Swedera Pedyo noMusiki
Apedza kuverenga bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, mumwe muverengi anobva kuCalifornia, U.S.A., akanyora kuti: “Ndinoda kukuudzai kuti kuverenga uye kufungisisa zviri mubhuku iri kwawedzera sei kunaka kwoupenyu hwangu uye ukama hwangu naBaba vedu vokudenga. Iye zvino ndinonzwa kuti Jehovha yava shamwari yangu. Iri ndiro bhuku rokutanga rakaita kuti ndiseke, ndicheme, ndityiswe nezvandakanga ndichangobva kuverenga uye rakaita kuti ndibve ndangonyengetera kuna Jehovha. Ndinoda Jehovha zvikuru, uye ndinoziva kuti bhuku iri ndiro rinoita kuti ndive nemanzwiro akadaro.”
Tinodavira kuti newewo uchabatsirwa kana ukaverenga bhuku iri rine mapeji 320, rinonzi Swedera Pedyo naJehovha. Unogona kukumbira bhuku iri nokuzadza kopani rinotevera wobva waritumira kukero yaratidzwa pakopani rino kana kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Ndiri kukumbirawo bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha.
□ Ndapota ndionei nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.