Mufaro Wemhuri—Ungawanika Here?
Gore rapfuura, vamwe amai vechiduku vakanyorera hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha iri kuMexico vachikumbira kuti vabatsirwe kuwana mufaro wemhuri. Vakatsanangura kuti vakanga vanakidzwa nokuverenga magazini yeAwake! uye vakati:
“Ndave nemakore matatu ndaroorwa, uye ndinoda kuwana zano uye zvingabatsira kuva nemhuri yakanaka. Ini nomurume wangu takava nomwanakomana makore maviri apfuura, uye ndinodawo kumurera zvakanaka.”
Amai ava vakanga vambonzwa nezvebhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri uye vakanyora vachikumbira bhuku racho. Zvimwe zviuru zvevanhu zvakakumbirawo. Variverenga, vakawanda vakataura kuti vakabatsirwa zvikuru naro. Zvimwe zvezvitsauko zvinobatsira mubhuku racho ndeizvi “Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche,” “Dzivirirai Mhuri Yenyu Papesvedzero Dzinoparadza,” uye “Chengetai Rugare Mumhuri Yenyu.”
Unogona kukumbira bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri nokuzadza kopani riri pano woritumira kukero yakaratidzwa pakopani racho kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Ndisina zvandinovimbisa, ndapota nditumireiwo bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.
□ Ndapota ndionei nezvokudzidza Bhaibheri pachena ndiri pamusha.