RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 8/8 pp. 8-9
  • Hakuzovizve Nenjodzi Dzemamiriro Okunze!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hakuzovizve Nenjodzi Dzemamiriro Okunze!
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusvikira Mwari Apindira
  • Kusagadzikana Kwemamiriro Ekunze—Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Kuchange Kusisina Njodzi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvemamiriro Ekunze Uye Ramangwana Redu
    Dzimwe Nyaya
  • Ngwavaira Dzomusikirwo—Mwari Ndiye Anosakisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 8/8 pp. 8-9

Hakuzovizve Nenjodzi Dzemamiriro Okunze!

“MUNHU wazvino haacharemekedzi pasi nemhaka yokukara kwake kugarika, kukurumidza uye kuwana purofiti.” Aya ndiwo mashoko akanyorwa pabutiro rebhuku rinonzi 5000 Days to Save the Planet. Tiri kurarama nemigumisiro yokukara kwomunhu. Uye kuti dzidziso dzokudziya kwepasi pose dzichava dzechokwadi kana kuti kwete, chinhu chimwe ndechechokwadi—munhu ari kuparadza pasi redu rakanaka. Tariro yatinayo bedzi ndeyokuzadzika kwechipikirwa cheBhaibheri chokuti Mwari acha‘paradza vanoparadza pasi.’—Zvakazarurwa 11:18.

Mwari achatsiva gadziriro yakaipa yokutonga kwevanhu negadziriro itsva. Usati warasa pfungwa iyoyo sezvinhu zvisingashandi zvechitendero, funga izvi: Ndiani angaziva zvakawanda pamusoro pezvinodiwa nezvakapoteredza pasi kupfuura Musiki waro? Haafariri zvinoitika pasi pano here? Bhaibheri rinojekesa kuti anozvifarira, richitaura pana Isaya 45:18 kuti Jehovha ndiye “Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” Kuti azadzise chinangwa ichocho, Mwari anogona uye achapindira.

Mwari achaita izvi nokuunza hurumende itsva, kana kuti umambo, kuti hutonge pasi. Apo vaKristu vanonyengetera uya unonzi Munyengetero waShe vachiti, “Umambo hwenyu ngahuuye,” vari kukumbira kuti hurumende iyi itonge. (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari, kana kuti hurumende, hucharatidza kunzwisisa kutenderera kunoshamisa kunoita zvinhu zvepasi kwakasikwa kwakadaro. Naizvozvo huchakwanisa kudzorera nzvimbo dzepasi dzakaparadzwa nokusvibiswa nokubatwa zvisizvo kwezvakatipoteredza. Isaya 35:1, 6 inoti: “Sango . . . richatumbuka seruva. . . . Nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.”

Kusvikira Mwari Apindira

Pashure pemafashamo a2002, Helmut Schmidt, aichimbova mutungamiriri weWest Germany, akanyora kuti: “Hapana anogona kutadzisa mamiriro okunze kuparadza madhamu. Ngwavaira dzinoramba dzichiitika.” Chokwadi. Uye panomuka mamiriro okunze anoparadza, vanhu hapana zvavanogona kuita kunze kwokungorarama nawo sezvavanokwanisa. Zvisinei, pangwavaira dzose dzinokonzerwa nezviitiko zvakaoma izvozvo zvinogona kubatsira. Zvinogona kuita kuti vanhu varatidze rudo nokuva nehanya nevavakidzani vavo. (Mako 12:31) Somuenzaniso, mafashamo eEurope anoratidza seakaita kuti vamwe vaite izvi. Rimwe pepanhau rakanyora kuti: “Vazvipiri vane chido vabva muGermany yose kuti vazoita basa [rokuyamura]. Iri ndiro basa guru revazvipiri pane ose ati amboitwa kubva paHondo Yenyika II.”

Vazvipiri ava vaisanganisira Zvapupu zvaJehovha zvakawanda. Nyaya inotevera inotaura basa rokuyamura rakaitwa neZvapupu munyika ina dzakasiyana dzakaparadzwa nemadutu akasimba kwazvo. Zvakaitwa nevaKristu ava mucherechedzo woupenyu mukutonga kwehurumende yaMwari iri kuuya, umo rudo nokuva nehanya nehama—kwete ruvengo noudyire—zvichakunda.—Isaya 11:9.a

VaKristu vanogona kunyaradzwa nechipikirwa icho Mwari akaita kuvaIsraeri vekare chokuti: “Ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokutevera.” (Dheuteronomio 11:14) Chipikirwa ichocho chichavawo chechokwadi kune avo vachava neropafadzo yokurarama munyika itsva yaMwari—nyika ichave isina njodzi dzinokonzerwa nemamiriro okunze.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida kudzidza zvakawanda pamusoro pechipikirwa cheBhaibheri chehurumende yoUmambo, tapota taura neZvapupu zvaJehovha zvomuno kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Kudzorwa Kwemamiriro Okunze Kwakakwana

Munyika itsva yaMwari, vanhu havazofaniri kutya kuti musha wavo kana kuti zvirimwa zvichakukurwa nemadutu akaipa. (2 Petro 3:13) Bhaibheri rinojekesa kuti Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vanokwanisa kudzora mamiriro okunze zvakakwana. Funga nezvemagwaro anotevera.

◼ Genesi 7:4, inoti: “Kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanisa mvura panyika mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana.”

◼ Eksodho 14:21, inoti: “Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.”

◼ 1 Samueri 12:18, inoti: “Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.”

◼ Jona 1:4, inoti: “Jehovha wakatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika.”

◼ Mako 4:39, inoti: “Naizvozvo [Jesu achipiwa simba naMwari] akamuka akatsiura mhepo uye akati kugungwa: “Shi-i! Nyarara!” Mhepo ikadzikama, kudzikama kukuru kukavapo.”

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Munyika itsva yaMwari, hatizofaniri kutya mamiriro okunze ane ngozi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe