Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Mwari Achanzwa Minyengetero Yangu Here?
“Ndinonyengetera nezvechinhu chipi nechipi nokuti Jehovha ishamwari yangu, uye ndinoziva kuti achandibatsira kana ndiine chinetso.”—Andrea.
ANDREA muduku ane chokwadi chokuti Mwari anonzwa minyengetero yake. Asi hadzisi pwere dzose dzine chivimbo chakadaro. Vamwe vanonzwa vari kure zvikuru naMwari kuti vataure naye. Vangatoshamisika kana Mwari achinyatsova nehanya navo kuitira kuti vanyengetere kwaari.
Chii chinoita kuti munyengetero uzobatsira? Zvichitaurwa nenzira iri nyore, kuva noushamwari chaihwo naMwari. Munyori wepisarema akanyengetera kuti: “Vanoziva zita renyu vachavimba nemi.” (Pisarema 9:10) Ko iwe? Unonyatsoziva Mwari zvakakwana zvokunyengetera kwaari uine chivimbo chokuti anokunzwa here? Usati wapfuurira kuverenga, tapota edza kupindura mibvunzo iri mubhokisi rakanzi “Unonyatsoziva Mwari Zvakadini?” Unogona kupindura mingani?
UNONYATSOZIVA MWARI ZVAKADINI? Mhinduro dziri papeji 14
1. Zita raMwari ndiani, uye rinorevei?
2. Bhaibheri rinoratidza kuti unhu hunokwana huna hwakatanhamara hwaMwari chii?
3. Kuratidzwa kukuru kworudo rwaMwari kuvanhu chii?
4. Tingava sei noushamwari naMwari?
5. Tinofanira kuva nemafungiro api patinonyengetera?
Unokwanisa kupindura mimwe yemibvunzo yacho, kunyange usati waverenga nyaya yacho yose here? Kana zvakadaro unotoziva zvakawanda nezvaMwari kupfuura zvinoita vanhu vakawanda. Zvisinei, zvimwe mhinduro dzako dzinoratidza kuti unoda kuziva zvakawanda nezvake, kuti usvike pakunyatsomuziva. (Johani 17:3) Uchifunga nezveizvozvo, funga nezvezvinhu zvishomanana izvo Bhaibheri rinodzidzisa nezvo‘Munzwi womunyengetero.’—Pisarema 65:2.
Mwari Munhu Chaiye
Kutanga Bhaibheri rinotibatsira kuziva kuti Mwari haasi simba risiri munhu. Munhu ane zita, rinonzi Jehovha. (Pisarema 83:18) MuchiHebheru zita iroro rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.” Anogona kuita chero chaanoda kuitira kuti aite chinangwa chake. Simbawo zvaro risiri munhu harigoni kuita izvozvo! Saka paunonyengetera, unogona kuva nechokwadi chokuti hausi kungotaurawo zvako nesimba risiri munhu kana kuti mumhepo. Uri kutaura nomunhu, anogona kuteerera uye kupindura minyengetero yako.—VaEfeso 3:20.
Diana muduku anoti: “Ndinoziva kuti papi nepapi pandingava, Jehovha achanditeerera.” Kuti uve nechivimbo chakadaro, Mwari anofanira kuva munhu chaiye kwauri! “Iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko,” rinodaro Bhaibheri.—VaHebheru 11:6.
Kunobva Uchenjeri Nesimba
Chaizvoizvo, Mwari anogona kutibatsira nokuti ane simba guru kwazvo. Simba iroro harina parinogumira, sezvinoratidzwa nokukura uye kuoma kunzwisisa kwezvinhu zvakasikwa. Bhaibheri rinoti Jehovha anoziva mazita enyeredzi dzose—kunyange zvazvo kuine mabhiriyoni asingaverengeki! Pamusoro paizvozvo, ndiye muridzi wesimba rose riri munyeredzi idzodzo. (Isaya 40:25, 26) Izvozvo hazvishamisi here? Asi kunyange zvazvo chokwadi ichi chichishamisa, Bhaibheri rinoti ikako “kachikamu kaduku kesimba rake”!—Jobho 26:14, Today’s English Version.
Uyezve, fungawo nezvouchenjeri hukuru hwaJehovha. Bhaibheri rinoti pfungwa dzake dza“kadzika kwazvo.” (Pisarema 92:5) Akasika vanhu, saka anotinzwisisa zviri nani pane manzwisisiro atinozviita. (Pisarema 100:3) Nokuti anobva “pakusingaperi kusvikira pakusingaperi,” ane ruzivo rwakakura zvikuru. (Pisarema 90:1, 2) Hapana chaasinganzwisisi.—Isaya 40:13, 14.
Jehovha anoshandisa sei simba rose iroro uye uchenjeri? “Meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari,” inodaro 2 Makoronike 16:9. Hapana chinetso chaungava nacho icho Mwari asingagoni kugadzirisa kana kukubatsira kuchikunda. Kayla muduku anoyeuka kuti: “Nguva ichangopfuura, ini nevemhuri yangu pataiva panguva yakaoma, ndakanyengetera kuna Jehovha, uye ndinodavira kuti akatibatsira kuti tikunde zvinetso, zvaiva zvakaoma kutakura.” Paunotaura naMwari, unoenda kunobva uchenjeri. Hapana chimwe chaungaita chingapfuura izvozvo!
Mwari Ane Ruramisiro Norudo
Asi unoziva sei kuti Mwari anoda kukubatsira? Nokuti Jehovha akasarudza kuzvizivisa, kwete nesimba rake guru kana kuti nouchenjeri hwake hwakadzika kunyange ruramisiro yake isingachinji. Pane kudaro, Jehovha anonyanya kuzivikanwa norudo rwake. “Mwari rudo,” inodaro 1 Johani 4:8. Uye rudo rukuru irworwo runoita kuti tinyengetere nechivimbo. Kupa Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chorudzikinuro kuitira kuti tive noupenyu husingaperi ndiko kuratidzwa kukuru kwazvo kworudo rwake.—Johani 3:16; 1 Johani 4:9, 10.
Nokuti Mwari rudo, haufaniri kumbotya kuti achakusiya kana kukubata zvisina kururama. “Nzira dzake dzose dzakarurama,” inodaro Dheuteronomio 32:4. Kukuda kunoita Mwari kunokupa chivimbo chokuti anonyatsoteya nzeve. Izvi zvinoita kuti tive nechivimbo chokutaura kwaari zvatinofunga uye manzwiro edu pachedu.—VaFiripi 4:6, 7.
Ushamwari naMwari
Kutaura chokwadi, Jehovha anotikoka kuti titaure naye. Haadi kuti ave munhu watisingazivi. Kusiyana naizvozvo, kubvira pasichigare Jehovha ave achikumbira vanhu kuva shamwari dzake. Pakati peavo vakava noushamwari naMwari, vaidiwa nomwoyo wake, paiva nevarume uye vakadzi, vaduku nevakuru. Vaisanganisira vanhu vakadai saAbrahamu, Mambo Dhavhidhi, uye Mariya, amai vaJesu.—Isaya 41:8; Ruka 1:26-38; Mabasa 13:22.
Iwewo unogona kuva imwe yeshamwari dzaJehovha. Chokwadi, ushamwari hwakadaro hahurevi kuti unofanira kuona Mwari sesimba risingaoneki raunogona kutaura naro chete paunenge uchida chimwe chinhu kana kuti uine chinetso. Minyengetero yedu haifaniri kungotaura chete nezvezvatinoda pachedu. Kana tichida kuva shamwari dzaMwari, tinofanira kufungawo zvaanoda—kwete zvedu chete—uye tinofanira chaizvoizvo kuita kuda kwaMwari. (Mateu 7:21) Naizvozvo, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kutaura zvinhu zvinokosha kuna Mwari muminyengetero yavo. Akati: “Ipapo, munofanira kunyengetera kudai: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.’” (Mateu 6:9, 10) Minyengetero yedu inofanirawo kuzara nokurumbidza uye kuonga Mwari!—Pisarema 56:12; 150:6.
Kunyange zvakadaro, hatifaniri kumbofa takafunga kuti zvatinoda kana kuti zvinotinetsa hazvikoshi kana kuti zviduku zvikuru kuti tinyengetere nezvazvo. “Kunyange zvazvo ndichiedza kutaura naye ndakasununguka,” anodaro Steve, “dzimwe nguva ndinofunga kuti handifaniri kunetsa Mwari nezvimwe zvinhu zvisina basa.” Chero papi paunotanga kufunga nenzira iyoyo, edza kuyeuka izvo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake zvokuti: “Shiri duku shanu dzinotengeswa nemari mbiri dzinokosha zvishoma, handizvo here? Asi hapana neimwe yadzo inokanganwika pamberi paMwari. . . . Musatya; munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Ruka 12:6, 7) Izvozvo hazvifadzi here?
Saka zviri nyore kuona kuti paunozivawo zvakawanda nezvaJehovha, ndipo pauchanyanyawo kuda kunyengetera kwaari uye uchava nechivimbo chokuti Jehovha anogona uye achakubatsira. Nokudaro, unofanira kuva nemafungiro akadini paunonyengetera kuna Jehovha? Unofanira kuva noruremekedzo, kuzvininipisa, uye kusava noudyire. Unofunga kuti munhu upi noupi ane chinzvimbo chepamusoro pasi pano angakuteerera here kana ukakumbira chimwe chinhu uchidada kana kuti nokusaremekedza? Saka haufaniri kushamisika kuti Jehovha anokutarisirawo kumuremekedza uye kuremekedza zvaanoda asati apindura minyengetero yako.—Zvirevo 15:29.
Zviuru zvepwere dzinotya Mwari zvakadzidza kudurura mwoyo yazvo kuna Mwari. (Pisarema 62:8) “Jehovha paanopindura minyengetero yangu,” anodaro Brett, “zvinondikurudzira kuti achiripo seshamwari yangu.” Ko iwe? Ungava noushamwari hwakadaro naMwari sei? Pwere mbiri dzechiKristu dzakataura zvinotevera:
Rachel: “Kuti ndive pedyo naJehovha, ndinonzwa ndichida kudzidza Shoko rake zvakadzama, uye ndiri kuedza kupanga kudzidza kwakadaro.”—1 Petro 2:2.
Jenny: “Ndinofunga kuti paunonyanya kuita basa rake, ndipo paunonyanyawo kuva pedyo naJehovha.”—Jakobho 4:8.
Wati wamboshamisika here kuti kunyengetera kunobatsira zvakadini? Imwe pwere yechiKristu inoti: “Ndaizonzwa kuva pedyo naJehovha dai aizotaura neni kana kuti kunditumira mashoko.” Sezvo Jehovha asingapinduri zvinonzwika patinonyengetera, kunyengetera kunotibatsira sei chaizvoizvo? Izvi zvichakurukurwa mumagazini ichabuda munguva inotevera.
[Bhokisi riri papeji 14]
Mhinduro dzemibvunzo iri papeji 12
1. Jehovha. Rinoreva kuti “Anoita Kuti Zviitike.”
2. Rudo, simba, ruramisiro, uye uchenjeri.
3. Akatuma Mwanakomana wake akaberekwa mumwe oga, kuti atifire.
4. Nokusangofunga zvatinoda chete asi kufungawo zvinodiwa naMwari uye kuzviita.
5. Tinofanira kuzvininipisa, kuremekedza, uye kusava noudyire.
[Mifananidzo iri papeji 13]
Kudzidza Bhaibheri uye kudzidza zvinhu zvakasikwa kuchakubatsira kuziva Mwari zviri nani