RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 January pp. 28-29
  • Kuva Munyoro Kusava Nesimba Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuva Munyoro Kusava Nesimba Here?
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vanyoro, asi Vane Simba
  • Tinofanira Kuva Vanhu Vakaoma Here Kana Kuti Vakasimba Nechomukati?
  • Mawanirwe Esimba Rokuva Munyoro
  • “Dananai Zvikuru Kwazvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Iva Anonzwira Tsitsi Nenzira Younyoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Rambai Muchidanana Nemwoyo Wese
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Ivai “Netsiye Nyoro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 January pp. 28-29

Zvinotaura Bhaibheri

Kuva Munyoro Kusava Nesimba Here?

“Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva munyoro kune vose.”—2 TIMOTI 2:24.

TISATI tatomboberekwa, ganda redu rinenge richiumbika rinova nemasero anonzwa kana rikabatwa. Kubvira pakuzvarwa tinoda kupuruzirwa norudo naamai vedu. Patinenge tichiri vana manyemwerero edu, kukura kunoita pfungwa dzedu, uye kunyange chido chedu chokudzidza unyanzvi hwokukurukura zvinokonzerwa norudo rwatinowana kuvabereki vedu.

Zvisinei, Bhaibheri rakafanotaura kuti mumazuva okupedzisira, vanhu vachava “vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo.” Unhu hwounyoro hwakadai somutsa uye tsitsi hunenge husisipo, sezvo vanhu vanenge vava ‘kuzvida uye vachityisa, vasingadi zvakanaka.’—2 Timoti 3:1-3.

Vakawanda nhasi vanofunga kuti vanofanira kuva vanhu vakaoma uye vasinganzwiri vamwe tsitsi. Vanoti kuva munyoro chiratidzo chokusava nesimba. Asi ndizvo here?

Vanyoro, asi Vane Simba

Jehovha Mwari anorondedzerwa so“munhu wokurwa.” (Eksodho 15:3) Simba rose rinobva kwaari. (Pisarema 62:11; VaRoma 1:20) Asi, simba raJehovha harina kumutadzisa kuva ‘norudo rukuru kwazvo uye kuva nengoni’ pakupa mubayiro kumurume akanga akatendeka, Jobho. (Jakobho 5:11) Mukubata kwake nevaIsraeri, Jehovha akarondedzera ukama hworudo rukuru rwaaivaratidza achifananidza manzwiro ake neaamai vanoyamwisa vanonzwira tsitsi ‘mwanakomana wechizvaro chavo.’—Isaya 49:15.

Saizvozvowo Jesu aiva nesimba asi aine unyoro. Akatuka zvakasimba vatungamiriri vechitendero vainyengera vomuzuva rake. (Mateu 23:1-33) Nesimba akadzinga vaichinja mari vaikara mutemberi. (Mateu 21:12, 13) Asi kuvenga kwaiita Jesu uori nemakaro kwakaita kuti asave netsitsi here? Kana! Jesu aizivikanwa pamusana pounyoro hwaairatidza kune vamwe. Zvechokwadi, akatozvifananidza nenhunzvi ‘inounganidza nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo.’—Ruka 13:34.

Tinofanira Kuva Vanhu Vakaoma Here Kana Kuti Vakasimba Nechomukati?

VaKristu vechokwadi vanokurudzirwa kutevedzera Kristu nokupfeka “unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari.” (VaEfeso 4:20-24) Tinoudzwa kuti “tipfekenure unhu hwekare netsika dzahwo,” sezvinongoita gakanje rinobvisa gwati raro rekare kuitira kuti rikure. (VaKorose 3:9) Zvisinei, kusiyana negakanje rinokurumidza kuva nomuviri wakaoma zvakare pashure pokunge gwato raro rekare rabva, tinorayirwa kuzvipfekedza zvechigarire “rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, . . . nemwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Saka unyoro ndohumwe unhu hukuru hwatinofanira kuva nahwo.

Kuzvipfekedza unhu hunyoro hachisi chiratidzo chokusava nesimba. Asi zvinoda kuti tive ‘vakasimba mumunhu watiri nechomukati nesimba nomudzimu waJehovha.’ (VaEfeso 3:16) Somuenzaniso, mumwe murume anonzi Lee anoti: “Kasiri kare zvikuru ndaiva noutsinye, ndiri munhu akaipa. Chitarisiko changu chaicho chaityisa, sezvo ndaive ndakabayirira zvishongo zvesimbi dzinokosha mumuviri wangu. Ndakanga ndakatsunga kuita mari yakawanda uye ndisingazezi kushandisa mutauro unonyadzisira uye kuita zvechisimba kuti ndiwane zvandaida. Ndakanga ndisina tsitsi.” Kunyange zvakadaro, Lee akatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe waaishanda naye uye akasvika pakuziva Jehovha Mwari nokumuda. Akabvisa unhu hwake hwekare uye akadzidza kuzvidzora. Iye zvino anoratidza kuti anoda vanhu nokupa nguva yake kuti avabatsire kudzidza Bhaibheri.

Pane imwe nguva muapostora Pauro aivawo “munhu anoita zvakaipa” aishandisa chisimba kuti awane zvaaivavarira. (1 Timoti 1:13; Mabasa 9:1, 2) Asi, Pauro paakasvika pakunzwisisa ngoni norudo zvaakaratidzwa naJehovha Mwari naJesu Kristu, akaedza kutevedzera unhu ihwohwo. (1 VaKorinde 11:1) Kunyange zvazvo Pauro akamira akasimba muchokwadi chechiKristu, akadzidza kuva munyoro paaibata nevamwe. Chokwadi, Pauro akanga asinganyimi rudo rwake kuhama dzake.—Mabasa 20:31, 36-38; Firimoni 12.

Mawanirwe Esimba Rokuva Munyoro

Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuna Lee uye kumuapostora Pauro, kudzidza kubata vamwe nounyoro hakurevi kuti munhu ave nounhu husina simba. Kutaura zvazviri, zvakatopesana ndizvo zvechokwadi. Zvinoda simba chairo kuchinja mafungiro nezviito uye kurwisa muitiro wenyama woku“dzorera chakaipa nechakaipa.”—VaRoma 12:2, 7.

Isuwo tinogona kudzidza kuva netsitsi zvikuru nokugara tichiverenga Shoko raMwari uye kufungisisa rudo nengoni zvatakatoratidzwa naJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Tikadaro, tichabvumira simba reShoko raMwari kupfavisa mwoyo yedu. (2 Makoronike 34:26, 27; VaHebheru 4:12) Pasinei nemhuri yatakakurira kana zvinhu zvakaoma zvatakasangana nazvo muupenyu, tinogona kudzidza kuva va“nyoro kune vose.”—2 Timoti 2:24.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Baba vakanaka vanobata vana vavo nounyoro

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe