Zvinotaura Bhaibheri
Kurarisa Munhu Asi Achikwanisa Kuona Kana Kunzwa Kwakakodzera VaKristu Here?
“Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . anotsinga vamwe nezvitsinga.”—DHEUTORONOMIO 18:10, 11, NW.
KURARISA munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa inyaya yave ichiitiranwa gakava zvikuru.a Kunyange nyanzvi dzomuitiro wacho dzinowana zvakaoma kuutsanangura. Zvinowanzonzwisiswa kuti kurarisa uku mamiriro ezvinhu okumbochinja pfungwa, kana kuti okuona zvisipo. Zvisinei, vanhu vakawanda, vanofarira zvinogona kuitwa nokurariswa kwacho panzvimbo pezvazvinoreva.
Mumakore achangodarika zvajairika kuti vanoita zvoutano mudzimwe nyika vabvumire kurapwa nenzira yokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa. Somuenzaniso, magazini yePsychology Today inoti: “Kurapa munhu nokumuita seakarara asi achikwanisa kuona kana kunzwa kunorapa misoro inenge ichibanda, kunoderedza marwadzo okusununguka, kunokubatsira kurega kusvuta, kunotsiva kutindivadza, uye kunovandudza miitiro yokudzidza—kunoita zvose izvi pasina chakunokanganisa.” Ukuwo, vakawanda vanoona kurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa sezvinhu zvemidzimu uye zvouroyi.
Bhaibheri rinotii? Chokwadi, Bhaibheri harisi bhuku routano, uye haritauri zvakananga nyaya iyi yokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa. Asi nhungamiro dzinowanika muShoko raMwari dzinogona kutibatsira kusarudza maonero aMwari.
Kurarisa Munhu Asi Achikwanisa Kuona Kana Kunzwa Uye Uroyi—Zvakabatana Here?
Zvokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa mashoko akangorukwa nepfungwa dzomumwe munhu here? Ngano dzezvinhu zvisipo dzomumafirimu nemabhuku zvingave zvasimbisa pfungwa yacho, asi kubatana kwezvomudzimu nokurarisa munhu uye achikwanisa kuona kana kunzwa pane chaipo pazvakatsamira. Maererano nezvokurarisa asi munhu achikwanisa kuona kana kunzwa, Encyclopedia of Occultism and Parapsychology inotsanangura kuti: “Nhoroondo yomuitiro uyu yakanyatsobatana zvisingaparadzanisiki nouroyi.” Kuona zvisipo muzvitendero, uko kwave kuri rutivi rwouroyi uye kuuka munhoroondo yose yevanhu, kunowanzoonekwa sorutivi rwomuitiro wokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa. Uyewo, vapristi vaiva muIjipiti neGirisi yekare vaikwanisa kuita kuti munhu aite seakarara asi achikwanisa kuona kana kunzwa pavaiedza kurapa muzita ravanamwari vavo venhema.
Enisaikoropidhiya ine mashoko ari pamusoro apa inoti: “Kunyange nhasi muitiro wokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa unoiswa muboka rezve‘Midzimu.’” Nepo zvakaoma kusarudza ukama huripo pakati pouroyi nenzira dzakasiyana-siyana dzokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa, chokwadi ndechokuti Mwari anoshora zvakajeka zvinhu zvose zvemidzimu. (Dheuteronomio 18:9-12; Zvakazarurwa 21:8) Saka, vaKristu havagoni kufuratira miitiro yakajeka isiri yomumagwaro yokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa.
Zvazvinoita Paunhu
Kurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa kunoitei papfungwa dzomunhu nounhu hwake? Pane ngozi dzipi nedzipi dziripo here? Chimwe chinhu chinokosha chokutyira ndechokuti munhu anorariswa asi achikwanisa kuona kana kunzwa angava nezvishoma zvaanoita pakudzora unhu hwake hwose. Vatambi vomuitiro uyu vanoshandisa izvi, vachikurudzira vanenge vazvipira kuita zvinhu zvavasingawanzoiti, kunyange kutoti vaite sevakadhakwa.
The Encyclopedia Americana inotaura nezvokuratidzwa kunoitirwa vanhu vose kwemiitiro yokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa ichiti: “Munhu akarariswa asi achikwanisa kuona kana kunzwa ari nyore kubvuma kunyange zvose zvine chokuita nomuitiro uyu, angatobudisa mafungiro ake akavanzika, uye akadaro anganzwa sokuti zvose zvinodzora nzanga naye paunhu hwake zvakabviswa.” Collier’s Encyclopedia inoti: “Munhu akarariswa asi achikwanisa kuona kana kunzwa anokwanisa kuteerera asingafungi zvimwe, zvinoita kuti anyatsoteerera zvose zvaanoudzwa neanomuita kuti arare asi achikwanisa kuona kana kunzwa uye kushandisa zvaanoudzwa zvacho.”
Izvi zvinoita sezvisingakuvadzi here? MuKristu wechokwadi angakurudzirwa kurega vamwe vachiita zvavanoda nepfungwa dzake kuburikidza nezvinotaurwa nomunhu anorarisa asi achiita kuti ukwanise kuona nokunzwa here? Izvi zvaizopesana nezano raPauro rokuti: “Mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari, basa dzvene nesimba renyu rokufunga. Uye musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.”—VaR. 12:1, 2.
MuKristu angava “nehana yakanaka” here kana akazvibvumira kuiswa mumamiriro ezvinhu aasingakwanisi kudzora zvizere pfungwa dzake, kana zvido, kana kuti zviito zvake? (1 Petro 3:16) Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa.” (1 VaTesaronika 4:4) Zviri pachena kuti, kurarisa asi achikwanisa kuona kana kunzwa kunokanganisa mano omunhu okutevedzera zano rakadaro.
Tariro Youtano Hwakakwana
Maererano nenhungamiro dzeBhaibheri dzataurwa pamusoro apa, Zvapupu zvaJehovha hazvishandisi nzira dzinosanganisira kurariswa asi uchikwanisa kuona kana kunzwa kana kuita zvoga izvi. Zvinoteerera murayiro uri pana Dheuteronomio 18:10, 11, NW unoti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . anotsinga vamwe nezvitsinga.” Kuvaya vanotarisana nezvinetso zvoutano, kune mamwe marapiro akawanda asingasanganisiri njodzi dzokupinda mune zvouroyi kana kuti vamwe vaite zvavanoda nepfungwa dzako.
Nokuramba tisingashandisi miitiro inopesana nenhungamiro dzeBhaibheri, vaKristu vanogona kuva netariro yokurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari yakarurama. Zvadaro vanhu vachava noutano hwakakwana mumuviri nepfungwa pasingashandiswi muitiro wokurarisa munhu asi achikwanisa kuona kana kunzwa.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Mashoko Omuzasi]
a Kurarisa uku kunorondedzerwa se“mamiriro ezvinhu okurara anowanzoparirwa nomumwe munhu apo anenge ari kuitirwa izvi angayeuka zvinhu zvaanenge akanganwa, anoona zvisipo, uye anobvuma kwazvo zvose zvinotaurwa neari kuzvikonzera.”—The American Heritage Dictionary.