Pane Aivaona
VAMWE vachiri kuyaruka vaviri vakamira pane imwe resitorendi kuti vadye kudya kwemangwanani mutaundi duku romuOhio, U.S.A. Setsika yavo, vasati vadya vakakotamisa misoro yavo ndokunyengetera chinyararire.
Vapedza, mumwe mukadzi akanga akavacherechedza akauya patafura yavo ndokutora pepa rairatidza mari yavaifanira kubhadhara. Akavaudza kuti: “Munyika yatinonzwa zvakaipa zvakawanda zvinoitwa nevechiduku vedu, zvinofadza chaizvo kuona vakomana vechiduku vaviri vanomira kuti vamboonga Mwari nokuda kwezvokudya zvavo. Ndinoda kukubhadharirai mari yezvokudya zvenyu zvemangwanani.”
Vakomana vacho vakashaya romuromo asi vakakwanisa kutenda mukadzi wacho. Papera nguva yakati kuti vakafunga kuti vaifanira kuita kuti mukadzi wacho asafunga kuti vakanga vari kunyengetera kune mumwe Mwari zvake. Saka mumwe wavo akaenda kumukadzi wacho uye apedza kumutenda zvekare, akatsanangura kuti vakanga vari Zvapupu zvaJehovha.
Itsika yeZvapupu zvaJehovha kudzidza Bhaibheri nemhuri dzavo. Vabereki vevakomana vacho vakanga vaita kudaro. Rimwe bhuku rakanga radzidzwa nemhuri dzacho rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Muzvitsauko zvaro 19, bhuku iri rine chimwe chinotaura nezvomunyengetero chinoti “Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari.”
Unogona kukumbira bhuku irori rinobatsira kudzidza Bhaibheri rine mapeji 192 nokuzadza kopani riri pasi apa ndokuritumira kukero yakapiwa kana kuti kero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Nditumirei bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.
□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.