RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 1/8 pp. 7-8
  • Pane Chikonzero Chetariro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pane Chikonzero Chetariro Here?
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Roorano Yava Kudokupunzika
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • “Kuroorana Ngakukudzwe”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Muchato Wenyu Unogona Kununurwa!
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 1/8 pp. 7-8

Pane Chikonzero Chetariro Here?

“Chinetso chimwe chete mumhuri dziri mumatambudziko ndechokudavira zvakasimba kuti zvinhu hazvigoni kuita nani. Kudavira kwakadaro kunodzivisa kuchinja nokuti kunokutorera chido chokuedza chimwe chinhu chinovaka.”—DR. AARON T. BECK.

FUNGIDZIRA kuti uri kurwadziwa woenda kuna chiremba kunoongororwa. Uri kufunganya—uye zvinonzwisisika kuti uri kudaro. Zvitoripo ndezvokuti, utano hwako—kunyange upenyu hwako chaihwo—hungava huri mungozi. Asi ngatitii pashure pokuongororwa kwacho, chiremba anokuudza mashoko akanaka okuti nepo chirwere chako chisiri chiduku, chinogona kurapwa. Kutaura zvazviri, chiremba anokuudza kuti ukanyatsoomerera papurogiramu ine mwero yokudya nokurovedza muviri, unogona kutarisira kunaya zvakakwana. Hapana mubvunzo kuti waizonzwa wazorodzwa zvikuru uye waizotevera zano rake nomufaro!

Enzanisai chiitiko ichi nenyaya yatiri kukurukura. Pane zviri kukutambudzai mumhuri yenyu here? Zvechokwadi dzimba dzose dzinotovawo nezvinetso zvadzo nokusawirirana. Saka kungova nedzimwe nguva dzakaoma muukama hwenyu hakurevi kuti munotova nomuchato usina rudo. Asi zvakadini kana mamiriro acho ezvinhu anorwadza akaramba aripo kwemavhiki, mwedzi, kunyange kana makore? Kana zvakadaro, zvakanaka kuti munetseke, nokuti iyi haisi nyaya duku. Chaizvoizvo, zvakaita imba yenyu zvine zvazvinoita pamativi anenge ose oupenyu hwenyu—uye hwevana venyu. Somuenzaniso, zvinonzi zvinetso zvevakaroorana zvinogona kuva zvikonzero zvikuru zvezvinetso zvakadai sokuodzwa mwoyo, kusashanda zvakanaka kubasa, uye kukundikana kwevana kuchikoro. Asi handizvo zvoga. VaKristu vanoziva kuti ukama hwavanahwo newavakaroorana naye hune zvahungaita paukama hwavo naMwari.—1 Petro 3:7.

Kungova nezvinetso pakati pako newawakaroorana naye hakurevi kuti zvinhu hazvichagadzirisiki. Kunyatsoona muchato sezvauri—kuti pachava nezvinetso—kungabatsira vaviri kuona zvinhu sezvazviri voshandira pakuzvipedza. Mumwe murume anonzi Isaac anoti: “Ndaisamboziva kuti hapana chinoshamisa kuti vaviri vave nemateru nemakata pamufaro wavo mukati mokuroorana. Ndaifunga kuti pane chimwe chinhu chaive chisina kunaka patiri!”

Kunyange kana muchato wenyu waipa kusvika pakusava norudo, unogona kununurwa. Sezvinobvumwa, maronda anokonzerwa noukama hune zvinetso angava makuru, zvikurukuru kana zvinetso zvacho zvanga zvagara kwemakore. Kunyange zvakadaro, pane chikonzero chakasimba chokuva netariro. Chido chinokosha. Kunyange vanhu vaviri vane zvinetso zvikuru zvomumba vanogona kuvandudza kana zvichikosha kwavari vose.a

Saka zvibvunze, ‘Chido changu chokuva noukama hunogutsa chakasimba zvakadini?’ Iwe nomumwe wako muri kuda kuedza kuvandudza imba enyu here? Dr. Beck, ane mashoko ambotaurwa, anoti: “Ndinowanzoshamiswa nokubatsirika kunogona kuita ukama hunoratidzika sehwakaipa vaviri pavanoshanda pamwe chete kugadzirisa zvikanganiso zvavo ndokusimbisa zvakanaka muchato wavo.” Asi zvakadini kana mumwe wako asingadi kushandira pamwe? Kana kuti zvakadini kana achiita seasiri kuona kuti pane chinetso? Hazvibatsiri here kuti uvakiridze imba yacho uri woga? Kana! “Kana iwe ukachinja,” anodaro Dr. Beck, “izvi pachazvo zvingaita kuti mumwe wako achinje—kakawanda zvinowanzodaro.”

Usakurumidza kuti izvi hazvigoni kuitika panyaya yako. Kufunga ikoku kwokuti hazvigoneki ndiko pachako kungava nengozi huru kumuchato wenyu! Mumwe wenyu anofanira kutora danho rokutanga. Ungava iwe here? Kana zvinhu zvangotanga kufamba chete, wawakaroorana naye angaona kubatsira kunoita kushanda pamwe newe mukuvaka imba ine mufaro.

Saka ungaita sei—iwe pachako kana kuti muri vaviri—kuti mununure muchato wenyu? Bhaibheri rinobatsira zvakasimba mukupindura mubvunzo uyu. Ngationei kuti sei.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvinobvumwa kuti mune zvimwe zviitiko zvakanyanyisa, pangava nezvikonzero zvakanaka zvokuti murume nomukadzi vaparadzane. (1 VaKorinde 7:10, 11) Uyewo, Bhaibheri rinobvumidza kurambana nezvikonzero zvoufeve. (Mateu 19:9) Kuti arambe waakaroorana naye asina kuvimbika kana kuti kwete chisarudzo chake oga, uye vamwe havafaniri kumanikidza akavimbika wacho kusarudza chokuita.—Ona bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, mapeji 158-61, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe