RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 12/8 pp. 26-27
  • Chii Chichaitika Mune Remangwana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chichaitika Mune Remangwana?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chiri Kuitwa?
  • Kuchinja Kukuru Kunodiwa
  • Chinogona Kunyatsodzivirira Kusiyana-siyana Kwezvinhu Zvipenyu
  • Ndiani Achapa Nyika Zvokudya?
    Mukai!—2001
  • Zvinhu Zvipenyu Zvakaoma Kunzwisisa
    Mukai!—2001
  • Munhu Ari Kuparadza Zvokudya Zvake Here?
    Mukai!—2001
  • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 12/8 pp. 26-27

Chii Chichaitika Mune Remangwana?

TICHIONA zvinhu zvose zviripo, munhu anongovawo nechikamu chake chiduku. Zvisikwa zvose pasi pano zvine nzvimbo yazvo, maererano nebasa razvakapiwa naMwari. Tinogoverana zvinhu zvakawanda nezvinhu zvipenyu zvakatikomberedza—kupfuura zvose, chishamiso choupenyu pachahwo. Nokuda kwechikonzero ichi, vanhu vakawanda vanonzwa kurasikirwa panonyangarika chimwe chinhu chipenyu.

Musayendisiti anonzi Anthony C. Janetos, achinyora mumagazini inonzi Consequences, akati: “Vakawanda vaizobvuma kuti tine kodzero yokuchengeta pasi kuti panakidze kugara, uye kushanda zvakaoma kuti tichengetedze upfumi hwapo kuti vanhu varipo iye zvino nevachavapo munguva inouya vagare zvakanaka. Kuti tidaro zvinoda kuziva kukosha kwokusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu mumarudzi azvo—zvose zvazvinobatsira uye nzira yatingazvishandisa nayo—uye chido chokuzvichengetedza.”

Chii Chiri Kuitwa?

Zvechokwadi, kunetseka kwomunyika yose pamusoro pokuparara kuri kuita zvinhu zvipenyu kwakaita kuti vamiririri vanobva muhurumende nemamwe masangano vaungane pamwe chete kuti vagadzire Convention on Biological Diversity (Chibvumirano Chokuchengetedza Kusiyana-siyana Kwezvipenyu Mumarudzi Azvo). Chibvumirano ichi chinoratidza kuti kuchengetedza kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu chinhu chinonetsa vanhu vose.

Sedanho rokuwedzera kunzwisisa kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu mumarudzi azvo, nyanzvi dzinodzidza nezvezvinhu zvipenyu, uye mamwe masayendisiti munyika yose vakazivisa 2001-2 kuva International Biodiversity Observation Year (IBOY) (Gore Rokucherechedza Kusiyana-siyana Kwezvipenyu Pasi Pose). Diana Wall, nyanzvi inodzidza nezvezvinhu zvipenyu paColorado State University uyo ari sachigaro weIBOY, anoti: “Kuongorora kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu mumarudzi azvo kuchaita kuti tinzwisise zvakawanda nokuwana makemikari anogona kushandiswa, kuvandudza zvirimwa kana kuitira kuti nzvimbo dzakasvibiswa dzive dzakachenazve.” Wall anowedzera kuti: “Zvinotokosha zvikuru, kudzidza nzvimbo dzinowanika zvimwe zvinhu zvipenyu, zvazvinoita kuti zvirambe zvichirarama uye nzira yokuzvichengetedza nayo zvinokosha pakuita zvisarudzo nezveivhu redu, nzizi, uye nyanza.”

Kuchinja Kukuru Kunodiwa

Kunyange zvazvo paine zvakati kuti zvakatoitwa, zvaingonyanya kunanga zviratidzo panzvimbo pezvinokonzera. Maererano nevaongorori, panguva ino vanhu havana nguva yokutambisa. Ruth Patrick, wepaAcademy of Natural Sciences of Philadelphia, Pennsylvania, kuU.S.A., akataura nezvekwaakati “kukwanisika kuparadzwa kwezvinhu zvipenyu zvakasiyana-siyana,” akapedzisa achiti “nguva ndiyo inokosha . . . Kuita chimwe chinhu nokukurumidza uye nechido ndizvo zvinonyanya kukosha.” Kuti kutsakatika kurege kuitika, zvinokosha kukurumidza kugadzirisa nzira iyo vanhu vanobata nayo pasi nezvinhu zvipenyu zviri pariri. Panodiwa zvinopfuura kungogadzirisa zvakakanganisika. “Saka zvinetso zvokuchengetedza kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu mumarudzi azvo kune chokuita nedzimwe nyaya hombe dzokusimukira . . . kwemagariro,” inodaro World Resources Institute.

Kuita izvozvo kunoda kuchinja kukuru munzanga yevanhu. Bhuku rinonzi Caring for the Earth rinobvuma kuti zvinoda “tsika, upfumi uye nzanga zvakasiyana nezviripo nhasi.”

Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti vanhu havana zvinodiwa kuti vaunze kuchinja kwakadaro. Jeremia 10:23 inoti: “Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Zvirevo 20:24) Chokwadi ichi chave chichinyatsoratidzwa munhau yose, uye migumisiro yokusateerera kwomunhu nheyo iyi yaita kuti atarisane ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzinotaurwa nezvadzo pana 2 Timoti 3:1-5. Ndima idzi dzinoratidzawo kuti nguva dzinonetsa idzi dzinokonzerwa nokufunga kwakaipa kwevanhu. Saka, kusvikira vanhu vachinja, zvipi nezvipi zvingaitwa kupedza zvinetso zvatinotarisana nazvo ndezvenguva duku.

Musayendisiti anoremekedzwa munyika yose Dr. Jane Goodall paaibvunzurudzwa akati kuparadzwa kwenzvimbo dzinogara zvinhu zvipenyu “kune chokuita nemakaro ezvoupfumi uye kutsvaka zvinhu munyika dzakabudirira.” Uye nyanzvi inodzidza nezvemiti nezvinomera Peter Raven, aimbova munyori weU.S. National Academy of Sciences, akanyevera kuti “kusaziva, kusava nehanya, urombo uye makaro zviri kukonzera zvinetso zvinoenderana zvinoisa Pasi pangozi yokuchinja nenzira yakaipa.” Saka, mamwe mafungiro anofanira kuchinja anosanganisira udyire, makaro, kusaziva, kutadza kufunga nezveremangwana, uye umbimbindoga.

Chinogona Kunyatsodzivirira Kusiyana-siyana Kwezvinhu Zvipenyu

Zvinonzwisisika kuti Musiki woupenyu hwakasiyana-siyana anofarira zvikuru remangwana rezvisikwa zvake. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari ava kuzobva ‘oparadza vaya vanoparadza pasi.’—Zvakazarurwa 11:18.

Mwari achadzorera zvinhu zvipenyu zvakatsakatika nemhaka yokuparadza pasi kunoitwa nevanhu here? Kana Musiki achida kuti mhuka dzakasiyana-siyana dzakatsakatika dziwanikwezve pasi pano, ichokwadi kuti anogona kudzisikazve munguva yemberi. Anogona kuitawo izvozvo pane zvinomera zvakatsakatika. Asi sezvo Bhaibheri risingatiudzi nezvazvo, kungasava kuchenjera kufungidzira panyaya yacho.

Chinosimbiswa nokutonga kwaMwari kukomborerwa kwechinhu chipenyu chose pasi pano. “Pasi ngapafare kwazvo,” anodaro munyori wepisarema. “Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro; sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro.”—Pisarema 96:11, 12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe