RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 2/8 pp. 24-26
  • Moto! Ndechokudzimisa Chipi Chaunofanira Kushandisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Moto! Ndechokudzimisa Chipi Chaunofanira Kushandisa?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvinhu Zvitatu” Zvinoita Kuti Moto Uvepo
  • Zvakagadzirirwa Marudzi ose Emoto Muduku
  • Zvinokosha Kupfuura Zvokudzimisa Moto
  • Kana Zvakaipisisa Zvikaitika
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Mukai!—2001
g01 2/8 pp. 24-26

Moto! Ndechokudzimisa Chipi Chaunofanira Kushandisa?

KANGANI patinofamba tichidarika nepakamuchengetedzi kasingataure ikako pamadziro tisingambofungi nezvako! Asi, rimwe zuva kanogona kununura hofisi yedu kana fekitari kana kuti kunyange musha wedu pakutsva. Zvokudzimisa moto zvinotakurika zvinogona kubatsira kudzivirira kuti chinetso chiduku—pani yabata moto pachitofu kana kuti maketeni abatidzwa nembaura—chisawedzere zvokusadzoreka. Sezvombo zvinoshandiswa pakukurumidzira, zvakagadzirirwa kuparadza muvengi ane utsinye asati awana simba rakawanda.

Nokuti muvengi uyu anouya mumarudzi akawanda—moto unokonzerwa nehuni, moto unokonzerwa nemafuta uye gasi, moto unokonzerwa nemagetsi—zvokudzimisa moto zvinotakurika zvinouyawo mumarudzi akawanda. Sezvingatarisirwa, unoda kuziva zvose muvengi wako nezvombo zvako. Izvi hazvirevi kuva nenzwisiso yakaita seine nyanzvi yokudzima moto, asi zvinoreva kuziva zvinhu zvishoma zvinokosha. Somuenzaniso, chii chawaizodai wakaita mumamiriro ezvinhu anotevera?

Mubiki wemakeke akanga achidziyisa chigadziko chine pani 20 itsva, dzakanyatsozorwa mafuta muhovhoni paakanga achigadzirira kubheka chingwa. Zvisinei, chinodzora kupisa chakanga chisiri kushanda zvakanaka uye hovhoni yakapisisa, zvichiita kuti mafuta acho atange kubudisa utsi. Mubiki wacho, akapfeka magirovhisi mumaoko, akakurumidza kuvhura hovhoni yacho ndokudhonzera chigadziko chacho kunze. Asi mukuita izvi, akabudisira mafuta akanga achitsva pamhepo yakawanda zvikuru. Bhumu! Kubvira pasina abatidza kwakaita kuti marimi emoto angandume achikwira pasirin’i. Mubiki wacho akabuda asina kukuvadzwa ndokudzoka pashure pemasekondi mashomanana akabata chokudzimisa moto chine carbon dioxide ndokukurumidza kudzima moto wacho. Asi pakarepo humwe utsi hwakatanga, uye mafuta acho akabata moto zvakare. Izvi zvakaramba zvichiitika kanosvika kana! Achityira kuti chokudzimisa chacho chaizopera munguva pfupi, mubiki wacho akadhonza jira rinodzima moto kubva muchibatiso charo chaiva pedyo ndokurikandira pamusoro pepani dzacho. Zvakamuzorodza kuti rakadzima moto wacho—uye rakaudzima zvachose.

Nomuzvarirwo, tinoda kushandisa zvombo zvakanakisisa zviripo kudzima moto muduku asi uchityisidzira. Asi kudai mubiki wacho akanga aziva nezvokubvira kunoitika pasina chabatidza—uko kusingawanzoregi kuitika panenge paine utsi—angadai akangodzima hovhoni, ndokusiya madhoo acho akavharwa, ndokusiya zvaiva muhovhoni kuti zvipore zvoga. Kana kuti angadai akatanga kushandisa jira rokudzimisa moto, ndokuzoshandisa chokudzimisa chine carbon dioxide. Chero zvazvingava, chiitiko chacho chinoratidza zvakanakira kuva nezivo inokosha yemhando dzemoto uye madzimirwo akanakisisa aungaitwa.

“Zvinhu Zvitatu” Zvinoita Kuti Moto Uvepo

Pane zvinhu zvitatu zvinoita kuti moto uvepo zvisinganetsi kunzwisisa zvinoti: oxygen, kupisa uye chero chinhu chinotsva. Ingobvisa chimwe chazvo, uye haudzimi moto wacho chete asi unodzivisawo mumwe moto. Ngationei mashandiro azvinoita.

CHINOTSVA: Kufanana nesu, moto unodzima pasina chokudya. Vanodzima moto vanoshandisa pfungwa iyi musango vachidzima moto pavanobvisa zvinhu zvinotsva kuti moto usadarika mugwara remoto mukuru. Mumamiriro ezvinhu omukicheni, kubvisa chinotsva kungareva kungodzima gasi racho. Zvisinei, mumamwe mamiriro ezvinhu, kubvisa chinotsva chacho kungava kwakaoma kana kuti kusingatobviri.

OXYGEN: Zvakare, kufanana nesu, moto unofanira kufema. Kanda foshoro yakazara nemarara kana kuti jira rinodzima pamoto wacho, uye woudzima nokuushayisa oxygen. Sezvineiwo, hazvirevi kuti oxygen inofanira kubva yapera zvachose chose kuti moto udzime. Kana ukadzikisa mwero weoxygen kubva pa21 muzana yenguva dzose iri mumhepo yakatipoteredza kusvika pa15 muzana, zvinhu zvakawanda—somuenzaniso, zvinodururuka zvinobata moto uye kunyange zvimwe zvinhu zvakaoma—hazvizotsvi.

KUPISA: Chinhu chinopisa chinogona kutanga moto chingava mbaura inobudisa mhepo inopisa, chitofu, waya dzinoenda kuchinhu chinoshandisa magetsi chakaremerwa, pfarivari kana kuti marasha, mheni, kana kuti kupisa kunobva muzvinhu zviri kuora, makemikari anopwititika, kana kuti zvimwewo zvinhu. Yeuka kuti, kana ukaona utsi, zvikurukuru kana huchibva pamafuta emhuka kana kuti okubikisa akagadzikwa pachinhu chinopisa, kubvira kunoitika pasina chabatidza kunokwanisa kuitika mumasekondi mashomanana.

Zvakagadzirirwa Marudzi ose Emoto Muduku

Nepo misha yakawanda isina zvokudzimisa moto, mafekitari, mahofisi, uye zvimwe zvivako zvinoshandiswa nevoruzhinji zvinowanzosungirwa nomutemo kuti zvinge zviinazvo. Marudzi anokosha anoti mvura, makemikari akanyorova, furo, paudha yakaoma, uye carbon dioxide. Zvinodzima moto zvinonzi halon zvava kuparadzwa nokuti zvinofungidzirwa kuti zvinoparadza butiro remhepo rakakomberedza pasi muchadenga. Kubatsira vanozvishandisa kusarudza chokudzimisa moto chakarurama mumamiriro ezvinhu okukurumidzira, mienzaniso yakawanda kwazvo ine zviratidzo zvemifananidzo inoratidza pazvinofanira nepazvisingafaniri kushandiswa, kana kuti zvingava nezviratidzo zvoruvara. Uye zvakawanda kwazvo zvine bhii, rakadai saA, B, kana kuti C, richiratidza boka remoto rakasiyana. Kana chimubato chacho chikatekenywa mushonga wacho unodzima moto unobva wabuda nokukurumidza zvikuru uchisundwa negasi rinenge rakadzvanyidzirwa. Nokuti zvokudzimisa moto zvine gasi rakadzvanyidzirwa, zvinofanira kuongororwa nguva nenguva. Uye nguva dzose zvinodzima moto zvinofanira kuiswa pedyo nemisuo yokubuda nayo uye zvinofanira kuva nyore kuzviwana. Iye zvino regai tiongorore zvishoma rudzi rumwe norumwe rwezvinodzima moto.

Zvokudzimisa moto zvine paudha yakaoma zvinoshandisa makemikari kumisa kubvira uye zvingatonzi zvinodzima mhando dzose dzemoto. Paudha yakaoma haishandi kudzima moto womuboka A neboka B chete asi inoshandawo pakurwisa moto womuboka C (zvinoshandisa magetsi). Zvinonzwisisika kuti chokudzimisa moto ichi chinoshanda pose chinodzivirira musha wako zvakaisvonaka. Paudha yakaoma inowanzosvibisa—asi tsvina ingava chinhu chiduku pane kurasikirwa kunogona kukonzerwa nemoto!

Zvokudzimisa zvinoshandisa mvura yakadzvanyidzirwa zvinonyatsoshanda pamoto unosanganisira wemapepa, huni, mapurasitiki, marara, kana kuti machira. Uyu unowanzonzi moto womuboka A. Kukwanisa kushanda kwemvura sechinhu chinodzima moto kunobva pakukwanisa kwayo kukuru kupedza kupisa. Kana yakawanda zvakakwana, mvura inongopedza kupisa nokukurumidza kudarika kutangazve kumwe kupisa kungaitwa nemoto wacho, nokudaro moto wacho unodzima. Asi usashandisa mvura pazvinodururuka zvinobata moto. Ungatoparadzira moto wacho—nokunganduma kune simba! Uyezve, nokuti magetsi anokwanisa kufamba mumvura, haufaniri kuishandisa kana kuti kushandisa chokudzimisa moto chinayo panenge pane tambo dzine magetsi.

Zvokudzimisa moto zvine makemikari akanyorova zvinoshandisa musanganiswa wemaalkali salts akasanganiswa nemvura uye zvinonyanya kushanda pamafuta emhuka kana kuti okubikisa asi kwete pazvinhu zvinogadzirwa nepetroleum. Zvinoshandawo pamoto womuboka A.

Zvokudzimisa moto zvinoshandisa furo zvinonyatsoshanda, kwete chete pamoto womuboka A asi zvikurukuru pamoto une chokuita nemishonga inobata moto (girisi romumaindaisitiri, mafuta, pendi), unowanzozivikanwa semoto womuboka B. Kune marudzi maviri ezvokudzimisa moto zvinoshandisa furo, saka ona kuti ndechipi chinokodzera zvaunoda. Parinoshandiswa pazvinodururuka zvinobata moto, furo racho rinovhara mweya zvisingapindiki zvinodzivisa kupwititika nokuita kuti oxygen isapinda. Nokudaro, furo rinofanira kuiswa zvinyoro-nyoro kuitira kuti risapinda muchinodururuka chacho, asi ripararire pakarepo pamusoro pawo. Chenjerera kushandisa furo racho pedyo nemagetsi.

Zvokudzimisa moto zvine carbon dioxide zvinogona kushandiswa kudzima unenge moto wose kunze kwemoto wegasi. Zvinoshanda papfungwa yokuti carbon dioxide inobvisa oxygen. Asi sezvataona pakutanga, kana chinotsva chacho chikachengeta kupisa kwacho, kubvira kunoitika pasina chabatidza kunogona kuitika. Carbon dioxide igasi, saka mhoteredzo yakanyorovera, iri pachena inoita kuti isanyatsoshanda. Zvisinei, kuchena kwayo kunoiita chokudzimisa chinosarudzwa kushandiswa pamichina inoda kubatwa nokungwarira uye pazvishandiso zvemagetsi. Zvisinei, munzvimbo dzakamanikidzika, carbon dioxide inogona kukachidza, saka kana waishandisa pakadaro, iva nechokwadi chokubva kana moto wacho wadzima uye vhara dhoo racho.

Jira rokudzimisa motoa ndechokudzimisa moto chiri nyore kushandisa uye chinonyatsoshanda pamoto muduku, uri panzvimbo imwe yakadai soungaitika pamusoro pechitofu chomukicheni kana kuti pachikamu chiduku-duku chekapeti. Ingodhonza jira racho kubva pachibatiso charo chakaiswa zvakanaka pamadziro, ritambanudze riri pamberi pako kuti uzvidzivirire pamarimi, uye woisa jira racho pamusoro pemoto wacho. Chokwadi, kana usati watoita kudaro, dzima chiri kukonzera kupisa kwacho pakarepo kana zvichibvira.

Machira okudzimisa moto anogonawo kuponesa upenyu kana zvipfeko zvako zvikabata moto. Muchiitiko chakadaro, yeuka mutemo uyu unokosha: “Mira, donhera pasi, uye umburuka.” Usambofa wakamhanya; unenge uchingofutidza moto wacho chete. Kana iwe kana kuti mumwe munhu achikwanisa kukuputira nejira rokudzimisa moto paunenge uchiumburuka, uchatodzima moto wacho nokukurumidza zvikuru.

Zvinokosha Kupfuura Zvokudzimisa Moto

Chokwadi, chinhu chakanakisisa chokudzivirira nacho moto, kudzivisa moto, saka shandisa pfungwa dzakanaka. Chengeta machisi nezvokubatidzisa zviri kure nevana. Bvisa zvinhu zvose zvinogona kubata moto pedyo kana kuti pachitofu chako. Usambofa wakabika wakapfeka mbatya dzine maoko akarembera, anogona kubata moto. Isa zvinhu zvinoratidza kuti pane zviri kutsva mumba mako.

Heano mamwe mazano okuwedzera. Usambofa wakaremedza mapuragi emagetsi kana kuti tambo dzokuwedzera. Usambofa wakasiya mafuta emhuka kana okubikisa zvichitsva pachitofu zvisina anotarisira. Chenjerera paunoisa mbaura. Kana une masirinda egasi pedyo nemba, taridzisa mavharuvhu okudzivirira ngozi—anogona kuwedzera simba remoto—kure nechivako. Shandisa mafiyuzi akakura zvakarurama. Chinja tambo dzemagetsi dzasakara.

Mati mambofunga nezvokuzvirovedza zvamungaita kana pamusha pakava nemoto here? Zvechokwadi kudaro kunogona kuponesa upenyu. Rongai kuti mhuri isangane panzvimbo yakati—nzvimbo ipi neipi inooneka zvakajeka yakachengeteka iri nyore kuwana masikati kana usiku. Uye goveranai mabasa: Ndiani achabatsira vacheche kana kuti vakaremara kuvaendesa kunzvimbo yakachengeteka? Ndiani achadaidza vedhipatimendi rinodzima moto? Hungu, kuzvirovedza zvinogona kuitwa kunoponesa upenyu nokuti kunoratidza maitiro akarurama, zvichiita kuti zvingozoerekana zvaitika uye nokukurumidza.

Kana Zvakaipisisa Zvikaitika

Yeuka, zvinhu zvinogona kutsiviwa asi upenyu hahugoni. Usaisa upenyu hwako pangozi kuti udzime moto. Zvisinei, kana zvisingakuvadzi kuti upfuurire kudzima moto wacho, ita uri panzvimbo ichakubvumira kuwana pokubuda napo. Asi kana usina chokwadi kuti chokudzimisa chauinacho ndicho chakarurama kana kuti kana uchitya kuti moto wacho wakakurisa kwachiri, buda nokukurumidza udaidze vedhipatimendi rinodzima moto.

Zivawo kuti utsi, zvikurukuru utsi hunokachidza hunobva muzvinhu zvinogadzirwa nemakemikari, hunouraya vanhu vakawanda kudarika vanourayiwa nemarimi emoto—hunogona kuuraya muasingasviki maminiti maviri! Saka paunenge uchibuda muchivako chiri kutsva, ramba uri pakadzikira. Pedyo nouriri pane utsi hushoma, uye mhepo yacho inoti tonhorei. Kana zvichibvira, isa jira nyoro pamuromo wako. Usati washandisa dhoo, ribate nokumashure kwechanza chako. Kana riri kupisa, kune rimwe divi kune moto, wana pamwe pokubuda napo. Uye vhara madhoo ose paunobuda. Izvi zvinoita kuti oxygen inopinda mune moto wacho ive shoma. Chokwadi, maelevator haafaniri kutomboshandiswa kana kuine moto—anogona kukuvharira akava hovhoni!

Saka kana uchida kutenga zvokudzivirira nazvo moto pamusha wako, motokari, kana kuti bhizimisi, zvingava zvakanaka kwazvo kukurukura nhau yacho nevakuru vakuru vanoona nezvokudzima moto munharaunda yako. Mashoko akanyanya kunanga angasiyana munyika nenyika saka haana kukurukurwa munyaya ino.

Muchiitiko chero chipi, nguva inotevera paunoona kamwe ketuvachengetedzi twusingataure, mira uye zivana natwo zviri nani. Ungakaonga kwazvo rimwe zuva.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana kushandisa jira rokudzimisa moto kwakakurumbira munyika yako, iva nechokwadi chokuti unoziva kurishandisa nemazvo. U.S. National Fire Protection Association inoti: “Zvinofanira kusimbiswa kuti . . . machira okudzimisa moto haanyanyi kukosha. Anofanira kushandiswa chete paanenge achiwanikwa nokukurumidza. . . . Kusashandiswa zvakanaka kwemachira okudzimisa moto kunogona kuwedzera kukomba kwokukuvadzwa noutsi nemoto kana jira racho richiunganidzira utsi kumeso kana kuti kana jira racho rikasabviswa kana moto wacho wadzimwa.”

[Mifananidzo iri papeji 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

MOTO

chinotsva

kupisa

oxygen

[Mifananidzo]

BOKA A

BOKA B

[Kwazvakatorwa]

Chubb Fire Safety

[Mufananidzo uri papeji 26]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Kana mbatya dzako dzikabata moto, usamhanya

1. MIRA

2. DONHERA PASI

3. UMBURUKA

[Kwazvakatorwa]

© Coastal Training Technologies Corp. Reproduced by Permission

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kune zvokudzimisa moto wakasiyana-siyana zvinoshandiswa pamusha

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo uri pamusoro apa: Wakadhindwazve nemvumo yakapiwa neNFPA 10 - 1998, Portable Fire Extinguishers, Copyright © 1998, National Fire Protection Association, Quincy, Massachusetts 02269. Zvakadhindwazve izvi hazvisizvo zvazvakaita chaizvo maererano neNFPA nezvezviri kutaurwa zvinongomirirwa chete nezvinobvumiranwa zvose hazvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe