RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 1/8 pp. 14-15
  • Zvibvumirano Zvichaunza Rugare Rwenyika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvibvumirano Zvichaunza Rugare Rwenyika Here?
  • Mukai!—2004
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chiri Kutadzisa Rugare?
  • VaKristu Nokukurukurirana Nezvibvumirano
  • Vanhu Vanokwanisa Kupedza Hondo Uye Kurwisana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Rugare Rwechokwadi—Rwunobva Mumanyukoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Nei Vanhu Vari Kutadza Kuita Kuti Panyika Pave Nerugare?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • “Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2004
g04 1/8 pp. 14-15

Zvinotaura Bhaibheri

Zvibvumirano Zvichaunza Rugare Rwenyika Here?

UNGADA kuona hondo dzose dzichipera here? Chokwadi panofanira kuva nokukurukurirana kwakati nezvibvumirano zvokupedza hondo dzenyika imwe chete nedzenyika dzakawanda. Vakawanda vanofunga kuti kana vatungamiriri venyika vakangoshandira pamwe, hondo dzinogona kupera. Zvisinei, pamwe uri pakati pevakawanda vasiri kufara nemigumisiro yokukurukurirana nezvibvumirano. Kwemazana emakore vamiririri venyika vakanyorerana zvibvumirano, vakaita zvisarudzo, uye vakaita misangano yemakurukota, asi inyaya shomanana dzakagadziriswa dzikapera.

Bhaibheri rinotaura zvakawanda nezvokukurukurirana nezvibvumirano uye rugare. Rinopindura mibvunzo inotevera: Zvii zviripo iye zvino zvinoita kuti kukurukurirana nezvibvumirano zvitadze kuparira rugare? VaKristu vanofanira kubatanidzwa mukurukurirano dzezvibvumirano here? Rugare rwechokwadi ruchawanikwa sei?

Chii Chiri Kutadzisa Rugare?

Nhoroondo dzakawanda dzeBhaibheri dzinoratidza kuti kukurukurirana chiso nechiso kunounza sei rugare. Somuenzaniso, nounyanzvi Abhigairi akaita kuti Dhavhidhi neuto rake vasatsive nokurwisa imba yake. (1 Samueri 25:18-35) Jesu akapa muenzaniso wamambo ainge asina mamwe maitiro kunze kwokutotumira vamiririri kunokumbira rugare. (Ruka 14:31, 32) Chokwadi, Bhaibheri rinobvuma kuti kukurukurirana nezvibvumirano kunogona kugadzirisa kurwisana. Saka zvino, nei kurukurirano dzorugare dzisingawanzobudiriri?

Bhaibheri rakafanotaura zvakarurama kuti nguva yedu yaizova nezvinetso. Pamusana pemaitiro aSatani Dhiyabhorosi akaipa, vanhu vaizova “vasingambodi kubvumirana, . . . vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada.” (2 Timoti 3:3, 4; Zvakazarurwa 12:12) Uyezve, Jesu akafanoprofita kuti kuguma kwenyika iripo zvino kwaizooneka ne“hondo nemashoko ezvehondo.” (Mako 13:7, 8) Ndiani angaramba kuti izvi zvatowedzera kupararira? Zvazvakadaro, zvinoshamisa here kuti kuedza kukurukurirana zvorugare pakati penyika nenyika kunowanzoshaya basa?

Uyewo, funga izvi: Kunyange zvazvo vanokurukurirana nezvibvumirano vangaedza zvakaoma kuti pasave nehondo, chinangwa chavo chikuru ndechokusimudzira zvinonakira nyika dzavo. Ndicho chinhu chikuru pakukurukurirana nezvibvumirano kwezvematongerwe enyika. VaKristu vanofanira kuzvibatanidzawo here muzvinhu zvakadaro?

VaKristu Nokukurukurirana Nezvibvumirano

Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” (Pisarema 146:3) Izvi zvinoreva kuti pasinei nevavariro dzavo, vamiririri venyika havana mano kana simba rokugadzirisa zvinhu zvechigarire.

Jesu paaitongwa pamberi paPondiyo Pirato, akati: “Umambo hwangu hausi rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu haubvi pano.” (Johani 18:36) Zvirongwa zvorugare zvinowanzokanganiswa nokuvengana kwemarudzi uye udyire hwezvematongerwe enyika. Saka, vaKristu vechokwadi havapindiri muhondo dzenyika ino uye kuedza kwayo kukurukurirana nezvibvumirano.

Izvozvo zvinoreva here kuti vaKristu havana hanya nezviri kuitika munyika? Havana basa nokutambura kwevanhu here? Kwete. Mukusiyana, Bhaibheri rinorondedzera vanamati vechokwadi vaMwari sevanhu “vanogomera nokuchema” pamusana pezvinhu zvakaipa zviri kuitika kwose kwose kwavari. (Ezekieri 9:4) VaKristu vari kungovimba naMwari kuti aunze rugare rwaakapikira. Rugare unorurondedzera sokupera kwehondo here? Umambo hwaMwari chokwadi ndihwo huchaita izvozvo. (Pisarema 46:8, 9) Asi mukuwedzera, huchava nechokwadi chokuti vagari vose vepasi vakachengeteka zvakakwana uye vane utano. (Mika 4:3, 4; Zvakazarurwa 21:3, 4) Rugare rwakakwirira kudaro harumbogoni kuwanika nokukurukurirana nezvibvumirano kana nokuedza kwemasangano evanhu “anochengetedza runyararo.”

Uprofita hweBhaibheri nezvakaitika kare zvinoratidza zvakajeka kuti kuvimba nokukurukurirana kwevanhu nezvibvumirano kuunza rugare kunongokonzera kuora mwoyo. Vaya vanoisa tariro yavo pana Jesu Kristu nokuda kworugare uye vanotsigira Umambo hwaMwari vachaona chido chavo chorugare rwechokwadi chichizadziswa. Uyezve, vacharuwana nokusingaperi!—Pisarema 37:11, 29.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]

Pasinei nevavariro dzavo, vanokurukurirana nezvibvumirano venyika havana mano kana simba rokugadzirisa zvinhu zvechigarire

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 14]

Pasi: Mufananidzo naStephen Chernin/Getty Images

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe