Tariro Yorugare Iri Kupera Here?
“Nhasi zvinoita sokuti tiri kurarama . . . pakati pechamupupuri chine simba guru, nhamo isina inoenzana nayo.”—Pepanhau re“La Repubblica,” rokuRome, Italy.
PASHURE pokurwisa kwemagandanga gore rapera muNew York City neWashington, D.C., vanhu vakawanda kupfuura kare vanotadza kuziva remangwana revanhu. Mifananidzo yeTV yairatidza zvivako zveTwin Towers zvichiwondomoka mumarimi omoto—uyewo yairatidza kupererwa nepfungwa kwevakapona—yakabudiswa pamhepo kasingaverengeki. Mifananidzo iyi yakaunza nhamo kuvanhu kupota pasi. Pamwe nenhamo iyoyo pakava nepfungwa yokuti nyika inenge yati chinjei kupfuura zvayaiva. Yachinja here?
Hondo yakatanga pashure paSeptember 11, 2001. Pasina nguva refu, nyika dzakanga dzakavengana dzakabatana mukuedza kupedza ugandanga. Taongorora mativi ose, vanhu vakafa nezvinhu zvakaparadzwa vakawanda zvikuru. Asi zvichida chinhu chachinja zvikuru kuvanhu vakawanda pasi pose kunzwa vasina kuchengeteka, kuramba vachiona kuti chero munhu upi, chero kwaari, haana kuchengeteka zvechokwadi.
Vatungamiriri venyika vakatarisana nezvinetso zvikuru. Vatori venhau nevashamarari vanotadza kuziva kuti ugandanga hungadziviswa sei kuti hurege kupararira semoto wechirimo, nokuti hunoita sohunokonzerwa nourombo nokunyanyisa—zvinetso zvinoita sokuti hapana anoziva kuzvigadzirisa. Kusaruramisira kwakapararira munyika zvokuti chinhu chose chiripo chinogona kukonzera kuti mvonga-mvonga imuke. Vanhu vemarudzi ose vanotadza kuziva kana zvinetso zvevanhu zvichazombobviswa zvose. Hondo—tichitaura nhamo, rufu, uye kuparadza kwainokonzera—ichazombopera here?
Mamiriyoni evanhu anoenda kuzvitendero zvakarongeka ane mibvunzo iyoyi. Zvisinei, vamwe havana pavari chaipo. Ko iwe uri papi? Unofunga kuti vakuru vezvitendero vanogona kupindura mibvunzo yakadai here? Uye minyengetero yavo ingaita kuti pave norugare chaizvoizvo here?