Zvinokonzera Ruvengo
RUVENGO rwakatanga kuonekwa pakutanga kwenhau yomunhu. Nhoroondo yeBhaibheri iri pana Genesi 4:8 inoti: “Vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abheri munun’una wake, akamuuraya.” “Uye akamuponderei?” anobvunza kudaro munyori weBhaibheri Johani. “Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun’una wake akanga akarurama.” (1 Johani 3:12) Abheri akapondwa nemhaka yechimwe chezvikonzero chinonyanya kuzivikanwa choruvengo: godo. “Godo rinomutsa hasha dzomurume;” inodaro Zvirevo 6:34. Nhasi, godo rinovapo nemhaka yemagariro munzanga, upfumi, zvinhu, nezvimwe zvakanaka zvine mumwe rinoramba richiita kuti vanhu vavengane.
Kusaziva uye Kutya
Asi godo rinongova chimwe chezvinhu zvakawanda zvinokonzera ruvengo. Kazhinji, ruvengo runokonzerwawo nokusaziva uye kutya. “Ndisati ndambodzidza kuvenga, ndakadzidza kutya,” inodaro imwe nhengo duku yeboka rinovenga mamwe marudzi. Kakawanda kacho kutya kwakadaro kunokonzerwa nokusaziva. Maererano neThe World Book Encyclopedia, vanhu vanofungira mamwe marudzi zvakaipa vanoratidzika kuva nepfungwa “dzavanoomerera padziri pasina kufunga nezvouchapupu huripo. . . . Vanhu vanofungira mamwe marudzi zvakaipa vanoratidzika kuva vanomonyanisa, vanotaura zvisiri izvo, kana kutofuratira chokwadi chinopesana nepfungwa dzavagara vainadzo.”
Pfungwa idzi dzinobvepi? Pamwe panowanika mashoko paInternet panoti: “Zvakaitika kare ndizvo zvinokonzera kuti tsika dzakawanda dzionekwe zvisiri izvo, asi mamiriro edu ezvinhu ekare ane zvakawanda zvaanoitawo pamaonerwo atinoitwa nevamwe.”
Somuenzaniso, muUnited States kutengeswa kwevaranda kwakaita kuti pave nokusawirirana pakati pevachena vakawanda nevanhu vakabva kuAfrica—kusawirirana kuchiripo nanhasi. Kazhinji, pfungwa dzourudzi dzinopfuudzwa kubva kuvabereki dzichienda kuvana. Mumwe wechichena anozviti ane urudzi akabvuma kuti akakudziridza pfungwa dzourudzi “asina kubvira ambosangana nevanhu vatema.”
Kunewo vaya vanongodavira kuti vanhu vakasiyana navo havabatsiri. Pfungwa iyi ingavakirwa pakuvhiringana kumwe chete nomunhu worumwe rudzi kana kuti tsika. Kubva pane izvozvo, vanosvika pamhedziso isiri iyo yokuti munhu wose worudzi irworwo kana kuti tsika anofanira kunge ane unhu hwakashata.
Nepo kufungira rumwe rudzi zvakaipa kwakatoshata kwazvo kana kuchiitwa nomunhu mumwe chete, kana kukabata nyika yose kana kuti rudzi, kunogona kuva kwakaipisisa. Pfungwa yokuti dzinza, ruvara rweganda, tsika kana mutauro zvomunhu zvinomuita ari nani kupfuura vamwe ingabereka kufungira mamwe marudzi zvakaipa uye kutya nokuvenga vanhu vausingazivi. Muzana remakore rechi20, kufungira rumwe rudzi zvakaipa kudaro kwakaoneka zvakanyanya mumhirizhonga dzakaitwa.
Ruvengo uye kufungira rumwe rudzi zvakaipa hazvingorevi kuvenga ruvara rweganda kana rudzi rwacho chete. Muongorori anonzi Clark McCauley wepaYunivhesiti yePennsylvania akanyora kuti “kungokamura vanhu kuva zvikwata zviviri, kwakakwana kuti munhu asarudze boka raanenge ari nhengo.” Mumwe mudzidzisi wegiredhi yechitatu akaratidza izvi, achiedza zvake akakamura kirasi yake kuva mapoka maviri—vana vane maziso ebhuruu uye vana vane maziso matema. Munguva pfupi, ruvengo rwakatanga pakati pemapoka maviri acho. Kunyange mapoka anotanga nemhaka yezvinhu zviduku zvakadai sokuda chikwata chakafanana chemitambo anogona kuguma aita mhirizhonga.
Nei Kuine Mhirizhonga Yakawanda Zvakadai?
Asi nei ruvengo rwakadaro ruchiwanzoratidzwa nokuita mhirizhonga? Vaongorori vakanyatsonzvera nhau dzakadaro uye vanongogona kupa rondedzero bedzi kusvikira pari zvino. Clark McCauley akaunganidza zvinyorwa zvakawanda zvekare zvine chokuita nemhirizhonga yakaitwa nevanhu uye utsinye. Anotaura nezvokumwe kuongorora kunoratidza kuti “kupara mhosva nechisimba kunofambirana nokutanga uye kukunda muhondo.” Vaongorori vakawana kuti “nyika dzakarwa muHondo Yenyika I uye muHondo Yenyika II, kunyanya dziya dzakakunda muhondo idzi, dzakava nokuwedzera mukupondwa kwevanhu hondo yacho yapera.” Maererano neBhaibheri, tiri kurarama munguva yehondo dzakawanda. (Mateu 24:6) Kungava kuti hondo dzakadaro dzakaitawo kuti mamwe marudzi emhirizhonga awedzere here?
Vamwe vaongorori vanotsvaka tsanangudzo dzinobva mumasikirwo omunhu kuti vaone zvinokonzera utsinye hwomunhu. Imwe ongororo yakaedza kutsanangura kuti humwe utsinye hune chokuita no“mwero wakaderera weserotonin muuropi.” Imwe rondedzero yakakurumbira ndeyokuti utsinye huri muropa redu. “Chikamu chikuru cho[ruvengo] chingatova chokuberekwa nacho,” akadaro mumwe musayendisiti wezvematongerwe enyika.
Bhaibheri pacharo rinoti vanhu vasina kukwana vanoberekwa vaine unhu hwakashata uye zvikanganiso. (Genesi 6:5; Dheuteronomio 32:5) Zvechokwadi, mashoko iwayo anoshanda kuvanhu vose. Asi havasi vanhu vose vanovenga vamwe zvisina musoro. Izvozvo zvinoita zvokudzidzwa. Nokudaro, nyanzvi yezvepfungwa inozivikanwa kwazvo Gordon W. Allport, akacherechedza kuti vacheche “havaratidzi . . . unhu hunoparadza. . . . Mucheche haana chakaipa chaanofungira, anosvika pedyo nechinhu chinenge chose, munhu upi noupi.” Maonero akadaro anotsigira pfungwa yokuti utsinye, kufungira zvakaipa uye ruvengo zvikurukuru miitiro inoita zvokudzidzwa! Kukwanisa kwevanhu kudzidza kuvenga kuri kushandiswa noutsinye nevadzidzisi voruvengo.
Kusvibisa Pfungwa
Vakuru vakuru vemapoka akasiyana-siyana anokurudzira ruvengo, akadai seaya ane nhengo dzinotsigira chiNazi dzinosvuurwa misoro uye Ku Klux Klan (boka rinoumbwa nevaKristu vechichena vakaberekerwa kuAmerica chete), ndivo vari pamberi. Mapoka aya kakawanda kacho anonanga vana vanonyengedzeka zviri nyore vanobva mumhuri dzisina kumira zvakanaka vachivanyengetedza kupinda mumapoka avo. Pwere dzinonzwa kuti hadzina kuchengeteka uye hadzikoshi dzingafunga kuti mapoka anokurudzira ruvengo anodzipa pfungwa yokudiwa.
Internet chishandiso chine simba zvikuru icho vamwe vakashandisa kukudziridza ruvengo. Maererano nokumwe kuverenga kuchangobva kuitwa, paInternet pangadaro paine Nzvimbo Dzinowanikwa mashoko anokurudzira ruvengo dzingangosvika 1 000. Magazini inonzi The Economist yakatora mashoko omumwe muridzi wePanowanikwa Mashoko anokurudzira ruvengo seaiti: “Internet yatipa mukana wokubudisa pfungwa dzedu kumazana ezviuru zvevanhu.” Panowanikwa Mashoko pake panosanganisira “Peji yeVana.”
Vayaruki pavanotsvaka mimhanzi paInternet, vangawana nzvimbo dzinoratidza mimhanzi inokurudzira ruvengo. Mimhanzi yakadaro inowanzova noruzha uye iri yemhirizhonga, iine mashoko akasimba anotaura zvourudzi. Ukuwo, nzvimbo Dzinowanikwa Mashoko idzi, dzinoratidza mawanirwe angaitwa mapoka enhau, nzvimbo dzokukurukura, kana dzimwe nzvimbo Dzinowanikwa Mashoko anokurudzira ruvengo.
Dzimwe nzvimbo Dzinowanikwa Mashoko dzine zvikamu zvemitambo yevanhu vaduku chete uye zvavanoita. Imwe nzvimbo Inowanikwa Mashoko enhengo dzinotsigira chiNazi inoedza kushandisa Bhaibheri kutaura kuti urudzi uye kuvenga vaJudha zvinhu zvakarurama. Boka racho rakagadzirawo peji ine zvirahwe zvine mashoko ourudzi. Chinangwa charo ndechei? “Kubatsira nhengo dzechiduku dzorudzi rwechichena kunzwisisa zvatiri kurwira.”
Asi ruvengo harusimudzirwi nevanhu vari mumapoka anonyanyisa chete. Imwe nyanzvi yezvemagariro evanhu yakanyora nezvokurwisana kwakaitika munguva ichangopfuura muBalkans ichitaura nezvevamwe vanyori vanoremekedzwa uye vanoumba pfungwa dzevoruzhinji yakati: “Ndakashaya romuromo nokuvaona vachitanga nzira yokunyora inokurudzira ruvengo, vachikanganisa maonero avo nokuvakurudzira kuti vasaona tsika ipi neipi seyakaipa uye vachiita kuti chokwadi chive nhema.”
Panhau iyi hatifaniri kusiyawo basa revafundisi. Mubhuku rake rinonzi Holy Hatred: Religious Conflicts of the ‘90’s, munyori anonzi James A. Haught anotaura mashoko aya anovhundutsa: “Chinhu chisina kumira zvakanaka chakaitika muma1990 ndechokuti chitendero—chinofanira kuratidza mutsa uye kuva nehanya nevanhu—chakava pamberi pakusimudzira ruvengo, hondo uye ugandanga.”
Nokudaro, zvinokonzera ruvengo zvinoratidzika sezvakawanda uye zvakaoma kunzwisisa. Izvi zvinoreva kuti hapana nzira iyo vanhu vanogona kurega kudzokorora zviito zvine ngozi zvenhoroondo yavo yakazara noruvengo here? Vanhu vamwe nevamwe uye nyika yose vanogona kuita chinhu chipi nechipi kuti varwise kusanzwisisa, kusaziva, uye kutya, zvinobereka ruvengo here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Kufungira mamwe marudzi zvakaipa uye ruvengo miitiro inodzidzwa!
[Mufananidzo uri papeji 4, 5]
Hatiberekwi tiine ruvengo nokufungira . . .
. . . mamwe marudzi zvakaipa
[Mufananidzo uri papeji 7]
Mapoka anokurudzira ruvengo ari kushandisa “Internet” kuita kuti pwere dzipinde maari
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kakawanda kacho chitendero chakasimudzira hondo
[Kwazvakatorwa]
AP Photo