Kutenda Mashura—Nei Kune Ngozi Zvikuru?
KUTENDA mashura kunogona kukukuvadza here? Vamwe vangaramba pfungwa iyi kana kuti vangarerutsa njodzi yacho. Uyezve, mubhuku ravo rinonzi Believing in Magic—The Psychology of Superstition, Purofesa Stuart A. Vyse vanonyevera kuti: “Kutenda mashura kunogona kutungamirira kuupenyu husina kutsarukana kana munhu achipedzera mari yakawanda kumasvikiro, kuvafemberi, kuvaongorori venhamba, kana kuti kunyanzvi dzemakasi okushoperesa, kana kuti kana zvinoitwa nemunhu wacho zvokutenda mashura zvichimuita kuti arambe aine chinetso chokubhejera.” Kubvumira kutenda mashura kuti kudzore upenyu hwedu kunogona kuva nemigumisiro yakaipa zvikuru.
Sezvataona, kutenda mashura kwakawanda kunoitirwa kubvisa kutya pamusoro peramangwana. Zvisinei, zvinokosha kusiyanisa pakati pokutenda mashura nezivo inovimbika nezvechiri mberi kwedu. Funga nezvemuenzaniso uyu.
Nyaya Inoita Kuti Tinzwisise
Muna 1503, pashure pemwedzi yokupangura kumahombe-kombe eCentral America, Christopher Columbus akakwanisa kumisa ngarava dzake mbiri dzokupedzisira pachitsuwa chava kunzi Jamaica nhasi. Pakutanga, vagari vepachitsuwa ichi vakagovana zvokudya zvavo nevapanguri ava vainge vapererwa nezano. Zvisinei, pashure penguva yakati, kusazvibata kwevapanguri kwakaita kuti vagari vepachitsuwa vavanyime zvokudya. Mamiriro ezvinhu acho akanga akaoma, sezvo kwaizotora nguva huru imwe ngarava isati yauya kuzovanunura.
Maererano nenyaya yacho, Columbus akatsvaka zano mubhuku rake rakanyorwa kufamba kunoita zvinhu zvemuchadenga nemamiriro okunze ndokuziva kuti kuora kwemwedzi kwaizoitika pana February 29, 1504. Achiziva kuti vagari vepachitsuwa vanotenda mashura, akavanyevera kuti rima raizofukidza mwedzi kutoti kana vakapa vanhu vake zvokudya. Vagari vepachitsuwa vakaramba kuteerera kunyevera kwake—kusvikira kuora kwemwedzi kwatanga! Ipapo, “nokuzhambatata kukuru nokuridza mhere,” vaka“uya kungarava vachimhanya kubva kumativi ose vakatakura zvokudya.” Vapanguri vakagoverwa zvokudya kusvikira vazoenda.
Kuvagari vepachitsuwa, Columbus akanga aita mashiripiti makuru. Asi zvavakagumisa zvakangoparirwa nokutenda mashura. Chaizvoizvo, “kufanotaura” kwacho kwakanga kwakavakirwa pakufamba kwenguva dzose kwepasi, mwedzi uye zuva. Vanoongorora nyeredzi vanogona kufanotaura nemazvo kuora kwemwedzi kana kwezuva kwakadaro pachine nguva zvisati zvaitika, uye mashoko aya ari mumabhuku akanyorwa kufamba kunoita zvinhu zvemuchadenga nemamiriro okunze. Uyezve, kufamba kusingakanganisiki kwezvinhu zvomuchadenga kunogonesa vaongorori venyeredzi kuziva chaizvoizvo nzvimbo yazvichava panguva ipi neipi. Naizvozvo, kana pepanhau rekwaunogara rikataura nguva ichabuda zuva kana ichanyura zuva, unozvibvuma sechokwadi.
Chaizvoizvo, Musiki Mukuru wezvinhu zviri mudenga ndiye ane mashoko anonyorwa nezvenguva yokuora kwemwedzi kana kwezuva, kubuda kwezuva, nokuvira kwaro. Asi kufanotaura kwevanoshopera, masvikiro, vanoongorora chimburumbwa chinoonekera uye vanorava makasi okushopera nawo kunobva kuchinhu chakasiyana, chinopikisana naMwari Wamasimba Ose. Funga nezvezvatiri kureva.
Kwazvinobva Kune Njodzi
Pana Mabasa 16:16-19, nhau iri muBhaibheri inoti “mumwe musikana aishanda” muguta reFiripi rekare aipfumisa vatenzi vake nemari zhinji “nokufembera” kwake. Zvisinei, nhau yacho inotaura zvakajeka kuti kushopera kwacho kwaisabva kuMusiki wemasimba ose, asi ku“dhimoni rokushopera.” Saka, muapostora Pauro paakadzinga dhimoni racho, musikana aishanda wacho aive asisagoni kufembera.
Patinoziva kuti kufembera kwakadaro kunobva kumadhimoni, tinoona chikonzero nei mutemo waMwari kuvaIsraeri waiti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . munhu unovuka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga kana unobvunza masvikiro, kana muvuki. . . . Nokuti vose vanoita izvi vanonyangadza Jehovha.” (Dheuteronomio 18:10-12) Chokwadi ndechekuti, Mutemo waiti chirango chemiitiro yakadaro rufu.—Revhitiko 19:31; 20:6.
Zvingakushamisa kunzwa kuti masimba akaipa ndiwo anokonzera miitiro yakawanda yokutenda mashura inoratidzika seisingakuvadzi. Asi, Bhaibheri rinoti Satani ‘anozvishandura kuva ngirozi yechiedza.’ (2 VaKorinde 11:14) Satani nemadhimoni aanodzora vanogona kuita kuti miitiro ine njodzi iratidzike seisingakuvadzi, kunyange kutova seinobatsira. Padzimwe nguva, vanogona kuruka zvemashiripiti kwava kuita kuti zviitike, vachinyengedza vanoona kuti vafunge kuti zvishamiso izvozvo zviri kubva kuna Mwari. (Enzanisa naMateu 7:21-23; 2 VaTesaronika 2:9-12.) Ndicho chikonzero nei kufembera kunoitwa nevanoti vane masimba okufembera padzimwe nguva kuchiitika.
Chokwadika, vakawanda, kana vasiri vose, vanoti vane masimba emashiripiti matsotsi, maguruvha, anotsvaka kubira vanhu mari vakarivara. Asi kunyange kana vari matsotsi kana kuti kwete, chaizvoizvo vose vanoshandiswa zvinobudirira naSatani kuti vabvise vanhu kuna Jehovha, vachivapofumadza ku“mashoko akanaka ane mbiri.”—2 VaKorinde 4:3, 4.
Mazango “Erombo Rakanaka” Nokunamata Zvidhori
Uye zvakadini nemazango “erombo rakanaka” uye miitiro yokutenda mashura inoshandiswa nevanhu kuti vanzwe vakachengeteka uye vachikwanisa kudzora zvinongoitika muupenyu? Izvi zvine njodzi dzakawanda dzisingaoneki nyore. Chokutanga, munhu anotenda mashura chaizvoizvo angava ari kupa upenyu hwake kuti hudzorwe nemasimba asingaoneki. Anopira gotsi pfungwa uye kunzwisisa nepo achitya zvisina musoro.
Mumwe munyori anotaura nezveimwe njodzi iripo. Anoti: “Apo mumwe munhu anovimba nezango rerombo rakanaka kuti rimudzivirire uye zango racho parinokundikana, munhu iyeye anganyanya kupa mhosva zviito zvevamwe vanhu pamusoro pemunyama [wake], pane kuti abvume mhaka yacho pachake.” (Enzanisa naVaGaratiya 6:7.) Zvinofadza kuti munyori wenyaya Ralph Waldo Emerson akamboti: “Vanhu vasingafungi vanovimba nerombo rakanaka . . . Vanhu vanofunga vanovimba kuti kune zvinoparira uye migumisiro.”
“Zvinoparira uye migumisiro” muupenyu hwedu kakawanda zvinotungamirira kuzvinhu zvinongoitika—“nguva nezvinoitika” zvinotiwira tose. (Muparidzi 9:11) Zvinhu zvinongoitika hazvisi mugumisiro wezvinokonzerwa ne“rombo rakaipa.” VaKristu vanoziva kuti miitiro yokutenda mashura uye mazango emashiripiti hazvina zvazvinoita pane zvinongoitika zvoga. Kana zvikaitika, tinoyeuchidzwa chokwadi cheBhaibheri chokuti: “Hamuzivi zvichava zvakaita upenyu hwenyu mangwana. Nokuti muri mhute inooneka nguva duku yobva yanyangarika.”—Jakobho 4:14.
Uyezve, vaKristu vechokwadi vanoziva kuti kutya kwokuremekedza kunowanzopiwa mazango erombo rakanaka uyewo kumabira kana kuti miitiro yokutenda mashura. Saka, vaKristu vanoona miitiro yose yakadaro sekunamata zvidhori, kunonyatsoshorwa muShoko raMwari.—Eksodho 20:4, 5; 1 Johani 5:21.
Mazivire Atinogona Kuita Ramangwana
Izvi hazvirevi kuti vaKristu havana basa neramangwana. Kusiyana neizvozvo, kufunga zvakanaka kunoratidza kuti zvinobatsira zvikuru kuziva zviri munguva yemberi. Kana tikafanoziva zvichaitika, tinogona kuita zvakakodzera, tichizvibatsira uye vadiwa vedu.
Zvisinei, chaizvoizvo mashoko aya anofanira kutsvakwa kumunhu akarurama. Muprofita Isaya akanyevera kuti: “Vanhu vachakuudzai kuti mubvunze mashoko kuvafemberi uye kumasvikiro . . . Imi munofanira kuvapindura kuti, ‘Inzwai zvamuri kudzidziswa naShe! uye ‘Musateerera masvikiro—zvaanokuudzai hazvikubatsiriyi chinhu.’”—Isaya 8:19, 20, Today’s English Version.
Munhu ane mashoko anovimbika nezveramangwana Munyori weBhaibheri. (2 Petro 1:19-21) Iri bhuku rakafuridzirwa rine uchapupu hwakawanda hwokuti zvakaprofitwa naMwari wemasimba ose, Jehovha, zvakavimbika—chokwadi, zvakavimbika sekufamba kunoita zviri muchadenga “zvinofanoziviswa” mumabhuku asingaverengeki akanyorwa kufamba kunoita zvinhu zvemuchadenga nemamiriro okunze. Kuenzanisira kururama kweuprofita hweBhaibheri, funga nezvemuenzaniso uyu. Ngatitii mumwe munhu ane mukurumbira nhasi anozivisa vanhu ndokufanotaura zvichaitika makore 200 munguva yemberi, mugore ra2199. Kufanotaura kwake kune mashoko aya:
◻ Kurwisana kukuru kwemauto kuchaitika pakati penyika dzichigere kukwikwidzana kuva masimba enyika, uye mugumisiro wacho uchachinja nhau.
◻ Nzira ichashandiswa inobatanidza unyanzvi hunotyisa huchachinja kuyerera kwemvura yerwizi rwukuru.
◻ Zita remunhu achakunda rinopiwa—makore akawanda asati atomboberekwa.
◻ Mugumisiro wemunhu achakundwa unotsanangurwa, kufanotaura kwacho kuchitaura zvichaitika mazana akawanda amakore nguva yemberi.
Kudai kufanotaura kwese uku kwaizoitika, zvaisazoita kuti vanhu vafunge nezvezvimwe zvinhu zvakataurwa nemunhu uyu nezvenguva yemberi here?
Zvatichangobva kutsanangura zvakaitika zvechokwadi. Makore anenge 200 Bhabhironi risati rakurirwa nevaMedhia nevaPersia, Jehovha, achishandisa muprofita Isaya, akafanotaura zvinotevera:
◻ Kurwisana kukuru kwemauto kwaizoitika pakati peMedo-Persia neBhabhironi.—Isaya 13:17, 19.
◻ Chirongwa chinoshandiswa chaizobatanidza kupwa kwerwizi rwaidzivirira rwakanga rwakaita segomba. Mukuwedzera, masuwo eguta rakasimba aizosiyiwa akazaruka.—Isaya 44:27–45:2.
◻ Mukundi aizova nezita rokuti Koreshi—akafanotaurwa makore 150 asati aberekwa.—Isaya 45:1.
◻ Pakupedzisira, Bhabhironi raizova matongo chaiwo.—Isaya 13:17-22.
Kufanotaura kwese uku kwakaitika. Saka hazvina kukodzera here kuti ufunge nezvehumwe uprofita hwakaitwa naJehovha muShoko rake rakanyorwa?
Ramangwana Rakanaka Zvikuru iro Mwari Anopikira
Bhaibheri rinofanotaura chii? Bhaibheri rinopikira kuti munyika itsva yaMwari, hapana munhu achava asina kuchengeteka nezveramangwana. Cherekedza kuti Mwari anosimbisa sei kune vachave vachirarama panguva iyoyo: “Hakuna ungazovatyisa” vanhu vangu.—Mika 4:4.
Bhaibheri rinopfuurira kupikira kuti Mwari ‘achapfumbanura chanza chake ndokugutsa chido chezvinhu zvose zvinorarama.’ (Pisarema 145:16) Kuzadzika kwechipikirwa ichocho kuchiri kure zvikuru here? Kwete! Pachine nguva mberi zvikuru Bhaibheri rakafanotaura kuti mamiriro ezvinhu atinoona papasi zvino anoratidza kuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” egadziriro yakaipa yezvinhu.—2 Timoti 3:1-5.
Nokukurumidza Musiki ane rudo achagumisa mamiriro ezvinhu akaipa aya. Achaita kuti hondo dzose, zvinoparira kuti munyika yose musava nekuchengeteka uye kutambura, zvigume. Uyezve, ruvengo, udyire, utsotsi, uye chisimba zvichapera nokusingaperi. Bhaibheri rinopikira kuti: “Vanyoro vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.
Pakati pemakomborero akawanda ayo vanhu vachanakidzwa nawo munyika itsva iyoyi utano hwakanaka. Kunyange rufu nekusuwa kwarwunounza hazvizovipo. Mwari pachake anoti: “Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:4, 5.
Panguva iyoyo hapana munhu achawirwa nezvinongoitika muupenyu zvinochinja nokuparadza upenyu nhasi. Vachaparadzwawo vachave vari madhimoni akaipa naSatani, vanoparira kutya kwokutenda mashura uye nhema dzakaipa. Chokwadi chinofadza ichi chinowanika muBhaibheri.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Kutenda mashura nekuita zvemidzimu zvakabatana zvikuru
[Kwazvakatorwa]
Kusiya kwemukadzi ari muchimburumbwa chinoonekera: Les Wies/Tony Stone Images
[Mufananidzo uri papeji 28]
Nyika itsva yaMwari ichava isina kutenda mashura