RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 2/8 pp. 31-32
  • Muchato Unofanira Kuva Mubatanidzwa Woupenyu Hwose Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muchato Unofanira Kuva Mubatanidzwa Woupenyu Hwose Here?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maonero aMwari Achinja Here?
  • Nzira Yokuita Nayo Kuti Muchato uve Wechigarire
  • Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Wanai Mufaro Mumba Menyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 2/8 pp. 31-32

Zvinotaura Bhaibheri

Muchato Unofanira Kuva Mubatanidzwa Woupenyu Hwose Here?

KUMBOBVUNZIREI mubvunzo iwoyo? Maererano nemhiko dzomuchato dzokuMadokero, muchato haurevi here kuti “mukufara nomukusuwa” uye “kusvikira rufu rwatiparadzanisa”? Hungu, mhiko dzomuchato dzinowanzotaura kuti vachati vava kupinda mukuzvipira kwoupenyu hwose. Asi vakawanda havachazvioni sevanosungwa nemhiko idzodzo dzakakomba. Vakaroorana vakawanda zvinoshamisa vari kurambana—vamwe pashure pemwedzi mishomanana, uye vamwe pashure pemakumi emakore. Nei kuremekedzwa kwomuchato kuri kupera? Bhaibheri rinopa mhinduro yacho.

Tapota ongorora 2 Timoti 3:1-3, uye ienzanise nezvaunoona munyika nhasi. Chikamu chendima idzodzo chinoti: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, . . . vasingazvidzori.” Uprofita ihwohwo hwakarurama zvinoorora. Mafungiro iwayo akuvadza uye anetesa ukama hwevakaroorana pasi pose, zvinoratidzwa nemwero wakakwirira wokurambana.

Zvakajeka kuti vanhu vakawanda havacharemekedzi muchato. Tichifunga nezveizvi, tingabvunza kuti: Muchato unofanira kurangarirwa zvakakomba zvakadaro here? Kune chinhu chakadai soutsvene hwomuchato here? VaKristu vanofanira kuona sei muchato? Rubatsiro rwupi urwo Bhaibheri rinopa vakaroorana nhasi?

Maonero aMwari Achinja Here?

Pakutanga, Mwari haana kutaura nezvechisungo chomuchato sechenguva duku. Kubatanidza kwake murume nomukadzi vokutanga kunorondedzerwa pana Genesi 2:21-24, uye hapana panombotaurwa nezvechisarudzo chokurambana kana kuti kuparadzana. Pane kudaro, ndima 24 inoti: “Munhu unofanira kusiya baba vake naamai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.” Rugwaro irworwo runorevei?

Funga nezvomuviri womunhu, nzira iyo nyama dzawo dzakasiyana-siyana dzinobatana nayo zvisingaoneki miganhu uye nzira iyo mapfupa anobatana nayo mumapfundo akasimba asingakwizani. Kubatana kwakadini! Kukwanisa kugara kwenguva refu kwakadini! Asi zvinorwadza sei kana ichi chipenyu chisingaenzaniswi chikakuvadzwa zvakakomba! Nokudaro, pana Genesi 2:24, mashoko okuti “nyama imwe” anosimbisa kuva pedyo nepedyo nokugara zvachose kwomubatanidzwa womuchato. Anonyeverawo zvakajeka nezvokurwadziwa kukuru kunovapo kana chisungo ichocho chikaparara.

Kunyange zvazvo kuchinja kwemafungiro evanhu mumamireniyumu akapfuura kwakaumba kwaumbazve maonero anoita vanhu zvinhu, Mwari achiri kungoona muchato sokuzvipira kwoupenyu hwose. Anenge makore 2 400 apfuura, vamwe varume vechiJudha vakatanga muitiro wokusiya madzimai avo okutanga vachiroora vakadzi vaduku. Mwari akashora kuita uku, achizivisa nokumuprofita wake Maraki kuti: “Chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe unonyengera mukadzi woujaya hwake. Nokuti ndinovenga kurambana—ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri.”—Maraki 2:15, 16.

Anopfuura makore mazana mana gare gare, Jesu akasimbisazve maonero aMwari epakuvamba omuchato paakatora mashoko pana Genesi 2:24 ndokurayira kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe pajoko naMwari.” (Mateu 19:5, 6) Makore akati gare gare muapostora Pauro akarayira kuti “mukadzi haafaniri kubva kumurume wake” uye kuti “murume haafaniri kusiya mukadzi wake.” (1 VaKorinde 7:10, 11) Magwaro aya anotaura zvakarurama maonero anoita Mwari muchato.

Bhaibheri rinombobvumira kugumiswa kwomuchato here? Hungu, muchato unoguma apo mumwe wevakaroorana anofa. (1 VaKorinde 7:39) Upombwe hunogonawo kugumisa muchato kana anenge asina mhaka wacho akasarudza kudaro. (Mateu 19:9) Kana zvisina kudaro, Bhaibheri rinokurudzira vakaroorana kuramba vari pamwe chete.

Nzira Yokuita Nayo Kuti Muchato uve Wechigarire

Mwari anoda kuti muchato uve wechigarire, kwete zvokutamburira, asi serwendo rwunofadza. Anoda kuti murume nomudzimai vagadzirise zvinetso zvavo uye vanakidzwe kwazvo noushamwari hwavo. Shoko rake rinopa nhungamiro yokuva nomuchato unofadza, wechigarire. Tapota ona ndima dzinotevera.

VaEfeso 4:26: “Zuva ngarirege kuvira makatsamwa.”a Mumwe murume akaroora uye ari kufara anodavira kuti rugwaro urwu runomubatsira nomudzimai wake kugadzirisa kusabvumirana nokukurumidza. Anoti: “Kana uchitadza kurara pashure pokusabvumirana kwakati, chimwe chinhu hachina kumira zvakanaka. Haungabvumiri chinetso chacho kupfuurira.” Dzimwe nguva iye nomudzimai wake vakakurukura zvinetso kusvikira usiku chaihwo. Asi zvinoshanda. Anowedzera kuti: “Kushandisa nheyo dziri muBhaibheri kune migumisiro inoshamisa.” Nokuita izvi, murume uyu nomudzimai wake vave vakaroorana vachifara kwemakore 42.

VaKorose 3:13: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru.” Mumwe murume anotsanangura nzira iyo iye nomudzimai wake vanoshandisa nayo izvi achiti: “Vakaroorana vanogona kushatirisana pasina kuita zvakaipa chaizvoizvo, sezvo munhu wose aine zvikanganiso nemiitiro zvinoshatirisa vamwe vanhu. Tinoshivirirana nokusabvumira zvinhu izvi kutiparadzanisa.” Pasina mubvunzo mafungiro iwayo abatsira vaviri ava kwemakore 54 avave vakaroorana!

Kushandiswa kwenheyo dziri muMagwaro dzakadaro kunosimbisa chisungo chinobatanidza varume nemadzimai. Nokudaro, muchato wavo unogona kufadza, kugutsa, uye kuva woupenyu hwose.

[Mashoko Omuzasi]

a Maererano nokuchengeta nguva kwokuMabvazuva kwomuzana remakore rokutanga, zuva rinoguma pakunovira. Saka Pauro akanga achikurudzira vaverengi kuva norugare nevamwe zuva rimwe nerimwe risati raguma.

Kana uchida mamwe mashoko kana kuti uchida kuti mumwe munhu akushanyire kumba kwako kuti azodzidza newe Bhaibheri pachena, tapota nyorera Watch Tower, P. Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera pane dziri papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe