RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 4/8 p. 3
  • “Maguta Ari Kuzarisa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Maguta Ari Kuzarisa”
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • “Ngatizvivakirei Timene Guta”
    Mukai!—1994
  • Maguta—Nei Ari Mumatambudziko?
    Mukai!—2001
  • “Guta Rizere Nedzvinyiriro”
    Mukai!—1994
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 4/8 p. 3

“Maguta Ari Kuzarisa”

“Vanhu vari kufambira mberi zvisati zvamboitika, uye vazhinji vanobva pamba vachitsvaka upenyu huri nani vanoenda kumaguta.”

RAKADARO bhuku rinonzi Foreign Affairs musumo yaro yenyaya ine musoro unoti “Maguta Omunyika Dzichiri Kubudirira ari Kuzarisa.” Maererano nenyaya iyoyo, vanhu vazhinji “vakakwezvwa nokupenya kwemagetsi, kana kuti vakabviswa kumisha nokusagadzikana kwezvematongerwe enyika uye zvoupfumi, uwandu hwevanhu, uye kuparara kwezvakatipoteredza.”

Maguta ari kumbokurumidza kukura zvakadini? Vamwe vanofungidzira kuti vanhu vari kumhanyira kumaguta pamwero unoshamisa wevanopfuura miriyoni pavhiki! Munyika dzichiri kubudirira rimwe nerimwe remaguta anopfuura 200 rava kugarwa nevanhu vanopfuura miriyoni. Pamaguta anenge 20 rimwe nerimwe rakasvika pakugarwa nemamiriyoni gumi! Hazviratidziki kunge zvichaderera. Somuenzaniso, funga nezveguta reLagos, kuNigeria. Maererano nomumwe mushumo weWorldwatch Institute “panozosvika 2015, Lagos ringave rava kugarwa nevanhu vanoda kusvika mamiriyoni 25, richikwira kubva pakuva guta rechigumi nematatu pakukura kusvika pakuva rechitatu munyika yose.”

Nyanzvi zhinji dzinofunga kuti izvi zvinogona kuzoipa mune remangwana. Federico Mayor, aimbova mukuru mukuru weUnited Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization, anoyambira kuti panozosvika gore ra2035, “vamwe vanhu mamiriyoni zviuru zvitatu vachange vava kugara mumaguta ariko nhasi.” Kuti titarisire vanhu ava vakawanda zvakadai, “tichafanira kuvaka maguta chiuru anogarwa nevanhu mamiriyoni matatu mumakore makumi mana anotevera, zvichireva kuvaka maguta makumi maviri nemashanu pagore.”

Nyanzvi dzinotiwo kukurumidza kuwedzera kwouwandu hwevanhu mumaguta kuri kukanganisa zvikuru maguta munyika yose. Uye izvi zvinosanganisira maguta ari munyika dzakapfuma dzakabudirira. Maguta ari kumbotarisana nezvinetso zvipi, uye izvozvo zvinei newe? Pane nzira yokuzvipedza yava pedyo here? Nyaya dzinotevera dzichaongorora nhau dzinokosha idzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe