RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 April pp. 20-23
  • Nei Rudo Rwechokwadi Rwakaoma Kuwana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Rudo Rwechokwadi Rwakaoma Kuwana
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rudo “Ruchatonhora”
  • Rudo Rwokufungidzira Here Kana Kuti Rudo Chairwo?
  • Rudo Rwomubhuku Kana Ruchienzaniswa Norudo Chairwo
  • Chandinorava Chinoita Musianoi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinoziva Sei Kana Ruri Rudo Chairwoirwo?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Chikuru Pakati Pazvo Ndirwo Rudo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 April pp. 20-23

Nei Rudo Rwechokwadi Rwakaoma Kuwana

Kune mazano akawanda anotaura nezvorudo rwevarume nevakadzi. Nyanzvi dzokurapa uye vanachipangamazano vanopa mazano. Hurukuro dzinobudiswa paterevhizheni dzinowanzotaura nezvenyaya yacho.

PAINDANETI nzvimbo dzakawanda dzinobudisa mashoko dzinoti dzinorayiridza kuti rudo rungawanikwa sei. Ungaudzwa kuti uchawana “zvinhu zvakavanzika zvinonakidza uye zvinoshamisa” uye kuti uchadzidza kubva ku“nyanzvi dzinokwanisa kuita kuti udanane nomunhu chaiye anoenderana newe,” “kunyanzvi dzoukama hwevanhu,” uye “kuna vanamazvikokota vorudo,” tisingatauri zvedu nyanzvi dzokurapa pfungwa, vakadzidza mashandiro anoita pfungwa, uye vazivi venyeredzi.

Misoro yenyaya dzorudo inoita kuti mabhuku nemagazini zvitengwe, mimwe yacho inenge ichivimbisa zvinhu zvisingaiti. Somuenzaniso, rimwe bhuku rinotaura kuti rinogona kukuratidza kuti “ungaita sei kuti chero munhu upi zvake adanane newe.” Rimwe rinoti rinogona kukuratidza kuti ungawana sei “munhu wokuroorana naye anonyatsoenderana newe mumwedzi mumwe chete bedzi.” Mwedzi wakanyanya kureba here? Rimwe rinobva rati “mumaminitsi 90 kana kuti ari pasi,” unogona kuita kuti mumwe munhu akude nokusingaperi.

Unowana akawanda emazano acho wabhadhara chimwe chinhu. Uye vanhu vakawanda vanobhadhara kaviri. Vanobhadhara mari kuti vawane mazano. Zvadaro, kana mazano acho akatadza kushanda, sezvaanowanzoita, vanobhadhara mupfungwa zvinhu pazvinotadza kuita sezvaitarisirwa.

Zvisinei, kune rimwe bhuku rinopa mazano okuti kana akashandiswa haambokundikani. Uyezve, rinotaura chokwadi nezvenyaya iyi, risingavimbisi zvinhu zvokufungidzira kana kuti zvisingaitiki. Kunyange zvazvo rakanyorwa kare kare, zano raro rinoramba richifambirana nenguva. Munyori waro ane uchenjeri norudo zvisingaenzaniswi. Pamwe unotova nekopi yako yechipo ichi chinokosha—Bhaibheri Dzvene. Pasinei nemamiriro edu ezvinhu kana makuriro atakaita, Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tinofanira kuziva nezvorudo. Uye zano raro haribhadhariswi.

Bhaibheri richaita kuti tikwanise kuva noukama hwakanaka nomunhu wose here? Kwete. Vamwe vanhu havazombodi kushamwaridzana nesu, pasinei nokuti tingaedza zvakadini. Uye rudo rwechokwadi harumanikidzwi. (Rwiyo rwaSoromoni 8:4) Zvisinei, kana tikashandisa mazano eBhaibheri, tichawedzera mikana yedu yokushandira kuva noukama hune rudo nevamwe, kunyange zvazvo izvi zvingatora nguva nesimba. Rudo urwu ruchakurukurwa munyaya inotevera, asi kutanga, funga kuti nei rudo rwakaoma kuwana mazuva ano.

Rudo “Ruchatonhora”

Muuprofita hwake hukuru hwo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino, Jesu akafanotaura nenzira yakarurama zvaizova zvakaita zvinhu muzuva redu. Akataura kuti nyika yaizova isingateereri mutemo uye iine hondo—zvinhu zvakanyatsosiyana norudo! Uyewo akataura kuti “vazhinji . . . vachatengesana uye vachavengana” uye kuti “rudo rwevazhinji ruchatonhora.” (Mateu 24:3-12) Haubvumi here kuti nyika haisisina ushamwari uye kuti haisisina rudo rwechokwadi, kunyange mumhuri?

Kuwedzera kumashoko aJesu, muapostora Pauro akarondedzera zvakadzama zvaizoita vanhu “mumazuva okupedzisira.” Akanyora kuti vanhu vaizova “vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:1-4) Munyika dzakawanda unhu uhwu ndihwo huri kunyanya kuratidzwa.

Chimbofunga izvi: Unonzwa uchida kushamwaridzana nevanhu vanodada, vasingaongi, vasina kuvimbika, vachakuchera kana kukutengesa here? Unoda kushamwaridzana nevanhu vanozvida, vanoda mari, kana kuti mafaro here? Nokuti vanhu vanozvifunga ivo vanobvumira makaro nezvido zvavo kuumba nokudzora ukama hwavo, chero kufarira kupi nokupi kwavangaita vamwe kungangova kuri kwoudyire. Magwaro anopa zano rouchenjeri rokuti: “Usiyane naivava.”—2 Timoti 3:5.

Onawo kuti mashoko okuti vanhu vachange vachirarama mumazuva okupedzisira vachange “vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo” kana kuti, sokutaura kunoita imwe shanduro “vasina rudo rwavanofanira kuratidza mumhuri dzavo.” Zvinosuwisa kuti nhamba yevana vari kukurira mumisha yakadai iri kuwedzera. Kazhinji kacho, zvinodzidzwa nevaduku ava nezvorudo vanozviwana muzvinhu zvinobudisa mashoko. Asi zvinobudisa mashoko zvinoratidza rudo nenzira yakarurama here, rudo ruya runoita kuti pave noukama hwakanaka zvechokwadi?

Rudo Rwokufungidzira Here Kana Kuti Rudo Chairwo?

Kusvika pamwero wakati vakawanda vedu tinokanganiswa nezvinobudisa mashoko. Mumwe mutsvakurudzi akanyora kuti: “Kubvira panguva yatinenge tichiri vaduku zvikuru, tinoona mifananidzo yakawanda yengano uye isingadzimiki nyore nyore mupfungwa dzedu yenyaya dzepabonde, dzorudo, uyewo dzokudanana kwevarume nevakadzi muzvinhu zvinoshambadzira mashoko—zvakadai semafirimu neterevhizheni, mabhuku nemagazini, redhiyo uye mimhanzi yakarekodhwa, zvokushambadzira, uye kunyange munhau chaidzo.” Akatsanangurawo kuti: “Zvizhinji zvinobudisa nhau zvinoratidza nyaya dzepabonde, dzorudo, uye dzokudanana kwevarume nevakadzi zvinoumba kana kuti zvinosimbisa tarisiro dzezvinhu zvisingaitiki izvo vakawanda vedu tisingakwanisi kudzima zvachose mupfungwa dzedu. Zvinoita kuti tisagutsikane nevanhu vatakaroorana navo uyewo nesu pachedu.”

Chokwadi, kashoma kuti mabhuku, mafirimu, uye nziyo zviratidze rudo nenzira yakarurama. Nokutika chinangwa chikuru chezvinhu izvi ndechokuvaraidza, kwete chokudzidzisa. Ndokusaka vanyori vezvinhu izvi vachiramba vachibudisa zvinhu zvakawanda zvokufungidzira uye zvorudo zvinoita kuti vawane mari. Zvisinei, zvinosuwisa kuti zviri nyore kutadza kusiyanisa kufungidzira kwakadaro nechokwadi. Saka, vanhu vanowanzoodzwa mwoyo muukama hwavo pavanoona kuti vanotadza kuita sezvinoitwa nevatambi ivavo vokunyepedzera. Saka tingasiyanisa sei zvinhu zvokufungidzira nezvinhu chaizvo, rudo runowanika muzvinhu zvinobudisa mashoko norudo chairwo? Chimbofunga kusiyana kwezvinhu zvinotevera.

Rudo Rwomubhuku Kana Ruchienzaniswa Norudo Chairwo

Pasinei nokuti dzingave dziri mumabhuku here kana kuti mumitambo, nyaya dzorudo dzingasiyana, asi maumbirwo adzo, kana kuti nzira yadzinonyorwa nayo hainyanyi kuchinja. Imwe magazini inonzi Writer inoti: “Nyaya dzakawanda dzorudo dzinonyorwa dzichifananidzwa nedzakambonyorwa kare. Zvinoitirwa chikonzero. Kunyora nyaya seizvi: mukomana anoona musikana, mukomana anotorerwa musikana wake, mukomana wacho anotorazve musikana uya, inzira yakaedzwa uye yakaonekwa kuti inoshanda, inofarirwa nevaverengi zvokuti vanoda kugara vachiverenga zvinhu zvakadai, pasinei nokuti zvakaitikira kupi kana kuti rini.” Ngatimbonyatsoongorora nzira yokunyora iyi yakakurumbira.

Mukomana anoona musikana: Mwanakomana wamambo akanaka anoona mukadzi tsvarakadenga, uye vanotanga kudanana. Mumwe munyori ane unyanzvi mubasa iri anorayira vanoda kuzonyora nyaya dzorudo achiti “zvinofanira kuva pachena kumuverengi wako kuti [vaviri vacho] pavanongotanga kuonana vakakodzerana.”

Pfungwa yokuti unogona kudanana nomunhu paunongotanga kumuona inopa pfungwa yokuti rudo rwechokwadi runongova manzwirowo zvawo—pfungwa ine simba inokukunda paunosangana nomumwe munhu akakukodzera—kuti rudo rwakadaro runongoerekana rwavapo, uye kuti hauna zvakawanda zvaunofanira kuita kana kuziva nezvomunhu wacho. Zvisinei, rudo chairwo runosanganisira zvakawanda kupfuura manzwirowo zvawo. Ichokwadi kuti manzwiro anobatanidzwa, asi rudo chisungo chikuru chevanhu chinosanganisirawo mitemo netsika uye chinoramba chichiwedzera, zvichingoenderana nokuti chiri kukosheswa here zvakakodzera uye kuchengetedzwa.—VaKorose 3:14.

Uyezve, zvinotora nguva kuti uzive mumwe munhu. Kufunga kuti unenge wawana munhu wokuroorana naye akakodzera paunongotanga kuonana naye kungofungidzira chete uye kunowanzoita kuti uore mwoyo. Uyewo, kukurumidza kugumisa kuti wawana rudo rwechokwadi, kungaita kuti usafunga nezvechokwadi chaicho. Kusarudza munhu wokuroorana naye akakodzera kunoda zvakawanda kupfuura pfungwa yakasimba inongoerekana yavapo yokuda munhu zvenguva pfupi. Saka zvipe nguva. Chokwadi, ongororo dzakawanda dzakaratidza kuti kutadza kusarudza zvakanaka munhu wokuroorana naye kunogona kukukanganisa kushanda pabasa, kukanganisa utano hwepfungwa nomuviri, uye kunyange urefu hwoupenyu.

Mukomana anotorerwa musikana wake: Jinda rakaipa rinoba mukadzi wacho akanaka rotiza pamuzinda wamambo. Mwanakomana wamambo anoita rwendo rune ngozi rwokutsvaka mukadzi wake. Mumwe mumiriri wechikadzi weVanyori Vezvorudo vokuAmerica anoti: “Dingindira renyaya yorudo rinofanira kunge riri revanhu vaviri vanodanana uye vanenge vachiedza kuita kuti ukama hwacho hubudirire.” Mumanovhero akawanda ukama hwacho hunotobudirira chete—vaverengi vanozviziva. Zvipingamupinyi, kazhinji kacho zviya zvisingasanganisiri vaviri vacho zvinokundwa.

Muupenyu chaihwo munowanzova nezvinetso zvisiri zvomumba uye zvomumba. Zvingasanganisira mari, basa, voukama, uye shamwari. Zvinetso zvinovapowo kana mumwe munhu akatadza kuita zvinotarisirwa nomumwe. Kana vari vatambi vokunyepedzera, havawanzokanganisi, asi handizvo zvazviri nguva dzose muupenyu chaihwo. Uyezve, rudo chairwo haruiti kuti tikunde miedzo kana kuti kusawirirana pamafungiro, marererwo, zvido, uye unhu hwakasiyana, tisina kana zvataita. Asi rudo runosanganisira kushanda makabatana, kuzvininipisa, unyoro, kushivirira, uye mwoyo murefu—unhu husingawanzovipo nyore nyore kana kuti husingangoerekani hwavapo.—1 VaKorinde 13:4-7.

Mukomana wacho anotorazve musikana wake: Mwanakomana wamambo anonunura mukadzi wake tsvarakadenga uye anodzinga jinda racho. Vaviri vacho vanoroorana uye vanozorarama vachifara kwoupenyu hwavo hwose. Mumwe munyori wemanovhero orudo anorayira vanoda kuzonyora mabhuku aya achiti: “Unofanira kuita kuti zvinhu zvipere pava nomufaro iwoyo kwoupenyu hwose. . . . Muverengi anofanira kugutsikana kuti vaviri vacho vari pamwe chete uye kuti vari kufara.” Kashoma kuti manovhero orudo ataure nezvevatambi vacho pashure pemakore akawanda varoorana. Panguva iyi kusawirirana nezvimwe zvinetso zvakawanda nematambudziko zvingave zvakaedza ukama hwacho. Sokuratidza kunoita uwandu hwevari kurambana, nokufamba kwenguva michato yakawanda inotadza kukunda miedzo.

Chokwadi, rudo rwomubhuku ruri nyore; rudo rwechokwadi runoda kurushandira. Kunzwisisa kusiyana kuri pakati pezvinhu zviviri izvi kuchakuchengetedza kuti usatarisira zvinhu zvouhwana, zvisingaitiki. Kuchaitawo kuti usakurumidza kupa vimbiso nemhiko dzingaita kuti uzodemba. Nyaya inotevera ichakuruku- ra kuti ungashandira sei kuva norudo rwechokwadi rusiri rwoudyire uye kuti ungaita sei kuti uve munhu anodiwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

Vanhu vanoda zvishoma vanodiwawo zvishoma

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]

Rudo rwomubhuku ruri nyore; rudo rwechokwadi runoda kurushandira

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

Magamba Nemagambakadzi Orudo

MuUnited States, kutengeswa kwemanovhero orudo kunowanisa mari inodarika madhora okuAmerica bhiriyoni gore negore. Inenge hafu yemanovhero aya ane butiro rakapfava anotengeswa munyika iyi ndeerudo. Maererano nenhamba dzakabudiswa neVanyori Venyaya Dzorudo muAmerica, zvinhu zvikuru zvitatu zvinotariswa pamagamba nevaverengi vechikadzi vanenge 90 muzana itsandanyama, runako, uye kungwara. Zvinhu zvikuru zvitatu zvinonyanya kutariswa pamagambakadzi ungwaru, unhu hunoratidza simba, uye chitarisiko chinokwezva.

[Mifananidzo iri papeji 22, 23]

Zvinobudisa mashoko hazviwanzoratidzi rudo nenzira yakarurama

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe