RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 12/8 p. 13
  • Zita raMwari Rinokonzera Kupokana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zita raMwari Rinokonzera Kupokana
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Zita raMwari Navashanduri veBhaibheri
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • A4 Zita raMwari muMagwaro echiHebheru
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Zvakaipa Here Kutaura Zita raMwari?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 12/8 p. 13

Zita raMwari Rinokonzera Kupokana

NOMUNYORI WEMUKAI! MUNETHERLANDS

VASHANDURI veBhaibheri idzva rechiDutch vakakonzera kupokana pakati penyanzvi dzeBhaibheri nevanhuwo zvavo. Chikonzero chacho chaiva chei? Kusarudza kwavakaita kushandura zita raMwari vachishandisa shoko rokuti Heer, kana kuti Ishe.

Muna December 1998, pangopera vhiki shomanana vashanduri vacho vabudisa nzwisa yebasa ravo, boka revakadzi rinonzi Kerk en Wereld (Chechi neNyika), sangano revaPurotesitendi, rakatanga kunyora tsamba richipokana nazvo. Chikonzero chacho chaiva chei? Vaiona shoko rokuti “Ishe” se“rakanyanya kurerekera kuvanhurume.” Nenguva isipi, mamwe mapoka—echiKaturike uye echiPurotesitendi—akabatanawo mukupokana kwacho. Muna February 1999, nyanzvi nhatu dzakataurawo zvadzaifunga kuburikidza nokutaura kuti dzaitsigira pfungwa yokusiya mabhii mana echiHebheru anomiririra zita raMwari, YHWH. Nguva pfupi pashure pacho, nyanzvi dzeBhaibheri, vashanduri, uye nyanzvi dzezvechitendero vakaita musangano wokukurukura nyaya yacho muAmsterdam. Pakupera kwomusangano wacho, vose vakanga varipo vakakumbirwa kuvhota vachitsigira nzira yokushandura yavaida.

Pasi pomusoro waiti “Tapota, Regai Kurwira Zita raMwari,” pepanhau rinonzi Nieuwsblad van het Noorden rakataura nezvezvakaguma zvaitika pakuvhota kwacho, rakati: “Shoko rokuti ISHE rakangowana mavhoti manomwe chete. Asi akawanda emamwe acho haana kuwanawo mavhoti akawanda: Zita (1), Mumwe (3), Azere neNgoni (6), Asingakwanisi Kupiwa Zita (7), Iye Mupenyu (10), uye Asingagumi (15). Uye rakawana mavhoti akawanda . . . ndiYHWH!” Musi waMarch 15, 2001, Dare Rinotungamirira reshanduro itsva yeBhaibheri rakasarudza kushandisa HEER (ISHE) seshoko rinomirira zita raMwari uye shoko racho rinenge rakanyorwa nemabhii makuru maduku.

Kupokana uku kunosimbisa kuti pasinei nokusawirirana pamusoro pokushandurwa kunofanira kuitwa zita raMwari muchiDutch, nyazvi dzinobvuma kuti Mwari ane zita rake pachake. MuchiHebheru zita racho rine mabhii mana echiHebheru, יהוה, kana kuti YHWH. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri muchiDutch, dzekare nedzemazuva ano, dzakashandura sei YHWH?

Mumwe murume wokuNetherlands ainzi Nicolaas Goetzee akabudisa bhuku reshanduro yeBhaibheri yeStaten muna 1762. Papeji yokutanga raiti: “Nokuda kwezvikonzero zvakakura uye zvinonyatsozivikanwa, takasiyawo Zita Rechirangaridzo raMwari rokuti JEHOVHA risina kushandurwa.” Dzimwe nyanzvi dzokuNetherlands—dzakadai saPurofesa Nicolaas Beets naPetrus Augustus de Genestet—dzakashandisawo zita rokuti Jehovha.

Zvinofadza kuti Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvenea inoshandisa zita raJehovha pose parinofanira kuva. Mashoko okumucheto eShanduro yeNyika Itsva muchiDutch anoti “inoramba ichishandisa shoko rokuti ‘Jehovha’ nokuti vanhu vakajaira shoko racho kwemazana emakore. Uyezve, inochengetedza . . . mabhii mana ezita raMwari, YHWH.” Saka Shanduro yeNyika Itsva yabatsira mamiriyoni kuziva chokwadi nezvezita raMwari.

[Mashoko Omuzasi]

a Yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe