Unogona Kuwana Mufaro Wechokwadi!
MUNYIKA yose zvinoita sokuti vanhu vakawanda vanofunga kuti motokari yemberi, akaundi yokubhengi ine mari yakawanda, basa rinoremekedzwa chaizvo, imba huru, uye zvinhu zvichangoburwa zvemagetsi, pamwe chete nomuviri wakanaka unokwezva kana kuti wakasimba ndizvo zvinoita kuti munhu afare. Asi mufaro unobva chaizvoizvo pazvinhu zvakadaro nepakuva nemidziyo here?
Mamwe mashoko anokosha ari mumagazini inonzi Time anoti, kwave kuchiitwa “tsvakurudzo huru yezvinhu zvinopa mufaro, tariro, pfungwa dzinongofunga zvinhu zvakanaka chete, uye miitiro inoita kuti munhu ave noutano hwakanaka.” Zvakabuda muongororo idzi zvave zvichishamisa vakawanda. Uchapupu uhwu hwakafanana zvinoshamisa, hunoratidza kuti vanhu vanofunga kuti mari, mukurumbira, kana kuti runako ndizvo zvichaita kuti vafare, vari kuzvinyengera. Kutaura zvazviri, vanenge vachitovakira upenyu hwavo panheyo ingangokuvadza pfungwa dzavo uye ingatoita kuti vaore mwoyo.
MuUnited States, vanhu vakawanda vapfuma kwazvo kudarika kare. “Asi hatisi kufara chaizvo nokuti takapfuma,” inodaro magazini inonzi Time. Chokwadi, vanhu vari mune dzimwe nyika havasi kufarawo. Pasinei nokuti upfumi hweChina huri kuwedzera, nhamba yevanhu vasiri kufara iri kuwedzerawo zvinoshamisa. Imwe magazini inonzi Access Asia inobuda kana pagore inoti, munyika iyi kuzviuraya “ndiko kwava honzeri huru yokufa kwevanhu vane makore ari pakati pe15 ne34.” Zvinoita sokuti chimwe chinhu chiri kukonzera izvi kumanikidzwa kuri kuitwa vechiduku kuti vabudirire munyika ino yakaoma uye inokoshesa mabasa nokuwana zvinhu.
Zviri pachena kuti kubudirira mune zvemari hakuderedzi kuzvidya mwoyo uye kunetseka mupfungwa; chaizvoizvo kunotozviwedzera. “Mararamiro edu ndiwo ava kunyanya kuita kuti tisave nepfungwa dzakagadzikana,” akagumisa kudaro mamwe mashoko etsvakurudzo yakaitwa neimwe yunivhesiti. Maererano neimwe nyanzvi inoongorora zvemagariro evanhu inonzi Van Wishard, “makambani akawanda ari kubhadhara mari kuti atarisire utano hwevashandi vawo, asi utano hwepfungwa ndihwo hwava kunyanya kudya mari yakawanda.”
Kunyange vana vari kuvhiringidzwawo nenyika yedu iri kukurumidza kuchinja. Iye zvino kwava nemabhuku evana vane makore masere anovapa mazano okuti “vangaziva sei kuti vava nezviratidzo zvokuzvidya mwoyo uye kuti vangaita sei nezvazvo,” anodaro Wishard. Uye maererano nemamwe mashoko aiva mupepanhau raitaura zvokuora mwoyo, vana vari munyika dzinoverengeka dzokuMadokero vakaonekwa kuti vakaora mwoyo vari kuwedzera zvinoshamisa ne23 muzana pagore. Uyezve, “vanoenda kukireshi ndivo vari kunyanya kutengerwa mishonga inoderedza kuora mwoyo.”
Kutya kuri kuwedzerawo—kwete nemhaka yokusagadzikana kwezvoupfumi chete. Nokuwedzera kuri kuita vanhu kunyanya kutsigira zvematongerwo enyika uye zvechitendero, vakawanda vanotya chaizvo pavanofunga zvingaitika mune ramangwana. Pane zvingabatsira here?
Makore anenge zviuru zviviri akapfuura, Jesu Kristu akadzidzisa mararamiro anozorodza uye anoderedza kuzvidya mwoyo. Dzidziso yake huru pane zvaaidzidzisa yaiva nyore asi iri chokwadi chinokosha. Akati, “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Chokwadi, Jesu akakurudzira vateereri vake kuti vafungisise zvinonyanya kudiwa nevanhu—chokwadi mune zvokunamata pamusoro poMusiki wedu uye chinangwa Chake nokuda kwedu.
Sezvatichaona munyaya dzinotevera, chokwadi ichi chinogona kutibatsira kunzwisisa zvinonyatsokosha, chichiita kuti tirarame tichifara uye zvine chinangwa. Chokwadi chakadai mune zvokunamata chinoitawo kuti tive netariro yakajeka.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Mufaro unobva pakuva nezvinhu here?