pachena kuti chaivhariridza chiedza chakaramba chichinyangarika, zvichiita kuti pave nenzvimbo isina chinhu pakati pemakore negungwa. “Zuva” rechina, chaivhariridza chakanga chanyangarika zvachose zvokuti denga rakanga rava kunyatsooneka uye zuva nemwedzi zvaigona kuoneka “munzvimbo huru yematenga.” (Genesisi 1:14-16) Nemamwe mashoko, mukuona kwaiita munhu aiva pasi, zuva nemwedzi zvakatanga kuoneka. Zviitiko izvi zvakaitika zvishoma nezvishoma.
Nhoroondo iri muna Genesisi inotaura kuti denga zvarakaramba richijeka, zvisikwa zvinobhururuka—kusanganisira tumbuyu nezvimwewo zvine mapapiro—zvakatanga kuoneka pa“zuva” rechishanu. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti mu“zuva” rechitanhatu, Mwari akanga achiri ku“umba mhuka dzose dzomusango nezvisikwa zvose zvinobhururuka zvokumatenga nevhu.”—Genesisi 2:19.
Zviri pachena kuti mashoko eBhaibheri anosiya paine mukana wokuti pangangove paine zvinhu zvikuru zvaiitika “zuva” roga roga, kana kuti munguva yokusika, kuti ingave yakaitika zvishoma nezvishoma kwete kuti zvakangoerekana zvavapo, zvichida zvimwe zvacho zvaizogumira mune mamwe “mazuva” aitevera okusika.
Maererano Nemarudzi Azvo
Kuvapo uku kwezvinomera nemhuka kwakaitika zvishoma nezvishoma kunoreva here kuti Mwari akashandisa kushanduka-shanduka kwezvinhu kuti pave nezvipenyu zvizhinji zvakasiyana-siyana? Kwete. Mashoko acho anotaura zvakajeka kuti Mwari akasika “marudzi” ose ezvinomera nemhuka. (Genesisi 1:11, 12, 20-25) “Marudzi” aya ezvinomera nemhuka akaitwa zvokusikwa, ainge aine simba rokuchinja kuti akodzerane nemamiriro okunze anochinja here? Chii chinosiyanisa “rudzi” rwechimwe nechimwe? Bhaibheri haritauri. Zvisinei, rinotaura kuti zvisikwa zvipenyu zva“kazara mumvura maererano nemarudzi azvo.” (Genesisi 1:21) Mashoko aya anoreva kuti uwandu hwokusiyana kuripo hunogona kuitika mu“rudzi” hune pahunogumira. Zvisaririra zvinoratidza upenyu hwekare uye kutsvakurudza kwemazuva ano zvinotsigira pfungwa huru yokuti marudzi makuru ezvirimwa uye emhuka angochinja zvishomanana munguva yakareba zvikuru.
Kusiyana nezvinotaurwa nevaKristu vanoti zviri muBhaibheri zvinofanira kudavirwa sezvazviri chaizvoizvo, nhoroondo iri muna Genesisi haidzidzisi kuti zvinhu zvakasikwa zviri mudenga, kusanganisira pasi rino, nezvose zvinorarama zviri pariri, zvakasikwa munguva pfupi ichangopfuura iyi. Asi, nhoroondo iri muna Genesisi yokusikwa kwezvinhu zvose zviri mudenga nokuvapo kwezvinhu zvipenyu zviri pasi pano inopindirana nezvinhu zvakawanda zvakawanwa nevesayenzi.
Nemhaka yezvavanotenda zvinobva pauzivi hwavo, masayendisiti akawanda anoramba kutaura kunoita Bhaibheri kwokuti zvinhu zvose zvakasikwa naMwari. Zvisinei, chinofadza ndechokuti mubhuku rekare reBhaibheri raGenesisi, Mosesi akanyora kuti denga rakava nemavambo uye kuti upenyu hwakavapo zvishoma nezvishoma, munguva yakati rebei. Mosesi akakwanisa sei kuwana mashoko akarurama zvakadaro mune zvesayenzi kareko makore 3 500 apfuura? Panongova netsananguro imwe chete bedzi ine musoro. Munhu uya ane simba nouchenjeri hwokusika matenga nepasi ndiye chaizvoizvo aigona kupa Mosesi ruzivo runoshamisa rwakadaro. Izvi zvinoita kuti mashoko eBhaibheri okuti ‘rakafuridzirwa naMwari’ abve anyanya kukosha.—2 Timoti 3:16.
[Mashoko Omuzasi]
a Murondedzero yezvakaitika pa“zuva” rokutanga, shoko rechiHebheru rakashandiswa pashoko rokuti chiedza ndiʼohr, rinoreva chiedza chatinoziva; asi nezve“zuva” rechina, shoko rakashandiswa ndima·ʼohr ʹ, rinoreva kunobva chiedza.
WAKAMBOSHAMISIKA HERE KUTI?
◼ Mwari akasika zvinhu zvose zviri kudenga nepanyika kare kare zvakadini?—Genesisi 1:1.
◼ Pasi rakasikwa mumazuva matanhatu emaawa 24 here?—Genesisi 2:4.
◼ Zvakanyorwa naMosesi nezvemavambo epasi zvingava sei zvakarurama mune zvesayenzi?—2 Timoti 3:16.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Nhoroondo yaGenesisi haidzidzisi kuti zvinhu zviri mudenga nepanyika zvakasikwa munguva pfupi pfupi ichangopfuura iyi
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
“Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.—Genesisi 1:1
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]
Zvinhu Zviri Mudenga: IAC/RGO/David Malin Images
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]
NASA photo