Kuwana Chinogadzirisa Chaicho—Zvinokwanisika Here?
MHOSVA dzinoita sedzicharamba dziripo munzanga yamazuva ano. Pasinei nevavariro dzakanaka dzinoitwa nevashandi venzanga, vashandi vechipurisa, uye nyanzvi dzinoita kuti vapari vemhosva vavezve vakanaka, nyika iri kuwedzera kuva nzvimbo ine ngozi. Pane chichagadzirisa here?
Bhaibheri rinoratidza kuti kuchinja kukuru kuri kuuya. Ikoku hakusi kuzouya kuburikidza nehurumende dzevanhu. Vatongi vose vevanhu vane pavanoperera, zvisinei nokuti vavariro dzavo ndedzoungwaru sei. Havana simba uye zvinhu zvokubvisa zvinokonzera kuparwa kwemhosva kana kuti vaumbe gadziriro yechigarire yakachengeteka.
Kuchinja kunotaurwa neBhaibheri kuchaitwa noMusiki wedu. Zvaari Muiti wezvose zvakasikwa, ane simba uye kodzero yokuita zvisingakwaniswi nevanhu. Bhaibheri rinomurondedzera sea“noderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika unovaita sechinhu chisina maturo . . . , zvaari mukuru pakusimba kwake.” (Isaya 40:23-26) Kuchinja kupi kuri kupikirwa naMwari, uye izvi zvinotipa sei tariro yechokwadi nokuda kwenyika iri nani?
Pisarema 37:10 inotiudza nezvechipikirwa chaMwari chokuti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi [wakaipa] haachazovipo.” Mwari ari kuda kubvisa vaya vasingadi kusiya uipi uye vasina vavariro yokuchinja. Zvisinei, haasi kuzoparadza vanhu vose. Kune vaya vanoda kuva vanyoro, vanozvininipisa, uye vane rugare, munyori wepisarema anopikira kuti: “Rindira Jehovha, urambire panzira yake, iye uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.” Vakaipa vaparadzwa, vaya vanenge vasara vachava no“rugare rukuru”—munyika inenge isisina vanhu vanopara mhosva dzipi nedzipi.—Pisarema 37:11, 34.
Kuchinja Pfungwa Nemwoyo Kunodiwa
Kuparadzwa kwevakaipa nokuponeswa kwevanhu vakanaka hazvina kukwana kugadzirisa chinetso chokuparwa kwemhosva kamwe chete uye zvachose. Zvakawanda zvinodiwa. Kuparwa kwemhosva kunowanzokonzerwa nokusadzidziswa zvakanaka kwemwoyo yevanhu nepfungwa. Zvisinei, hurumende yaMwari ndipo paichadarika dzimwe dzose ipapo. Mirayiridzo inobatsira uye dzidzo zvichapiwa kuitira kudzidzisa vanhu kuti vade kururama. Isaya 54:13 inoti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.”
Migumisiro yacho ichange ichigutsa zvechokwadi! Bhaibheri rinotaura nenzira yokufananidzira kuchinja kwevanhu avo vangave vaimbova nounhu hwakafanana nohwemhuka. Rinoti: “Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete.” Nei? “Nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:6, 9) Zvisinei, iwe nemhuri yako hamufaniri kumirira kuona kuchinja kwakadai mune remangwana. Zvakadaro sei?
Munogona Kubatsirwa Zvino
Kune vanhu vari kuchinja sezvinodiwa iye zvino kugadzirira nyika isina vanopara mhosva. Vari kutopfeka unhu hutsva, unhu hunodiwa naMwari pavanhu vachararama munyika yake itsva. (2 Petro 3:13) Vanoita izvi nokushandisa nhungamiro dzeBhaibheri muupenyu hwavo. Cherechedza rondedzero iyi inofadza inopiwa neBhaibheri: “Munofanira kuitwa vatsva musimba rinosunda pfungwa dzenyu, uye munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.”—VaEfeso 4:23, 24.
VaKorose 3:12-14 inoenderera mberi kurondedzera unhu hwakanaka huri kuratidzwa iye zvino nevanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka. Inoti: “Sevakasarudzwa vaMwari, vatsvene nevanodiwa, pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti chisungo chakakwana chokubatana.”
Ungada kubatsirwa kuti upfeke unhu hutsva hwechiKristu here? Mamiriyoni evanhu munyika yose ari kutoita kudaro nokubatsirwa neZvapupu zvaJehovha. Pamisangano inoitwa nguva dzose muDzimba dzoUmambo, uye mumakokorodzano makuru, kunyange vanhu vaiva vapari vemhosva dzechisimba vakadzidza kupfeka unhu hutsva hune rugare.a Kana uchida kubatsirwa nepurogiramu yakaisvonaka yakadaro yeBhaibheri, usazeza kutaura nevabudisi vemagazini ino. Vachafara kukubatsira kuva pakati pevanhu vari kugadzirira zvino kurarama munyika itsva yaMwari isina vanopara mhosva.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mienzaniso, ona Magazini yeMukai! yaMay 8, 2001, mapeji 8-10.
[Mifananidzo iri papeji 10]
Mamiriyoni ari kugamuchira dzidzo kuti azorarama munyika isina vanopara mhosva