Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kutemwa Nyora Here?
“Dzimwe nyora dzakanaka. Dzakatemwa nounyanzvi.”—Jalene.a
“Ndaida kwazvo kuva nenyora yangu yokutanga kwemakore maviri.”—Michelle.
NYORA dzinowanikwa kwose kwose—kana kuti zvinoratidzika sokudaro. Vaimbi venziyo dzerock, vatambi vane mukurumbira, vanoita zvefashoni, nevemabhaisikopo vanoshamisira nadzo. Vachiri kuyaruka vakawanda vakatevedzerawo, vachidada nokuratidza nyora pamapfudzi, maoko, zviuno uye zviziso zvegumbo zvavo. Andrew anotaura kuti: “Nyora ndedzemberi. Kuva nayo kana kurega unozvisarudzira.”
World Book Encyclopedia rinoti: “Kutema nyora itsika yokushongedza muviri zvechigarire. Kunoitwa nokubaya tumaburi tuduku muganda nekamuti, pfupa, kana tsono yakapinza inenge yambonyikwa muingi yemhando dzakasiyana-siyana.”
Kunyange zvazvo vanhu vose vane nyora vasingakwanisi kuzivikanwa, vamwe vanofungidzira kuti 25 muzana yevanhu vose vane makore 15-25 muUnited States vane nyora. Sandy anoti: “Ndozviri mufashoni.” Nei nyora dzakakurumbira kudaro kune vechiduku?
Nei Dzakakurumbira Kudaro?
Kune vamwe, nyora kuratidza manzwiro makuru aunoita mune zverudo. Michelle anotsanangura kuti: “Hanzvadzi yangu ine zita romusikana wayaimbodanana naye pachiziso chegumbo.” Asi dambudziko nderei? “Iye zvino havachadanani.” Maererano nemagazini yeTeen, “vanachiremba vanofungidzira kuti nyora dzose dzinobviswa dzinopfuura zvikamu 30 kubva muzana dzinobviswa pavasikana vechiduku vachiri kuyaruka vanoda kuti zita romukomana wavaimbodanana naye ribviswe.”
Vamwe vechiduku vanoona nyora sebasa rounyanzvi. Vamwe vanodziona sechiratidzo chorusununguko. “Ndinodzora upenyu hwangu,” akadaro Josie, achiwedzera kuti kutemwa nyora kwaiva “chisarudzo chimwe chikuru choupenyu chandakaita.” Kutemwa nyora kunoita kuti vamwe vechiduku vaedze zvimwe zvinhu—kunzwa kuti vanoita zvavanoda pachitarisiko chavo. Nyora dzinogonawo kushanda sechiratidzo chokupandukira kana kuti chemararamiro asiri omuzvarirwo. Dzimwe nyora dzine mashoko nemifananidzo zvinonyadzisira kana kuti mashoko anodenha.
Zvisinei, kune vechiduku vakawanda, pamwe kungowira mumusungo wefashoni. Saka zvinoreva kuti kana zvichiita sokuti munhu wose ari kutemwa nyora, iwewo unofanira kudaro here?
Kutema Nyora Makarekare
Kutema nyora hakuna kutanga nhasi. Pane mitumbi yakaomeswa ine nyora yokuIjipiti neRibhiya yakawanikwa uye inonzi ndeyekare nemazana emakore Kristu asati ambouya. Mitumbi ine nyora yakaomeswa yakawanikwawo kuSouth America. Zhinji dzenyora dzacho mifananidzo ine chokuita nokunamatwa kwavanamwari vechihedheni. Maererano nomuongorori Steve Gilbert, “nyora yekare kare inozivikanwa, mufananidzo wechimwe chinhu, pane kungova nyorawo zvadzo, unomirira mwari anonzi Bes. Mungano dzeIjipiti Bes ndimwari woudhakwa nemafaro.”
Sezvineiwo, Mutemo waMosesi wairambidza vanhu vaMwari kuzvitema nyora. Revhitiko 19:28 yakati: “Musazvicheka miviri yenyu nokuda kwavakafa, kana kuzvitema nyora; ndini Jehovha.” Vanamati vechihedheni, vakadai sevaIjipiti, vaitema nyora dzemazita kana kuti zviratidzo zvavanamwari vavo pazvipfuva zvavo kana maoko. Nokuteerera kurambidza kwaJehovha kuzvitema nyora, vaIsraeri vaizoonekwa vari vanhu vakasiyana nemamwe marudzi.—Dheuteronomio 14:1, 2.
Kunyange zvavo nhasi vaKristu vasiri pasi poMutemo waMosesi, kurambidza kwawaiita kuzvitema nyora kunoita kuti munhu anyatsofunga nezvazvo. (VaEfeso 2:15; VaKorose 2:14, 15) Kana uri muKristu, chokwadi haungamboiti nyora pamuviri wako—kunyange kwenguva duku—dzinoratidza chihedheni kana kunamata kwenhema.—2 VaKorinde 6:15-18.
Ngozi Dzoutano
Pane zvine chokuita noutano zvaunofanirawo kufunga nezvazvo. Dr. Robert Tomsick, purofesa anodzidza nezveganda, anotaura kuti: “Chauri kuita kucheka ganda uchiisa ingi munyama. Kunyange zvazvo tsono yacho ichipinda zvishoma, une ngozi yokupindwa noutachiona kana kuti vhairasi. Ndinofunga kuti [kutemwa nyora] chinhu chine ngozi.” Dr. Tomsick anoenderera mberi achiti: “Kana ingi yangopinda, kunyange kana pasina utachiona, pane ngozi yokuti ingi inoramba kupindirana neganda rako, kuzvimba kweganda uye kuchinja kweganda kunogona kuita kuti ritsvuke, rizvimbe, riomarare uye rivave.”
Pasinei nechinangwa chokuti nyora dzigare dziripo, nzira dzakawanda dzinoshandiswa kuedza kudzibvisa; Kubvisa negetsi (kupisa pakatemwa nyora), kubvisa nokuvhiya (kucheka nyora yacho), kukwesha (kukwesha ganda nebhurasho rewaya kuti ribvise ganda repamusoro nerepasi), kubvisa nemakemikari (kushandisa munyu kunyorovesa ganda rine nyora), uye kumwaura (kubvisa nyora neasidhi uye kwave kusiya vanga hombe panzvimbo yacho). Nzira idzi dzinodhura uye dzinogona kurwadza. “Zvinorwadza chaizvo kuita kuti nyora ibviswe negetsi kupfuura zvinoita kutotemwa nyora pakutanga,” inodaro magazini inonzi Teen.
Vamwe Vachafungei?
Unofanirawo kunyatsofunga kuti vamwe vachanzwa sei nezvokutemwa kwako nyora, nokuti vakawanda havazvifariri. (1 VaKorinde 10:29-33) Angoita zvokufungira ipapo, Li, mudzimai anogara muTaiwan, akatemwa nyora ane makore 16. Iye zvino ane makore 21 uye anoshanda muhofisi. “Ndinonetseka nokutariswa panyora yangu kwandinoitwa nevamwe vashandi,” anobvuma kudaro Li. Chiremba wepfungwa muBritain Theodore Dalrymple anotaura kuti kuvanhu vakawanda, nyora “kakawanda zviratidzo zvokuti munhu . . . ndeweboka revanhu vechisimba, vane utsinye, vasingadi vamwe uye vanoita chitsotsi.”
Imwe nyaya yomumagazini yeAmerican Demographics yakataurawo izvozvo ichiti: “Zviri pachena kuti vanhu vomuAmerica vakawanda vanofunga kuti zvine ngozi kuti munhu ange akanyorwa mumuviri zvinooneka. Zvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana [zvevechiduku] zvinobvumirana nemashoko aya, ‘vanhu vane nyora dzinooneka . . . vanofanira kuziva kuti iyi nzira yokuzviratidza zvavari inogona kuvapa zvipingamupinyi mukutsvaka kwavo mabasa kana kutsvaka shamwari.’”
Fungawo zvekare kuti kusarudza kuva nenyora kunowedzera here kana kuti kunoderedza kuti uri muKristu. Kunogona kuva “chisakiso chokugumbuka” kune vamwe here? (2 VaKorinde 6:3) Chokwadi, vamwe vechiduku vane nyora dzakatemwa panzvimbo dzakavandika dzemiviri yavo. Kunyange vabereki vavo vangasaziva nezvenyora dzepachivande idzi. Asi hokoyo! Kuenda kuna chiremba kwechimbichimbi kana kungogeza pane vamwe kuchikoro kunogona kuita kuti chakavanzika chako chionekwe! Zviri nani “kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose,” tichidzivisa kunyengera kwoupenzi.—VaHebheru 13:18.
Kufanana nedzimwe fashoni dzose, nyora dzinogona kusava nebasa nokufamba kwenguva. Nhai, pane mbatya—ringava jini, hembe, dhirezi, kana bhutsu—yaunoda chaizvo zvokuti unoda kuipfeka kwoupenyu hwako hwose? Chokwadi hapana! Zvitayera, masonerwo, uye ruvara zvinochinja. Asi, kusiyana nembatya, nyora dzinonetsa kubvisa. Kunze kwaizvozvo, zvinoita se“zvemberi” kwauri paunenge uine makore 16 zvingasanyatsokufadza wave nemakore 30.
Vakawanda vakasvika pakuzvidemba nokuzvinyora zvisingabvi pamiviri yavo. “Ndakatemwa nyora ndisati ndadzidza nezvaJehovha,” anodaro Amy. “Ndinoedza kugara ndakaivanza. Apo vamwe vari muungano vanoiona, ndinonzwa kunyara.” Izvi zvinodzidzisei? Funga usati wazvitema nyora. Usaita chisarudzo chaunozodemba nguva yemberi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita acho akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Nyora dzinowanzoonekwa dzichifambirana noupenyu hwokupandukira
[Mufananidzo uri papeji 17]
Nokufamba kwenguva, vakawanda vanodemba kuzvitema nyora kwavakaita
[Mufananidzo uri papeji 18]
Funga usati wazvitema nyora