Kutenda Kwomumwe Mwana
DUSTIN akatanga kuteererawo pane dzimwe nguva amai vake pavaidzidziswa Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo akanga aine makore 11 bedzi, aifunga zvakadzama uye aibvunza mibvunzo yakawanda yaiva nomusoro. Nokukurumidza akakumbirawo kuti iye adzidziswe Bhaibheri nomumwe aichimbova mumishinari akadzidza naamai vake. Akatangawo kuparidzira vaaidzidza navo kuchikoro.
Dustin akatanga kupinda misangano paImba yoUmambo iri munzvimbo yokwavo, aitopindurawo mibvunzo yaida kuti vateereri vapindure. Paakashanyira baba vake aine vanun’una vake, baba vacho vakati vose vaifanira kuenda kuchechi pamwe chete. Dustin akatsanangura kuti nei aida kuenda kuImba yoUmambo. Baba vacho vakabvuma uye vakamuti aende zvake ikoko.
Mamwe manheru vapedza misangano paImba yoUmambo, amai vaDustin vakamushayiwa. Asina kuudza amai vake, akanga aenda kunotaura nomutariri weChikoro chaMwari Choushumiri uye akanga abvunza nezvokunyoresa pachikoro. Amai vake vakabvuma. Nomufaro akatarisira kuzopa hurukuro yake yokutanga. Zvisinei, panguva iyoyo akatanga kurwadziwa zvikuru muhudyu make, uye akaendeswa kuna vanachiremba vakasiya-siyana kuti anoongororwa. Pakupedzisira, manheru anokosha kuna Dustin okuti ape hurukuro paImba yoUmambo akasvika. Panguva iyoyo akanga ava kushandisa madondoro. Kunyange zvazvo zvaiva pachena kuti akanga achirwadziwa, musi iwoyo akafamba asina madondoro achienda kuchikuva.
Nokukurumidza pashure peizvi, Dustin akanzi aive nechirwere chinonzi Ewing’s sarcoma, kenza yemapfupa isina kujairika. Akapedza nguva yakawanda yegore rakatevera racho ari muchipatara chevana vaduku chiri muSan Diego, kuCalifornia. Kurapwa kwekemo, kuita zvokupisa, uye kuzobviswa kwegumbo rake rorudyi uye pfupa romuhudyu hazvina kumboderedza kutenda kwake kwakasimba uye kuda kwake Jehovha. Paainge asina simba rokuti averenge, amai vake, avo vaigara vainaye nguva dzose, vaimuverengera zvinonzwika.
Kunyange zvazvo utano hwaDustin hwakawedzera kuipa, haana kumbogunun’una. Akaramba achishingaira, achifamba-famba ari muwiricheya yake achikurudzira vamwe varwere nevabereki vavo, kusanganisira mumwe murwere aiva Chapupu. Vashandi vomuchipatara vakaona kuti Dustin neimwe pwere iya yaiva Chapupu vaiva vakasiyana nevamwe—kuti kutenda kwavo kwaivachengetedza.
Dustin akanga achida kubhabhatidzwa. Saka paakanga akarara pasofa, anyanyopera simba zvokutadza kugara akatwasuka, vakuru vechiKristu vakakurukura naye mibvunzo yorubhabhatidzo inobvunzwa vanenge vava kuda kubhabhatidzwa kuti vazova Zvapupu zvaJehovha. Musi waOctober 16, 2004, Dustin akabhabhatidzwa pagungano redunhu ava nemakore 12 nehafu.
Hurukuro yorubhabhatidzo payakanga yoda kutanga, Dustin akaendeswa ari muwiricheya kunzvimbo yakanga yakagarwa nevamwe vakanga vachida kubhabhatidzwa. Pavakanzi vasimuke, Dustin akamira negumbo rake rimwe chete, akapfeka sutu yake yaaifarira zvikuru, akabatirira paruoko rwecheya kuti azvitsigise. Akapindura mibvunzo yorubhabhatidzo neinzwi guru rainzwika zvakanaka. Vose vomumhuri yaDustin vakanga varipo, kusanganisira baba vake vokumubereka nomudzimai wavo. Vashandi vokuchipatara uye vabereki vevamwe vana vaiva kuchipatara vairwara nekenza vakanga varipowo.
Zuva rakatevera kubhabhatidzwa kwake, Dustin akadzokerazve kuchipatara. Kenza yakanga yatopararira nemapfupa ose mumuviri wake. Sezvaakaramba achipera simba uye ava kuziva kuti akanga ava kufa, akabvunza amai vake kana kuri kuti ndizvo zvazvaiva. “Nei uri kubvunza?” vakapindura, “unotya kufa here?”
“Kwete,” akadaro. “Ndichangovhara maziso angu, uye pandichasvinura ndamutswa, zvichangoita sokuti ndinenge ndatsinzina kwekanguva kaduku-duku bedzi. Ndinenge ndisisiri kurwadziwazve.” Akabva ati, “Ndinongotyira mhuri yangu bedzi.”
Dustin akafa mwedzi wakatevera wacho. Pahurukuro yemariro ake pakauya vanachiremba, manesi, mhuri dzevashandi vepachipatara, vadzidzisi, vavakidzani, uyewo mhuri yaDustin—vaiva Zvapupu zvaJehovha nevakanga vasiri. Dustin akakumbira kuti vose vaizova pahurukuro yemariro ake vanyatsoparidzirwa nezvezvaaitenda. Mutariri weChikoro chaMwari Choushumiri, uyo akanga apa Dustin hurukuro yomudzidzi imwe bedzi yaakakwanisa kupa, akapa hurukuro yakanaka yaisimbisa kutenda kuboka rakakura zvikuru zvokuti vakawanda vavo vakanga vakamira.
Magwaro maviri pane ainyanya kufarirwa naDustin akadhindwa akapiwa vaya vakanga vauya kumariro ake.—Mateu 24:14 uye 2 Timoti 4:7. Kutenda kwake kwakasimba uye kuvimbika zvakakurudzira vose vaimuziva. Tinotarisira kuzomutambira paachamutswa.—Yakataurwa neChapupu chakadzidza Bhaibheri naDustin.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
“Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.”—2 Timoti 4:7.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Pamusoro: Dustin, achiine utano hwakanaka
[Mufananidzo uri papeji 29]
Pazasi: Dustin achibhabhatidzwa aine makore 12 nehafu