Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Chii Chakanyanyoipa Pakuverevedza?
“Taiverevedza pakati pousiku toenda kuresoterendi kuti tinova nevamwe vanhu. Taizomira-mira pachimwe chikomo. Dzimwe pwere dzose dzaisvuta, kunyange zvangu ndisina kumbodaro. Taizogara zvedu tichitaura nezvechero chinhu chipi, tichiteerera mumhanzi weheavy metal. Taizoenda kumba na5:00 dzemangwanani vabereki vangu vasati vamuka.”—Tara.a
“Kana baba vangu vaenda kubasa uye amai varara, ndaiverevedza nesuo remberi. Ndairisiya rakashama kuitira kuti vasandinzwa pakuripfiga—raiva gonhi resimbi. Ndainotamba neshamwari dzangu usiku hwose. Ave mangwanani zuva rabuda ndaizoedza kuverevedza ndichipindazve mumba. Dzimwe nguva vaiona kuti ndaiva ndaenda vondikiyira panze.”—Joseph.
KUVEREVEDZA—kunonzwika sokunonakidza nokunofadza. Mukana wokuzvionera upenyu uri woga kwemaawa mashomanana, mukana wokuita zvaunoda nevaunoda pasina anoswerokubvunza. Uyezve, pamwe wakatombonzwa vezera rako vachiganza nezvezvinhu zvavanoita uye kunakidzwa kwavanoita kana vaverevedza usiku. Saka ungava muedzo mukuru kuti uedze kubatana navo.
Mukumwe kuongorora kwakaitwa vaduku nevakuru 110 vechimwe chikoro chesekondari muNorth America, 55 vavo vakabvuma kuti vakatomboverevedza kanenge kamwe. Vazhinji vavo vakatanga kudaro pazera remakore 14. Chinetso chacho chakakomba zvokuti dzimwe nyanzvi dzakakurudzira kuti vabereki vaise mabhero emagetsi mumisha yavo kudzivisa vana vavo kubuda zvisingazivikanwi. Nei vechiduku vakawanda zvakadaro vasingatyi kushatirisa vabereki vavo nokuverevedza?
Chinoita Kuti Vamwe Vaverevedze
Dzimwe nguva pwere dzinoverevedza nokuti dzinofinhwa uye dzinoda kunakidzwa pamwe neshamwari dzadzo. Bhuku rinonzi Adolescents and Youth rinotsanangura kuti pwere dzingaverevedza “nokuda kwemimwe mitemo, yakadai seyokunzi dzikurumidze kuva pamba kana kurambidzwa kubva pamba inodziita kuti dzisaende kumafaro. Pwere yacho inozongoenda zvakadaro uye dzimwe nguva yokwanisa kudzoka zvisina kuzivikanwa.” Mumwe musikana ane makore 16 akatsanangura zvikonzero zvake zvokuverevedza. “Ndinonzwa sokunge ndiri mucheche uye sokuti handina upenyu,” akadaro. “Ndinonzi ndiuye kumba nokukurumidza kupinda mumwe upi noupi zvake. Uye vabereki vangu havandibvumiri kuenda kunzvimbo dzinoenda shamwari dzangu . . . Saka ndinongoenda ndozonyepa.” Joseph, ataurwa pakuvamba, akatanga kuverevedza pazera remakore 14 paakaenda kukonzati yomutinhimira werap kwaakanga arambidzwa kuenda nevabereki vake.
Zvechokwadi, pwere dzakawanda hadzina vavariro dzakashata padzinoverevedza. Tara, mumwe wepwere dzine mashoko ataurwa pakuvamba, akati: “Chinhu chokutanga mupfungwa dzedu chaisava chokuti ‘Handei tinoita zvakaipa.’ Ndaingoda kuva nomukoma wangu, uye aida kubuda kuti anofara neshamwari dzake.” Joseph akati: “Taingomira-mira. Ndaida kuva neshamwari dzangu uye kutaura nadzo.” Asi nepo kumira-mira neshamwari dzavo kusingawanzotungamirira kukuparwa kwemhosva kukuru, pwere zhinji dzinopinda muzvinetso zvakakomba.
Ngozi Dzacho
Mazvikokota woutano hwepfungwa Dr. Lynn E. Ponton anoti: “Hapana chinoshamisa kuti vayaruki vade kuita zvine ngozi.” Dr. Ponton anoenderera mberi achitsanangura kuti hapana chinoshamisa uye zvichida zvakatonakira utano hwepwere kuti dzide kuva dzakazvimirira, kuedza zvinhu zvitsva, kuva mumamiriro ezvinhu matsva neanonakidza. Ndizvo zvinoita kukura. Asi pwere dzakawanda dzinozviisa pangozi nokuita zvinopfuura mwero—zvikurukuru kana dziri kwadzisingaonekwi nevabereki vadzo. Magazini inonzi Teen inoti: “Musanganiswa wokuda kutevedzera vezera, kufinhwa, kushaya pokushandisira simba uye zvichida zvimwe zvinofurira zvakadai sedoro . . . zvinogona kuita kuti vayaruki vazviise pangozi—vorasikirwa noupenyu hwavo.” Imwe ongororo yakaronga zvimwe zveizvi zvinoitwa nevayaruki zvine ngozi, zvinosanganisira kuvhetemetsa motokari, unhubu, kutyaira vakadhakwa, nokuba.
Ukaera watombozvipinza mukusateerera, zviri nyore kupfuurira kuzvikanganiso zvakatonyanya kukomba. Zvakangofanana nezvakataurwa naJesu pana Ruka 16:10 kuti: “Munhu asina kururama muzviduku pane zvose haanawo kururama muzvikuru.” Saka hazvishamisi kuti kuverevedza neshamwari kunogona kutungamirira kuzvivi zvakakomba. Tara akaita ufeve. Joseph akatanga kutengesa zvinodhaka, akasungwa, uye akaenda kujeri. Mumwe muKristu wechiduku anonzi John akatanga kushandisa zvinodhaka nokuba motokari. Zvinosuruvarisa kuti pwere dzakawanda dzinokohwa migumisiro yomufambiro wakadaro—nhumbu dzisingadiwi, hosha dzepabonde, kupindwa muropa nedoro kana kuti zvinodhaka.—VaGaratiya 6:7, 8.
Kukuvara Kwacho
Kunonyanya kuparadza kupfuura kukuvara kwomuviri wako kungava kukuvara kwepfungwa. Hana inotambura inogona kurwadza zvikuru. (Pisarema 38:3, 4) Joseph anoti: “Kune chirevo chinoti hauzivi chauinacho kusvikira warasikirwa nacho. Dzimwe nguva ndinotarira shure uye handigoni kudavira kuti ndaive bofu rakadaro.”
Chisingadiwo kufuratirwa ndiko kukuvara kunogona kuita mukurumbira wako. Muparidzi 10:1 inoti: “Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuodza chizoro chomuvhenganisi wezvinonhuwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.” Munguva dzekare chizoro chinokosha kana kuti pefiyumu chaigona kukanganiswa nechimwe chinhu chiduku chakadai senhunzi. Saizvozvowo, mukurumbira wako wawakawana watambura ungagona kukanganiswa zvachose no“upenzi hushoma.” Uye kana uri muKristu, kusazvibata kwakadaro kungakutadzisa kuva neropafadzo muungano. Pashure pezvose, ungakurudzira vamwe sei kutevera nheyo dzeBhaibheri ivo vachiziva kuti iwe pachako hauna kuita saizvozvo?—VaRoma 2:1-3.
Chokupedzisira, funga nezvokurwadziwa kungaita vabereki vako pavanozoziva kuti haupo. Mumwe mubereki anotaura nezvokutya kwaakaita paakaziva kuti mwanasikana wake ane makore 15 akange asimo mumba. Anoti iye nomurume wake ‘vakanga vasingachazivi zvokuita nokutya’ nokuti vaisaziva kwaive kwaenda mwanasikana wavo. Unoda kurwadzisa uye kutambudza vabereki vako zvakadaro here?—Zvirevo 10:1.
Kuwana Rusununguko Rwakawedzerwa
Zvinonzwisisika kuti zvingava zvinovhiringidza kana vabereki vako vachiita sevanonyanyoomesa. Asi kuverevedza ndiyo mhinduro yacho chaizvoizvo here? Kazhinji kacho ndezvechokwadi kuti uchapedzisira wabatwa. Kunyange kana wakachenjera zvokunyengera vabereki vako, Jehovha Mwari anoona zviito zvako, kunyange zviya zvinoitwa murima. (Jobho 34:21) Saka uchapedzisira wabatwa, sezvingabvira zvichizoita kuti vabereki vako vasavimbe newe sezvavaimboita izvi zvisati zvaitika. Zvichaguma nei? Ucharasikirwa nezvawaida zvikuru—rusununguko!
Yeuka: Kuti uve norusununguko, unofanira kuvimbwa newe nevabereki vako. Saka nzira yakanakisisa yokudaro ndeyokungovateerera. (VaEfeso 6:1-3) Kana uchifunga kuti vabereki vako havasi kukunzwisisa, taura navo zvakajeka—noruremekedzo. Vangafunga zvakanaka nezvezvaunotaura. Ukuwo, ungawana kuti vane zvikonzero zvakanaka zvokukuomesera. Kunyange kana usingabvumirani navo, usambofa wakakanganwa kuti vanokuda uye kuti vanokufarira chaizvo. Ramba uchikudziridza kuvimba kwavanoita newe, uye munguva yakafanira uchawana rusununguko rwaunoda.b
‘Usaende Navo’
Makare kare, pwere dzinotya Mwari dzaiwanzoedzwa kubatana nevezera radzo mukuita misikanzwa. Saka Soromoni akakurudzira pwere kuti: “Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, usatenda iwe. . . . Usafamba navo nenzira yavo.” (Zvirevo 1:10, 15) Teerera zano iroro kana dzinonzi shamwari dzikaedza kukufurira kuti uverevedze. Soromoni anowedzera kunyevera achiti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.”—Zvirevo 22:3.
Kana wakatotanga kuverevedza, chiregedza! Uchangopedzisira wazvikuvadza. Ita kuti vabereki vako vazive zvawanga uchiita, utarisane nechirango chipi nechipi kana kukuomesera kwavangaita. Kana zvakakodzera, sarudza shamwari itsva—shamwari dzichakubatsira kuita zvakanaka. (Zvirevo 13:20) Tsvaka nzira dzokuzvifadza nadzo dzakanaka uye dzisingakupinzi mungozi.
Zvinokoshesesa, shandira kuti uwedzere ruzivo rwako panhau dzokunamata nokuverenga Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu. “Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko?” akabvunza kudaro munyori wepisarema. Anopindura kuti: “Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko [raMwari].” (Pisarema 119:9) Sezvaunochinja pfungwa dzako zvishoma nezvishoma kuti uite zvakanaka, uchaona kuti nepo kuverevedza kuchifadza uye kuchinakidza, kune zvinetso zvakakomba.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
b Kuti uwane mashoko pamusoro pokuwana rusununguko rwakawedzera, ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
“Vabereki vangu havandibvumiri kuenda kunzvimbo dzinoenda shamwari dzangu . . . Ndinongoenda ndozonyepa”
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kuverevedza kunowanzotungamirira kuzvinetso zvakakomba