‘Rakandibatsira Kuongorora Upenyu Hwangu’
NDIZVO zvakataurwa nomumwe musikana ane makore 18 anonzi Maria anobva muguta reCherepovets nezvebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Akanyora tsamba inotevera kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha pedyo neSt. Petersburg, Russia, anenge makiromita 400 kubva kuCherepovets.
“Bhuku iri rakandibatsira kuzviongorora pachangu, vavariro dzangu, uye vanhu vandinogara navo. Ndakawana mhinduro dzemibvunzo inondifadza zvikuru. Pandairava bhuku racho, misodzi yokuonga yakayerera pamatama angu.”
Maria akawedzera kuti: “Zvakaita sokuti jira rakanga rabviswa kubva pamaziso angu, ayo akavhurika zvikuru nomufaro. Bhuku iri rinokunda ose andakamborava muupenyu hwangu hwose. Hapana rakafanana naro, sezvo richitaura nyaya dzomuBhaibheri uye mazano aJehovha Mwari ndiwo akanaka zvikuru.”
Kana uchidawo kubatsirwa nemashoko ari mubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, unogona kuwana rako kana ukazadza ndokutumira koponi riri pano kukero iri pakoponi kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
◻ Nditumirei bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.
◻ Ndapota ndionei maererano nefundo yeBhaibheri yepamusha yepachena.