Rokutanga Makore Zana Apfuura
Bumbiro romutemo reWatch Tower Bible and Tract Society rakanyorwa zviri pamutemo muPennsylvania, kuUnited States of America, musi waDecember 15, 1884.a Ikoko dzimbahwe resosaiti iyi rakavambwa. Gare gare, musi waApril 23, 1900, nzvimbo yehofisi yebazi yokutanga yakawanikwa muLondon, kuEngland. Yaiva pa131 Gipsy Lane, Forest Gate, muEast London, sezviri kuratidzwa pano.
APO bazi rokutanga iroro rakavambwa makore zana apfuura, England yaiva nenhamba yose yeVadzidzi veBhaibheri 138, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Makore maviri gare gare, muna 1902, bazi rechipiri rakavhurwa, muGermany; uye pakazosvika 1904, mapazi okuwedzera akanga avambwa muAustralia nomuSwitzerland.
Muna 1918, gore rakapera Hondo Yenyika I, kwaiva neVadzidzi veBhaibheri 3 868 vaishuma basa rokuparidza pasi pose. Gore rakatevera racho bazi rechishanu reWatch Tower Society rakavambwa—muCanada. Sezvo kuziviswa kwemashoko eBhaibheri kwakawedzera, mapazi matsva akavhurwa munyika dzakasiyana-siyana dzakawanda, nhanhatu muna 1921 chete.
Pakazosvika 1931, apo Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita rinobva muBhaibheri rokuti Zvapupu zvaJehovha, kwaiva nehofisi dzebazi 40 pasi pose. (Isaya 43:10-12) Mumakore matatu akatevera, nhamba yacho yakawedzera kusvika pa49! Pakazosvika 1938, pakava nenhamba yepamusoro yeZvapupu 59 047 zvaiparidza munyika 52, asi panguva iyoyo kushora kunotyisa kwakanga kwatanga kutyisidzira basa razvo rechiKristu munzvimbo dzakawanda.
Sezvo kudzvinyirira noumbimbindoga zvematongerwe enyika zvakapararira kubva munyika imwe kuenda mune imwe uye Hondo Yenyika II yakatanga muna September 1939, mahofisi ebazi eZvapupu zvaJehovha akavharwa munyika imwe pashure peimwe. Pakazosvika 1942, mahofisi 25 chete akanga achiri kushanda. Zvisinei, zvinoshamisa kuti mukati mehondo yakaparadza zvikuru munhau yevanhu, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvichishingaira pasi pose uye zvakava nomwero wokuwedzera wakakura zvikuru munhau yazvo yazvino uno.
Kunyange Hondo Yenyika II payakanga yava kupera muna 1945—uye mativi akawanda epasi akanga angova matongo—mahofisi ebazi eZvapupu akavhurwazve uye matsva akavambwa. Pakazosvika 1946 kwakanga kwava ne57 pasi pose. Uye kwaiva neZvapupu zvingani zvaiita basa? Nhamba yepamusoro ye176 456! Yaida kupeta nekanenge katatu yomuna 1938!
Makuriro Akaita Mapazi Okutanga
Muna 1911 bazi rokutanga reWatch Tower Society, muLondon, kuEngland, rakatamisirwa ku34 Craven Terrace, kwaiva nenzvimbo yakakura yehofisi nepokugara. Ipapo musi waApril 26, 1959, zvivako zvitsva zvebazi muMill Hill, kuLondon, zvakatsaurirwa. Gare gare dzimba dzokugara dzakakudziridzwa, uye pakupedzisira (muna 1993) nzvimbo yokudhindira yakakura 18 500 square metre uye nzvimbo yokutarisira zvakatsaurirwa pedyo naipapo. Pano makopi anopfuura mamiriyoni 90 eNharireyomurindi neMukai! anodhindwa gore negore mumitauro 23.
Kuwedzerwa kwebazi rechipiri reSosaiti kwaitonyanya kushamisa. Muna 1923 bazi reGermany rakatamisirwa kuMagdeburg. Nharireyomurindi yaJuly 15, 1923, yaiva yokutanga kudhindwa pamuchina weSosaiti ikoko. Mumakore mashomanana akazotevera, zvivako zvakabatana naro zvakatengwa, zvivako zvakawedzerwa, uye zvokubhaindisa uye michina yokudhinda yokuwedzera yakatengwa. Muna 1933 bazi racho rakabvutwa nevaNazi, Zvapupu zvakarambidzwa uye, nokufamba kwenguva, zviuru zviviri zvazvo zvakaendeswa kumisasa yevasungwa.
Pakapera Hondo Yenyika II muna 1945, zvivako zvomuMagdeburg, iyo panguva iyoyo yaiva rutivi rweEast Germany, zvakadzorerwa uye bazi racho rakavhurwazve. Asi musi waAugust 30, 1950, mapurisa echiKominisiti akapinda nechisimba muzvivako zvacho ndokusunga vashandi vacho, uye Zvapupu zvakarambidzwa muEast Germany. Munguva iyi, muna 1947 zvivako zvakanga zvatengwa muWiesbaden, kuWest Germany. Mumakumi emakore akazotevera, zvivako zvebazi zvakavakwa ikoko zvakakudziridzwa kakawanda kuti zvifambirane nokudiwa kwemabhuku.
Nokuti pakanga pasisina imwe nzvimbo yokuwedzera muWiesbaden, mahekita 30 akatengwa pedyo neSelters muna 1979. Pashure peanenge makore mashanu okuvaka, bazi hombe rakatsaurirwa musi waApril 21, 1984. Rakatowedzerwa, kuti rigone kugarwa nevashandi vepabazi vanopfuura chiuru nokure. Mwedzi mumwe nomumwe magazini anopfuura mamiriyoni 16 anodhindwa pamichina mihombe iri muSelters; uye murimwe gore richangobva kupfuura, mabhuku anopfuura mamiriyoni 18, kusanganisira maBhaibheri, akagadzirwa munzvimbo inobhaindwa mabhuku.
Mamwe Mapazi Makuru Anodhinda
Bazi rakatanga kuvakwa muKobe, kuJapan, muna 1927, asi kutambudzwa kwakanyanya kweZvapupu muHondo Yenyika II kwakaderedza basa razvo. Zvisinei, nguva pfupi pashure pehondo, bazi racho rakavhurwazve, muTokyo. Pakwakanga kusisina imwe nzvimbo yokuwedzera ikoko, bazi idzva rakavakwa muNumazu. Rakatsaurirwa muna 1973. Apo zvivako izvi zvakakurumidza kuita zviduku, zvitsva zvakakura zvakavakwa muEbina, uye izvi zvakatsaurirwa muna 1982. Zvivako zvakakudziridzwa panzvimbo iyi, zvinogona kugara vashandi 900, zvakapedzwa munguva pfupi yapfuura. Mumutauro wechiJapan chete, makopi anopfuura mamiriyoni 94 eNharireyomurindi neMukai! akadhindwa muna 1999, sezvakaitwawo mamiriyoni amabhuku.
Kukura kwemapazi kwave kwakadarowo munyika nenyika. Bazi rakavambwa muMexico City, kuMexico, muna 1929. Apo nhamba yeZvapupu yakasvika 60 000, zvivako zvitsva zvakakura zvakavakwa kunze kweguta racho. Zvakatsaurirwa muna 1974, uye zvokuwedzera kwazviri zvakapedzwa muna 1985 na1989. Zvivako zvitsva zvokudhindira nezvivako zvokugara zvokuwedzera zvava kuda kupedzwa zvino. Somugumisiro, bazi reMexico richange rava kugara vashandi vanenge 1 200 munguva pfupi inotevera. Nechekare bazi racho riri kuwanisa magazini nemabhuku kuZvapupu zvinopfuura 500 000 uye mamiriyoni evamwe vanhu muMexico nevanhu vari kugara munyika dziri pedyo.
Muna 1923 hofisi yebazi yakarongwa muRio de Janeiro, kuBrazil, uye gare gare zvivako zvokugara zvitsva zvakanaka kwazvo zvakavakwa ikoko. Asi sezvo São Paulo iri nzvimbo yepakati yebhizimisi neyokutakurwa kwezvinhu muBrazil, muna 1968 bazi idzva rakavakwa muguta iroro. Pakazosvika pakati pama1970, kwaiva nezvinenge Zvapupu 100 000 muBrazil. Zvisinei, kumwe kuwedzera kwakanga kusingachabviri muSão Paulo, saka nzvimbo yakakura mahekita 115 yakatengwa paCesário Lange, anenge makiromita 150 kunze kweSão Paulo. Musi waMarch 21, 1981, zvivako zvebazi panzvimbo itsva iyoyo zvakatsaurirwa. Nokuwedzerwa kwakaitwa nzvimbo iyi, bazi racho rinogona kugara vanhu 1 200. Magazini nemabhuku zvinodhindwa muBrazil nokuda kworutivi rukuru rweSouth America uyewo dzimwe nzvimbo dzenyika.
Rimwe bazi rokudhindira guru rakapedzwa mukutanga kwema1990, pedyo neBogotá, kuColombia. Magazini eNharireyomurindi neMukai! anodhindwa kuti aparadzirwe kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweSouth America kwose.
Mamwe mapazi anodhinda mamiriyoni emagazini pagore ari muArgentina, Australia, Canada, Finland, Italy, Korea, Nigeria, Philippines, South Africa, neSpain. Bazi riri muItaly rinodhindawo mamiriyoni emabhuku, kusanganisira maBhaibheri, gore rimwe nerimwe mumitauro yakawanda. Chokwadi, zvakawanda zvezvinodhindwa pagore, zvinosvika mabhuku anopfuura mamiriyoni 40 uye magazini anopfuura bhiriyoni rimwe, zvichiri kuitirwa padzimbahwe reWatch Tower Bible and Tract Society muBrooklyn, kuNew York, pamwe nokune imwe nzvimbo yokudhindira iri kumusoro kweNew York.
Zvechokwadi, zvinoshamisa kuti nhamba yemahofisi ebazi yawedzera kubva paimwe chete makore zana apfuura kusvika ku109 nhasi anogovera zvinodiwa neZvapupu zvaJehovha munyika 234. Uye kufunga kuti aya anoshandwa nevazvipiri vechiKristu 13 000 vakazvitsaurira! Zvechokwadi, basa ravo pamwe nerevazvipiri vanenge 5 500 vanogara padzimbahwe reSosaiti rave richikosha mukuzadzika kwouprofita hwaJesu Kristu hwokuti ‘aya mashoko akanaka oUmambo hwaMwari aizofanira kuparidzirwa mupasi rose rinogarwa mugumo usati wasvika.’—Mateu 24:14.
[Mashoko Omuzasi]
a Yainzi Zion’s Watch Tower Tract Society panguva iyoyo.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Tom Hart, anodavirwa kuva Mudzidzi weBhaibheri wokutanga muEngland
[Mifananidzo iri papeji 16]
Bazi romuLondon pa34 Craven Terrace (mumufananidzo uri kurudyi)
[Mifananidzo iri papeji 16]
Zvivako zviri kushandiswa muLondon pari zvino