Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndingawirirana Sei Newandinogara Naye?
“Ndaida kicheni yakashambidzika. Asi vandaigara navo vakanga vasina basa nazvo kana ndiro dzisina kurongedzwa kana kuti ivo vakasiya midziyo pachitofu. Vakanga vasina basa nazvo.”—Lynn.a
VANOGARA VOSE. “Vanogona kuva shamwari dzepamwoyo kana kuva vavengi chaivo,” anodaro munyori anonzi Kevin Scoleri. Iwe ungasazviona zvakadaro, asi hazvirambiki kuti kugara nomumwe munhu kunogona kuva kwakaoma.b Kusawirirana kwevanhu vanogara vose kwakanyanya chaizvo pavadzidzi vepamayunivhesiti zvokuti maererano neU.S.News & World Report, zvikoro zvakawanda zvine “urongwa hwokugadzirisa magakava” uye zviri kuita misangano yo“kuedza zvikuru” kubatsira vaya vanogara vose kuti vawirirane.
Kugara mufurati rimwe kunogona kuva kwakaoma kunyange kuvaKristu vechiduku vakasiya musha kuti vaite basa renguva yakazara rokuparidza evhangeri. Unofanira kuramba uchiziva kuti nokushandisa mitemo yeBhaibheri uye kuratidza “uchenjeri,” magakava anogona kugadziriswa.—Zvirevo 2:7.
Zivanai
Kana kufara kwokuti mave kugara mose kwapera, ungatanga kufunga kumba. (Numeri 11:4, 5) Zvisinei, kufunga zvinhu zvekare kuchangoita kuti zvikuomere kujaira. Muparidzi 7:10 inopa zano iri: “Usati: Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka seiko? Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.” Hungu, zvakanaka kuita kuti mamiriro enyu ezvinhu ave akanaka.
Tanga nokuedza kuziva waunogara naye. Ichokwadi kuti handizvo kuti vanogara vose vanotofanira kuva shamwari dzepamwoyo. Zvinogona kuitika ndezvokuti pamwe unenge usingakwezvwi naye. Zvekarewo, kana uchizogara nomunhu iyeye, hazvinawo pfungwa here kuti muve noushamwari hwakanaka sezvinobvira?
VaFiripi 2:4 inotiudza kuti tisarambe tichiva nehanya ‘nezvinhu zvedu toga, asi tichiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’ Usingaiti souri kuferefeta, ungabvunza nezvemhuri yewaunogara naye here, zvaanofarira, zvaanoda kuita, uye nzira yaanoda kuti zvinhu zviitwe nayo? Muudzewo nezvako. Pamunonyanya kuzivana, ndopamuchatanga kunzwisisana.
Nguva nenguva, rongai kuita zvinhu pamwe. Lee anoti: “Dzimwe nguva ini newandinogara naye tinoenda kunodya, kana kuti tingashanyira nzvimbo inoratidzirwa zvinhu zvemabasa emaoko.” Kune vanogara vose vari vaKristu, kuita mabasa echiKristu pamwe, zvakadai sokugadzirira misangano yeungano kana kushanda mubasa rokupupura, ndiyo inotova nzira inoshanda yokuti musimbise ushamwari hwenyu.
David anoti: “Apo wandinogara naye aipa hurukuro yavose yeBhaibheri, ndaienda kuungano yake kuti ndimutsigire.” Kunyange zvazvo iye newaanogara naye vachifarira zvakasiyana kana pave pazvinhu zvakadai semitambo, nziyo, kuda kwavo zvinhu zvokunamata kwakaita kuti vave noushamwari hwakasimba. “Tinotaura zvinhu zvakawanda zvokunamata,” anodaro David. “Tinogona kutotaura kwemaawa akawanda nezvezvinhu zvokunamata.”
Nyevero pano: Usabva wati kwati-kwati newaunogara naye zvokuti unotadza kuva nedzimwe shamwari dzakanaka. Kana waunogara naye achinzwa kuti unofanira kudaidzwa kwose kwaanoenda, anganzwa sokuti haana rusununguko. Zano reBhaibheri nderokuti unofanira ‘kuwedzera’ shamwari dzako.—2 VaKorinde 6:13.
Kurarama Muchiitirana Zvakanaka
Ichokwadi kuti pamunotanga kuzivana, muchatanga kuonawo kusiyana kwamakaita pazviito, zvamunofarira, nemaonero enyu. Sokunyevera kunoita Mark wechiduku, “Unofanira kutarisira kukanganisirwa.” Kuti handinzarwo kana kuti zvinotofanira kuitwa sokuda kwangu kunoita kuti zvinhu zviome. Ndozvakangofanana nokuda kuti waunogara naye ave ndiye anochinja zvakawanda zvaanoda, kuti ade zvako.
Nokugara kwaakaita nomumwe munhu, Fernando akadzidza kuti: “Haufaniri kuva mbimbindoga uye kuda kuzvimirira.” Zvaakataura zvinoenderana nemashoko aJesu akakurumbira anoti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Somuenzaniso, Fernando akakurumidza kuona kuti iye newaaigara naye vainetserana kuti mumba modziya here kana kuti motonhora, iye aida kuti mudziye, asi waaigara naye aida kurara mumba makatonhorera. Saka vakaita sei? Fernando anoti: “Ndakatenga gumbeze.” Hungu, sokutaura kunoita Mark, “itawo zvinoda mumwe wako. Hazvirevi kuti unobva warega zvose zvaunoita, asi unogona kungoregawoka zvimwe zvishoma.”
Pamwewo paunogona kushandisa mashoko aJesu hepano: Dzidza kushivirira zvinodiwa newaunogara naye. Tomboti haudi rudzi rwenziyo dzake? Pamwe iye ane dzakowo dzaasingafariri. Saka kana nziyo dzewaunogara naye dzisiri dzounzenza, imboedza kushivirira. Fernando anoti: “Ndaingoti dai asingafariri nziyo dzorudzi urwu. Asi iye zvino ndava kujaira.” Zvinogonawo kuti munhu anogona kuteerera nziyo dzake achishandisa mahedhifoni kuti asakanganisa waanogara naye, angadai achiverenga.
Kushandisawo mashoko aJesu kunogonawo kudzivisa kungonetserana zvinhu zvomumwe. Somuenzaniso, kana uine katsika kokungotora zvinhu zvomuridzi mufiriji—iwe usingamboisiwo zvinhu imomo—anogona kutanga kukuzvonda. Zvekarewo, kutsamwira kana kungodzvokora waunogara naye paanotora chinhu chawatenga kuti adye hakuiti kuti mugare zvakanaka. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive ‘norupo, nevanoda kugoverana.’ (1 Timoti 6:18) Kana ukafunga kuti ari kuda kungobatsirika nezvinhu zvako, rega kubva wangoti zii. Muudze zviri kunetsa zvacho wakadzikama uye nomutsa.
Remekedza zvinhu zvomumwe. Kutora chinhu chomunhu usina kukumbira kuzvikudza. (Zvirevo 11:2) Zivawo kuti waunogara naye pane paanomboda kuita zvinhu zvake ari oga. Itawo tsika yokugogodza pamusuwo usati wapinda. Kana ukamuremekedza, iye achadarowo. “Hapana chakaipa kuti tose tidzidze tiri pamba,” anodaro David. “Tose tinoremekedza izvozvo uye tinonyarara kana mumwe achidzidza. Asi dzimwe nguva ndinoenda kuraibhurari kunodzidzira ikoko kana wandinogara naye achida kuita zvimwewo.”
Kushandisa mashoko aJesu kunorevawo kuita chikamu chako kana pave pazvinhu zvakadai sokubhadhara chikamu chako cherendi panguva chaiyo kana kuita basa rako romumba.
Kugadzirisa Zvinetso
Kare munguva inotaurwa muBhaibheri, vaKristu vaviri vairemekedzwa kwazvo vainzi Pauro naBhanabhasi ‘vakatsamwirana kwazvo.’ (Mabasa 15:39) Zvakadini kana izvozvo zvikaitika kwamuri? Pamwe munotadza kuwirirana muunhu kana kuti mumwe ane kamuitiro kanosembura kanokuita kuti utadze kushivirira. Kusawirirana kumwe kana kuti kutsamwidzana kungabva kwaita kuti murege kugara mose here? Handizvo. Zvinoratidzika kuti Pauro naBhanabhasi vakagona kupedza kusawirirana kwavo. Zvichida munogona kudarowo usati wafunga zvokubva mumba macho. Hezvino zvimwe zviri muBhaibheri zvinogona kubatsira.
● ‘Usaita chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa uchifunga kuti vamwe vakuru kwauri.’—VaFiripi 2:3.
● “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutaura zvakaipa ngazvibviswe kwamuri pamwe nouipi hwose. Asi itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchikanganwirana zvikuru sezvo Mwari akakukanganwiraiwo zvikuru nokuna Kristu.”—VaEfeso 4:31, 32.
● “Zvino, kana uri kuunza chipo chako kuatari wobva wayeuka ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, uende; tanga waita rugare rwako nehama yako, uye ipapo, paunenge wadzoka, ipa chipo chako.”—Mateu 5:23, 24; VaEfeso 4:26.
Kubatsira Kwazvinoita
VaKristu vechiduku (kwete vaduku chaizvo) vakawanda vane vavanogara navo vakadzidza ndokunyatsozviona kuti mashoko aMambo Soromoni ndeechokwadi okuti: “Vaviri vanopfuura mumwe.” (Muparidzi 4:9) Chokwadi, vakawanda vakawana kuti kugara nomumwe munhu kunobatsira. “Ndakadzidza kugara nevanhu uye kuchinja,” anodaro Mark. Renee anowedzera kuti: “Unodzidza zvakawanda nezvezvauri. Uye dzimwe nguva vaunogara navo vanogona kuita kuti uite zvakanaka.” Lynn anobvuma kuti: “Ndakanga ndakajaidzwa chaizvo pandakatanga kugara nevamwe. Asi ndakadzidza kuti ndisangoomerera pane zvandinoda chete. Zvino ndave kuona kuti hazvirevi kuti mumwe munhu akaita zvakasiyana nezvandinoita anenge akanganisa.”
Ichokwadi kuti kuwirirana newaunogara naye kunoda kushanda nesimba uye kurega zvimwe zvaunoda. Asi ukashanda nesimba pakushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri, unogona kuita zvinopfuura kungogarisana murugare; ungatozviwana wave kunakidzwa nokuva nomunhu waunogara naye.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Ona nyaya inoti “Nei Wandinogara Naye Achinetsa?” iri mumagazini yedu yaMay 8, 2002.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kungoshandisa zvinhu zvisiri zvako kunogona kuita kuti musawirirana
[Mufananidzo uri papeji 18]
Remekedzanai