RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 11/8 p. 32
  • India neChina Dziri Kuiswa Pangozi Nefodya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • India neChina Dziri Kuiswa Pangozi Nefodya
  • Mukai!—1999
Mukai!—1999
g99 11/8 p. 32

India neChina Dziri Kuiswa Pangozi Nefodya

NEMUNYORI WEMUKAI! MUINDIA

SEZVO kushambadzira kwekuti fodya ideredzwe kuri kuwedzera nedzidzo yekukanganiswa kweutano kunoparirwa nekusvuta mudzanga iri kupararira munyika dzekuMadokero, makambani makuru efodya ava kutengesera zvinhu zvawo kuMabvazuva. Kuongorora kwakatsigirwa nemari neBhangi reNyika Dzepasi Pose kunofanotaura kuti pachazosvika gore ra2010 nzufu dzinokonzerwa nefodya muChina dzinogona kusvika miriyoni pagore rega rega. Magazini inonzi British Medical Journal yakataura kuti vanhu vekuChina vari pasi pemakore 29 vanosvika mamiriyoni 100 vachafa nemhaka yekusvuta.

Sangano Routano Renyika Dzepasi Pose rinojekesa kuti pamwe neChina, India—nevagari vayo vanoda kusvika bhiriyoni imwe—yakatarisanawo “nekuwedzera kwakakura kwazvo nekunokurumidza kwehosha inokonzerwa nefodya.” Mamwe mashoko anotaura kuti ikoko mamiriyoni 20 evana anotanga kusvuta gore rega rega. Mumwe murume wekuMaodzanyemba ekuIndia kwemakore akawanda aiva musvuti uya asingabvisi mudzanga pamuromo. Akanyorera vabudisi veMukai! achionga nyaya iri mumagazini yakamubatsira kuti arege kusvuta zvachose. Yaiva nyaya yaiti “Unogona Kurega—Isu Takarega!” yakabuda mumagazini yaDecember 8, 1998.

Zvikonzeroi zvaunogona kupa zvekurega kusvuta? Zvimwe zvinotokonya pfungwa zvinowanikwa papeji 25 yebhurocha rine mapeji 32 rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Unogona kukumbira kopi yaro nokuzadza ndokutumira kopani rabatanidzwa kukero yaratidzwa pakopani kana kuti kukero yakakodzera pane dzakarongwa papeji 5 yemagazini ino.

□ Nditumirei kopi yebhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?

□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri kwepamusha kwepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe